< 2 VaKorinde 7 >
1 Zvatine zvivimbiso izvi, vadikanwi, ngatizvinatse patsvina yese yenyama neyemweya, tipedzise utsvene mukutya Mwari.
Dakle, budući da imamo ta obećanja, očistimo se, ljubljeni, od svake ljage tijela i duha te dovršimo posvećenje u strahu Božjemu.
2 Gamuchirai isu; hatina kuitira munhu chakaipa, hatina kukanganisira munhu, hatina kubatira munhu.
Shvatite nas! Nikomu nismo nanijeli nepravde, nikoga nismo upropastili, nikoga zakinuli.
3 Handitauriri kupa mhosva; nokuti ndamboreva, kuti muri mumoyo medu, kuti tife nekurarama pamwe.
Ne govorim da osudim. Ta rekoh već: u srcima ste našim te umiremo i živimo zajedno.
4 Ushingi hwenhauro yangu kwamuri hukuru, kuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndakazadzwa nenyaradzo, ndakawanzirwa mufaro padambudziko redu rese.
Veliko je moje pouzdanje u vas, uvelike se vama ponosim. Pun sam utjehe, obilujem radošću uza svu nevolju našu.
5 Nokutiwo tasvika kuMakedhonia, nyama yedu haina kuva nezororo, asi takadzvinyirirwa pazvese; kunze kukakavara, mukati kutya.
Doista, i kada dođosmo u Makedoniju, nikakva spokoja nije imalo tijelo naše, nego nevolje odasvud: izvana borbe, iznutra strepnje.
6 Asi Mwari, anonyaradza vakasuruvadzwa, wakatinyaradza nekusvika kwaTito;
Ali Bog, tješitelj poniznih, utješi nas dolaskom Titovim.
7 uye kwete pakusvika kwake chete, asi nepakunyaradzwa kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuwo chenyu, kuchema kwenyu, kushingaira kwenyu pamusoro pangu, zvekuti ndakanyanya kufara.
Ne samo dolaskom njegovim, nego i utjehom kojom se utješi zbog vas: obavijesti nas o vašoj čežnji, vašem jadikovanju, vašoj žarkoj ljubavi prema meni tako da se još većma obradovah.
8 Nokuti kunyange ndakakusuruvadzai netsamba, handizvidembi, kunyange ndichizvidemba; nokuti ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakusuruvadzai, kunyange kuri kwenguva diki.
Doista, ako sam vas i ožalostio onom poslanicom, nije mi žao; ako mi i bijaše žao - vidim uistinu da vas je ta poslanica makar i načas ožalostila -
9 Ikozvino ndinofara, kwete kuti makasuruvadzwa, asi kuti makasuruvadzika mukatendeuka; nokuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nekuda kwedu.
sad se radujem, ne što ste se ožalostili, nego što ste se ožalostili na obraćenje. Jer ožalostili ste se po Božju te zbog nas ni u čemu niste štetovali.
10 Nokuti kuchema nenzira yeuMwari kunouisa kutendeuka rwuve ruponeso rwausingazvidembi narwo; asi kuchema nenzira yenyika kunouisa rufu.
Jer žalost po Božju rađa neopozivo spasonosnim obraćenjem, a žalost svjetovna rađa smrću.
11 Nokuti tarirai, chinhu ichocho, kuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, chakauisa mukati menyu shungu dzakadini, inga kuzvidavirira, inga kutsamwa, inga kutya, inga chishuvo chakasimba, inga kushingaira, inga kutsiva. Pazvese makazviratidza kuti makachena pachiitiko ichi.
Gle, doista baš to što ste se po Božju ožalostili, kolikom gorljivošću urodi među vama, pa opravdavanjem, pa ogorčenjem, pa strahom, pa čežnjom, pa revnošću, pa kažnjavanjem. Svime ste time pokazali da ste u onome nedužni.
12 Naizvozvo kanawo ndakakunyorerai, ndakazviita kwete nekuda kwewakatadza, kana nekuda kwaiye wakatadzirwa, asi kuti kukushingairirai kwedu kuratidzwe kwamuri pamberi paMwari.
Ako sam vam dakle pisao, nisam to zbog uvreditelja ni zbog uvrijeđenoga, nego zbog toga da vam se očituje vaša gorljivost za nas pred Bogom.
13 Nemhaka iyi takanyaradzwa panyaradzo yenyu; hongu takafara zvikuru kwazvo pamufaro waTito, nokuti mweya wake wakavandudzwa kubva kwamuri mese.
To nas je utješilo. A povrh te naše utjehe još se mnogo više obradovasmo zbog radosti Titove jer svi vi okrijepiste duh njegov.
14 Nokuti kana ndakazvikudza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handinyadziswi; asi sezvatakataura zvinhu zvese kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvikudza kwedu kuri pamberi paTito kwakava chokwadi.
Doista, ako sam mu se što vama pohvalio, ne postidjeh se, nego kao što smo po istini vama govorili, tako je istina bila i pohvala naša pred Titom.
15 Nehanya dzake dzawedzerwa kwazvo kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mese, kuti makamugamuchira sei nekutya uye kudedera.
I njegovo je srce prema vama još nježnije kad se sjeti poslušnosti svih vas, kako ga sa strahom i trepetom primiste.
16 Ndinofara naizvozvo kuti pazvese ndine chivimbo mamuri.
Radujem se što se u svemu mogu pouzdati u vas.