< 2 VaKorinde 12 >
1 Kuzvikudza zvirokwazvo hakubatsiri kwandiri; nokuti ndichauya pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.
It is necessary to boast, though it is not profitable. But I will come to visions and revelations of the Lord.
2 Ndinoziva munhu ari muna Kristu makore gumi nemana apfuura (kana zvakaitwa mumuviri, handizivi, kana kunze kwemuviri, handizivi, Mwari anoziva), wakadai wakabvutirwa kudenga rechitatu.
I know a man in Christ, fourteen years ago (whether in the body, I do not know, or whether out of the body, I do not know; God knows), such a one was caught up into the third heaven.
3 Uye ndinoziva munhu wakadai (kana mumuviri, kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari anoziva),
I know such a man (whether in the body, or apart from the body, I do not know; God knows),
4 kuti wakabvutwa akaiswa muparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki, asingabviri munhu kutaura.
how he was caught up into Paradise, and heard unspeakable words, which it is not lawful for a human to utter.
5 Ndichazvikudza newakadai; asi pamusoro pangu ndomene handizvikudzi, asi pautera hwangu.
On behalf of such a one I will boast, but on my own behalf I will not boast, except in my weaknesses.
6 Nokuti kana ndichida kuzvikudza, handaizova benzi; nokuti ndichareva chokwadi; asi ndinorega, zvimwe umwe angandifungira kuva mukuru kune zvaakaona ndiri, kana zvaakanzwa kwandiri,
For if I would desire to boast, I will not be foolish; for I will speak the truth. But I refrain, so that no one may think more of me than that which he sees in me, or hears from me.
7 uye kuti ndirege kukudzwa kubudikidza nekuwanda kwezvakazarurwa, ndakapiwa munzwa munyama, nhume yaSatani kuti indirove, kuti ndirege kukudzwa.
And because of the surpassing greatness of the revelations, therefore, to keep me from exalting myself, there was given to me a thorn in the flesh, a messenger of Satan to pound away at me, to keep me from exalting myself.
8 Maererano nechinhu ichi ndakakumbirisa Ishe katatu kuti chibve kwandiri.
Concerning this thing, I pleaded with the Lord three times that it might depart from me.
9 Zvino akati kwandiri: Nyasha dzangu dzakakukwanira; nokuti simba rangu rinozadziswa muutera. Naizvozvo ndichazvirumbidza nemufaro mukuru muutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
He has said to me, "My grace is sufficient for you, for power is made perfect in weakness." Most gladly therefore I will rather glory in my weaknesses, that the power of Christ may rest on me.
10 Naizvozvo ndinofara muutera, mukutukwa, mukushaiwa, murushusho, mukushungurudzwa, nekuda kwaKristu; nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.
Therefore I take pleasure in weaknesses, in injuries, in necessities, in persecutions, in distresses, for Christ's sake. For when I am weak, then am I strong.
11 Ndava benzi ndichizvikudza; ndimwi makandimanikidza; nokuti ini ndaifanira kuziviswa nemwi; nokuti handisariri nepadiki kuvaapositori vakurusa, kunyange ndisiri chinhu.
I have become foolish. You compelled me, for I ought to have been commended by you, for in nothing was I inferior to the very best apostles, though I am nothing.
12 Zvirokwazvo zviratidzo zvemuapositori zvakaitwa pakati penyu pamoyo murefu wese, muzviratidzo nezvishamiso nemabasa esimba.
Truly the signs of an apostle were worked among you in all patience, in signs and wonders and mighty works.
13 Nokuti chii chamuri pasi nacho kune amwe makereke, kunze kwekuti ini ndomene handina kuva mutoro kwamuri? Ndikanganwirei kusarurama uku.
For what is there in which you were made inferior to the rest of the churches, unless it is that I myself was not a burden to you? Forgive me this wrong.
14 Tarirai, ndazvigadzirira kuuya kwamuri rwechitatu, uye handizovi mutoro kwamuri; nokuti handitsvaki zvenyu, asi imwi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vana.
Look, for the third time I am ready to come to you, and I will not be a burden to you; for I seek not what is yours, but you. For the children ought not to save up for the parents, but the parents for the children.
15 Uye ndinoda nemufaro mukuru kuparadza uye kuparadzirwa mweya yenyu, kunyange ndichikudai zvakapamhidzirwa zvikuru, ndinodikanwa zvishoma.
I will most gladly spend and be spent for your souls. If I love you more abundantly, am I loved the less?
16 Asi zvakadaro, ini handina kukuremedzai; asi zvandakange ndine mano, ndakakubatai nekunyengera.
But be it so, I did not myself burden you. But, being crafty, I caught you with deception.
17 Ndakakutsvatai here chero neumwe waivo vandakatuma kwamuri?
Did I take advantage of you by anyone of them whom I have sent to you?
18 Ndakakumbira Tito, ndikatuma hama naye; Tito wakakutsvatai here? Hatina kufamba nemumweya umwe here? Hatinakufamba nemumakwara mamwe here?
I exhorted Titus, and I sent the brother with him. Did Titus take any advantage of you? Did not we walk in the same spirit? Did not we walk in the same steps?
19 Zvekare munofunga kuti tinozvidzivirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura zvese, vadikanwi, zvekuvakwa kwenyu.
Have you been thinking all this time that we have been defending ourselves before you? In the sight of God we speak in Christ; and all things, beloved, are for your edifying.
20 Nokuti ndinotya, zvimwe pakusvika ndikuwanei musina kuita sezvandinoda, neni ndiwanikwe nemwi ndisina kuita sezvamunoda; zvimwe kuvepo makakava, godo, hasha, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi, mabongozozo;
For I am afraid that by any means, when I come, I might find you not the way I want to, and that I might be found by you as you do not desire; that by any means there would be strife, jealousy, outbursts of anger, factions, slander, whisperings, proud thoughts, riots;
21 zvimwe pakusvika kwanguzve Mwari wangu andininipise pakati penyu, uye ndichemere vazhinji vevakambotadza, vakasatendeuka pakusachena neupombwe neunzenza hwavakaita.
that again when I come my God would humble me before you, and I would mourn for many of those who have sinned before now, and not repented of the uncleanness and sexual immorality and lustfulness which they committed.