< 2 VaKorinde 8 >

1 Zvino tinokuzivisai, hama, nyasha dzaMwari dzakapiwa pamakereke eMakedhonia;
Wir tun euch aber, ihr Brüder, die Gnade Gottes kund, welche den Gemeinden Mazedoniens gegeben worden ist.
2 kuti pakuedzwa kukuru kwedambudziko, kuwanzwa kwemufaro wavo neurombo hwavo hwakadzama zvakawedzera pafuma yekupa kwavo.
Denn trotz vieler Trübsalsproben hat ihre überfließende Freude und ihre so tiefe Armut den Reichtum ihrer Gebefreudigkeit zutage gefördert.
3 Nokuti vakange vane chido pakukwanisa kwavo, ndinopupura, kunyange kupfuura kukwanisa kwavo,
Denn nach Vermögen, ja ich bezeuge es, über ihr Vermögen waren sie bereitwillig
4 nechikumbiro chikuru vakatigombedzera, kuti tigamuchire chipo uye kugovana parubatsiro rwunova rwevatsvene;
und baten uns mit vielem Zureden um die Gnade, an dem Dienste für die Heiligen teilnehmen zu dürfen,
5 uye kwete sezvatakatarisira, asi vakatanga kuzvipa ivo kuna Ishe, nekwatiri nechido chaMwari.
und nicht nur, wie wir es erhofften, sondern sich selbst gaben sie hin, zuerst dem Herrn und dann uns, durch den Willen Gottes,
6 Zvekuti takakurudzira Tito, kuti sezvaakange ambotanga, saizvozvo apedzisewo kwamuri basa iri renyashawo.
so daß wir Titus zusprachen, dieses Liebeswerk, wie er es angefangen hatte, nun auch bei euch zu Ende zu führen.
7 Asi sezvamakawanza pazvese, parutendo, uye pashoko, uye paruzivo, uye pakushingaira kwese, uye parudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti muwanzewo pabasa iri renyasha.
Aber wie ihr in allen Stücken reich seid, an Glauben, am Wort, an Erkenntnis und an allem Eifer und der Liebe, die ihr zu uns habt, so möge auch dieses Liebeswerk reichlich bei euch ausfallen!
8 Handitauri semurairo, asi nekushingaira kwevamwe uye ndichiidza uchokwadi hwerudo rwenyu.
Nicht als Gebot sage ich das, sondern um durch den Eifer anderer auch die Echtheit eurer Liebe zu erproben.
9 Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange akange akafuma, nekuda kwenyu wakava murombo, kuti imwi kubudikidza neurombo hwake mufume.
Denn ihr kennet die Gnade unsres Herrn Jesus Christus, daß er, obwohl er reich war, um euretwillen arm wurde, damit ihr durch seine Armut reich würdet!
10 Zvino pachinhu ichi ndinopa maonero; nokuti ichi chinokubatsirai, imwi makatotanga kubva gore rakapera, kwete kuita chete, asi nekuda.
Und ich gebe meine Meinung hierüber ab: Es ist geziemend für euch, weil ihr nicht nur das Tun, sondern auch das Wollen seit vorigem Jahre angefangen habt,
11 Asi ikozvinowo pedzisai kuita, kuti, sezvapane chishuwo chemoyo, saizvozvo kuripo kupedzisawo kubva pane zvamunazvo.
daß ihr nun auch das Tun vollendet, damit der Geneigtheit des Willens auch das Vollenden entspreche, nach Maßgabe dessen, was ihr habt.
12 Nokuti kana chishuwo chemoyo chiripo, munhu anogamuchirika zvichienderana nezvaanazvo, kwete kuenderana nezvaasina.
Denn wo der gute Wille vorhanden ist, da ist einer angenehm nach dem, was er hat, nicht nach dem, was er nicht hat.
13 Nokuti hakusi kuti vamwe vave nekurerusirwa, imwi muremerwe; asi kubva pakuenzana, panguva yaikozvino zvakawanda zvenyu zviwedzere pakushaiwa kwavo,
Dieses sage ich aber nicht, damit andere Erleichterung haben, ihr aber Bedrängnis; sondern nach dem Grundsatz der Gleichheit soll in der jetzigen Zeit euer Überfluß dem Mangel jener abhelfen,
14 kutiwo zvakawanda zvavo zviwedzere pakushaiwa kwenyu, kuti kuve nekuenzana,
auf daß auch ihr Überfluß eurem Mangel abhelfe, damit ein Ausgleich stattfinde,
15 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaunganidza zvizhinji haana kuva nezvakasara; newakaunganidza zvishoma haana kushaiwa.
wie geschrieben steht: «Wer viel sammelte, hatte nicht Überfluß, und wer wenig sammelte, hatte nicht Mangel.»
16 Asi ngaavongwe Mwari wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri,
Gott aber sei Dank, der denselben Eifer für euch dem Titus ins Herz gegeben hat.
17 kuti zvirokwazvo wakagamuchira kurudziro, asi zvaakange achishingaira zvikuru, wakabva akaenda kwamuri nechido chake.
Denn er nahm nicht nur den Zuspruch an, sondern reiste, weil er so großen Eifer hatte, freiwillig zu euch ab.
18 Zvino takatuma pamwe naye hama, rumbidzo yake muevhangeri yakagura nemumakereke ese;
Wir sandten aber den Bruder mit ihm, dessen Lob wegen des Evangeliums bei allen Gemeinden [bekannt geworden] ist.
19 zvisati zviri izvozvo chete, asi wakasarudzwawo nemakereke kuti atiperekedze nenyasha idzi, dzakabatiswa nesu mukurumbidzwa kwaIshe uyu, nechishuwo chemoyo wenyu;
Und nicht nur das, sondern er ist auch von den Gemeinden zu unserm Reisegefährten erwählt worden für dieses Liebeswerk, das von uns zur Ehre des Herrn selbst und zum Beweise unsres guten Willens besorgt wird,
20 tichidzivirira izvi, zvimwe umwe angatimhura pamusoro pezvipamhidzirwa izvi zvinobatiswa nesu;
indem wir das verhüten wollen, daß uns jemand dieser reichen Steuer halben, die durch uns besorgt wird, übel nachrede.
21 tichirangarira zvakanaka kwete pamberi paIshe chete asi pamberi pevanhuwo.
Denn wir sind auf das bedacht, was recht ist, nicht nur vor dem Herrn, sondern auch vor den Menschen.
22 Uye takatuma navo hama yedu, yatakawana yakashingaira pazvizhinji kazhinji, asi zvino anonyanya kushingaira nekuda kwekukuvimbai kukuru.
Wir sandten aber mit ihnen unsern Bruder, den wir oft und in vielen Stücken als eifrig erfunden haben, der jetzt aber im großen Vertrauen zu euch noch viel eifriger ist.
23 Kana zviri zvaTito, umwe wangu nemushandi pamwe neni kwamuri; kana hama dzedu, nhume dzekereke, vari kukudzwa kwaKristu.
Was Titus betrifft, so ist er mein Genosse und Mitarbeiter für euch; unsre Brüder aber sind Apostel der Gemeinden, eine Ehre Christi.
24 Naizvozvo ratidzai kwavari uchapupu hwerudo rwenyu nehwekuzvikudza kwedu pamusoro penyu, nepamberi pemakereke.
So liefert nun den Beweis eurer Liebe und unsres Rühmens von euch ihnen gegenüber öffentlich vor den Gemeinden!

< 2 VaKorinde 8 >