< 1 Timoti 4 >

1 Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni,
But the Spirit speaks expressly, that in latter times some shall apostatise from the faith, giving their mind to deceiving spirits and teachings of demons
2 paunyepedzeri hwevanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo pachavo nedare rinopisa,
speaking lies in hypocrisy, cauterised as to their own conscience,
3 vachidzivisa kuwanana nekuraira kurega kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi.
forbidding to marry, [bidding] to abstain from meats, which God has created for receiving with thanksgiving for them who are faithful and know the truth.
4 Nokuti chese chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga;
For every creature of God [is] good, and nothing [is] to be rejected, being received with thanksgiving;
5 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.
for it is sanctified by God's word and freely addressing [him].
6 Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera.
Laying these things before the brethren, thou wilt be a good minister of Christ Jesus, nourished with the words of the faith and of the good teaching which thou hast fully followed up.
7 Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pakunamata Mwari;
But profane and old wives' fables avoid, but exercise thyself unto piety;
8 nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya.
for bodily exercise is profitable for a little, but piety is profitable for everything, having promise of life, of the present one, and of that to come.
9 Shoko iri rakatendeka uye rinofanirwa nekugamuchirwa kwese.
The word [is] faithful and worthy of all acceptation;
10 Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vese, zvikuru weavo vanotenda.
for, for this we labour and suffer reproach, because we hope in a living God, who is preserver of all men, specially of those that believe.
11 Raira zvinhu izvi udzidzise.
Enjoin and teach these things.
12 Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene.
Let no one despise thy youth, but be a model of the believers, in word, in conduct, in love, in faith, in purity.
13 Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira, nepadzidziso.
Till I come, give thyself to reading, to exhortation, to teaching.
14 Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri.
Be not negligent of the gift [that is] in thee, which has been given to thee through prophecy, with imposition of the hands of the elderhood.
15 Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vese.
Occupy thyself with these things; be wholly in them, that thy progress may be manifest to all.
16 Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nokuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe pamwe nevanokunzwa.
Give heed to thyself and to the teaching; continue in them; for, doing this, thou shalt save both thyself and those that hear thee.

< 1 Timoti 4 >