< 1 Timoti 3 >
1 Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, anoshuva basa rakanaka.
Trustworthy [is] the saying: If anyone overseership aspires to, of good a work he is desirous.
2 Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakazvibata, anozvidzora, ane chiremerera, anogamuchira vaeni, nyanzvi pakudzidzisa,
It behooves therefore the overseer above reproach to be, of one wife [the] husband, sober, self-controlled, respectable, hospitable, able to teach,
3 asiri muraradzi, asingafariri kurwa, asingakariri mibairo yakaipa, asi wakadzikama, asina gakava, asingakariri mari;
not given to wine, not a striker (not greedy of base gain *K*) but gentle, peaceable, not loving money,
4 anobata imba yake pachake zvakanaka, anodzora vana vake nerukudzo rwese,
[his] own house well managing, children having in submission with all dignity.
5 nokuti kana munhu asingazivi kubata imba yake pachake, achachengeta sei kereke yaMwari?
if but one his [own] household to manage not knows, how [the] church of God will he care for?
6 Asava mutendi mutsva, kuti nekukudzwa arege kuwira mukupiwa mhosva kwadhiabhorosi.
not a novice, that not having been puffed up into [the] judgment he may fall of the devil.
7 Uyezve anofanira kuva neuchapupu hwakanaka kubva kune vari kunze, kuti arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.
It behooves now (him *k*) also a testimony good to have from those outside, so that not into reproach he may fall and [the] snare of the devil.
8 Saizvozvo vadhikoni ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa,
Deacons likewise [must be] dignified, not double-tongued, not to wine much being given, not greedy of dishonest gain,
9 vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.
holding to the mystery of the faith with clear a conscience.
10 Naivava ngavatange kuedzwawo, ipapo vangashumire, kana vasina chavangapomerwa.
Also these now they should be tested first, then they should serve blameless being.
11 Saizvozvo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vanozvidzora, vakatendeka pazvese.
Women likewise [must be] dignified, not slanderers, (clear-minded, *N(k)O*) faithful in all things.
12 Vadhikoni ngavave varume vemukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo pachavo zvakanaka.
Deacons should be of one wife husbands, [their] children well managing and [their] own households.
13 Nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.
Those for well having served a standing for themselves good acquire and great confidence in [the] faith that [is] in Christ Jesus.
14 Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;
These things to you I am writing hoping to come to you (with *no*) (speed; *N(k)O*)
15 asi kana ndikanonoka, kuti uzive kuti vanofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.
if however I shall delay, so that you may know how it behooves [one] in [the] household of God to conduct oneself, which is [the] church of God [the] living, [the] pillar and base of the truth.
16 Zvinotendekawo kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama paMweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.
And confessedly great is the of godliness mystery: (Who *N(K)O*) was revealed in [the] flesh, was justified in [the] Spirit, beheld by angels, was proclaimed among [the] nations, was believed on in [the] world, was taken up in glory.