< 2 VaKorinde 5 >
1 Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika yetende ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuitwa nemaoko, isingaperi kumatenga. (aiōnios )
Now we know that if the earthly tent we live in is dismantled, we have a building from God, an eternal house in heaven, not built by human hands. (aiōnios )
2 Nokuti nemune iyi tinogomera, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;
For in this tent we groan, longing to be clothed with our heavenly dwelling,
3 kana nesu takapfekedzwa hatingawanikwi tisina chatakapfeka.
because when we are clothed, we will not be found naked.
4 Nokuti nesu tiri mutende tinogomera, tichiremerwa; nokuti hatishuvi kukururwa, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu.
So while we are in this tent, we groan under our burdens, because we do not wish to be unclothed but clothed, so that our mortality may be swallowed up by life.
5 Zvino wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo rubatso rweMweya.
And God has prepared us for this very purpose and has given us the Spirit as a pledge of what is to come.
6 Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti tichiri kumusha mumuviri, tiri kure naIshe;
Therefore we are always confident, although we know that while we are at home in the body, we are away from the Lord.
7 nokuti tinofamba nerutendo, kwete nekuona;
For we walk by faith, not by sight.
8 naizvozvo tine ushingi, uye tinofara zvikuru kuti zviri nani kusava pamuviri, uye kuva kumusha naIshe.
We are confident, then, and would prefer to be away from the body and at home with the Lord.
9 Naizvozvowo tinoedza zvikuru, kana tiri pamusha kana tisiri pamusha, kuti tigamuchirike kwaari.
So we aspire to please Him, whether we are here in this body or away from it.
10 Nokuti tese tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu, kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita nemuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.
For we must all appear before the judgment seat of Christ, that each one may receive his due for the things done in the body, whether good or bad.
11 Naizvozvo tichiziva kutyisa kwaIshe tinonyengetedza vanhu, asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwewo pahana dzenyu.
Therefore, since we know what it means to fear the Lord, we try to persuade men. What we are is clear to God, and I hope it is clear to your conscience as well.
12 Nokuti hatizvizivisizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekuzvirumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana nevanozvirumbidza pachiso, kwetewo pamoyo.
We are not commending ourselves to you again. Instead, we are giving you an occasion to be proud of us, so that you can answer those who take pride in appearances rather than in the heart.
13 Nokuti kana tichipenga, tinopenga kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, tiri kwavo kwamuri.
If we are out of our mind, it is for God; if we are of sound mind, it is for you.
14 Nokuti rudo rwaKristu rwunotimanikidza, nokuti tinoona izvozvi kuti kana umwe akafira vese, zvino vese vakafa;
For Christ’s love compels us, because we are convinced that One died for all, therefore all died.
15 uye wakafira vese kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve.
And He died for all, that those who live should no longer live for themselves, but for Him who died for them and was raised again.
16 Naizvozvo kubvira ikozvino isu hatizivi munhu panyama; uye kunyange kana takaziva Kristu panyama, asi ikozvino hatichamuzivi saizvozvo.
So from now on we regard no one according to the flesh. Although we once regarded Christ in this way, we do so no longer.
17 Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva; zvekare zvapfuura, tarira zvese zvava zvitsva.
Therefore if anyone is in Christ, he is a new creation. The old has passed away. Behold, the new has come!
18 Uye zvese zvinobva kuna Mwari, wakatiyananisa naye kubudikidza naJesu Kristu, uye wakatipa shumiro yeyananiso;
All this is from God, who reconciled us to Himself through Christ and gave us the ministry of reconciliation:
19 sezvinonzi Mwari wakange achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo, akaisa kwatiri shoko reyananiso.
that God was reconciling the world to Himself in Christ, not counting men’s trespasses against them. And He has committed to us the message of reconciliation.
20 Naizvozvo tiri nhume pachinzvimbo chaKristu, Mwari saanenge achikumbirisa nesu; tinokumbirisa pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.
Therefore we are ambassadors for Christ, as though God were making His appeal through us. We implore you on behalf of Christ: Be reconciled to God.
21 Nokuti uyo wakange asingazivi chivi wakamuita chivi pachinzvimbo chedu, kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
God made Him who knew no sin to be sin on our behalf, so that in Him we might become the righteousness of God.