< 1 Timoti 6 >

1 Vese vari varanda pasi pejoko, ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nerukudzo rwese, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa.
Let as many as are slaves under the yoke count their own masters worthy of all honor, that the name of God and the doctrine not be blasphemed.
2 Nevane vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza, zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nokuti vakatendeka uye vanodikanwa vagovani vemubairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire.
Those who have believing masters, let them not despise them, because they are brothers, but rather let them serve them, because those who partake of the benefit are believing and beloved. Teach and exhort these things.
3 Kana munhu achidzidzisa zvakasiyana nezvizvi, uye asingabvumiri mashoko awa mapenyu, aIshe wedu Jesu Kristu, nekudzidziso inoenderana nekunamata Mwari,
If anyone teaches a different doctrine, and does not consent to sound words, the words of our Lord Jesus (the) Messiah, and to the doctrine which is according to godliness,
4 anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko, panobva godo, gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa,
he is conceited, knowing nothing, but obsessed with arguments, disputes, and word battles, from which come envy, strife, reviling, evil suspicions,
5 kukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro.
constant friction of people of corrupt minds and destitute of the truth, who suppose that godliness is a means of gain.
6 Asi kunamata Mwari nekugutsikana ndizvo zvinofumisa kwazvo;
But godliness with contentment is great gain.
7 nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu;
For we brought nothing into the world, so neither can we carry anything out.
8 asi kana tine kudya nezvekupfeka tichagutsikana neizvozvi.
But having food and clothing, we will be content with that.
9 Asi vanoshuva kufuma vanowira mumuedzo nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa;
But those who are determined to be rich fall into a temptation and a snare and many foolish and harmful lusts, such as plunge people into ruin and destruction.
10 nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvese; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji.
For the love of money is a root of all kinds of evil. Some have been led astray from the faith in their greed, and have pierced themselves through with many sorrows.
11 Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, kunamata Mwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro.
But you, man of God, flee these things, and follow after righteousness, godliness, faith, love, patience, and gentleness.
12 Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, batisisa upenyu husingaperi, hwawakadanirwawo kwahuri, ukabvumawo kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. (aiōnios g166)
Fight the good fight of faith. Lay hold of the everlasting life to which you were called, and you confessed the good confession in the sight of many witnesses. (aiōnios g166)
13 Ndinokuraira pamberi paMwari, anoraramisa zvinhu zvese, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato,
I command you before God, who gives life to all things, and before Messiah Jesus, who before Pontius Pilate testified the good confession,
14 kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
that you keep the commandment without spot, blameless, until the appearing of our Lord Jesus (the) Messiah;
15 kwaacharatidza panguva dzake, iye Wakaropafadzwa neWemasimbaose ega, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe,
which in its own times he will show, who is the blessed and only Ruler, the King of kings, and Lord of lords;
16 iye ega ane kusafa, agere pachiedza chisingasvikiki, hakuna umwe wevanhu wakambomuona, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni. (aiōnios g166)
who alone has immortality, dwelling in unapproachable light; whom no human has seen, nor can see: to whom be honor and eternal power. Amen. (aiōnios g166)
17 Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi muna Mwari mupenyu, anotipa zvinhu zvese achiwanza kuti tifare; (aiōn g165)
Charge those who are rich in this present world that they not be haughty, nor have their hope set on the uncertainty of riches, but on God, who richly provides us with everything to enjoy; (aiōn g165)
18 vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, nekugovana;
that they do good, that they be rich in good works, that they be ready to distribute, willing to communicate;
19 vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inouya, kuti vabatisise upenyu husingaperi.
laying up in store for themselves a good foundation against the time to come, that they may lay hold of that which is truly life.
20 Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakabatiswa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo zviri zvenhema;
Timothy, guard that which is committed to you, turning away from the empty chatter and oppositions of the knowledge which is falsely so called;
21 irwo vamwe vakati vachibvuma vakarasika maererano nerutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni.
which some professing have erred concerning the faith. Grace be with you.

< 1 Timoti 6 >