< 1 Timoti 2 >

1 Naizvozvo kutanga pazvese ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vese;
I exhort therefore, that, first of all, supplications, prayers, intercessions, and giving of thanks, be made for all men;
2 pamadzimambo nevese vari panzvimbo dzakakwirira kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kwese nerukudzo;
For kings, and for all that are in authority; that we may lead a quiet and peaceable life in all godliness and honesty.
3 nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,
For this is good and acceptable in the sight of God our Saviour;
4 uyo anoda kuti vanhu vese vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi.
Who will have all men to be saved, and to come to the knowledge of the truth.
5 Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
For there is one God, and one mediator between God and men, the man Christ Jesus;
6 wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevese, chive chapupu panguva dzakafanira,
Who gave himself a ransom for all, to be testified in due time.
7 icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.
For which I am ordained a preacher, and an apostle, (I speak the truth in Christ, and lie not; ) a teacher of the Gentiles in faith and verity.
8 Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzese, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana.
I will therefore that men pray every where, lifting up holy hands, without wrath and doubting.
9 Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera, kana nguvo dzinodhura,
In like manner also, that women adorn themselves in modest apparel, with reverence and sobriety; not with braided hair, or gold, or pearls, or costly array;
10 asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka.
But ( which becometh women professing godliness ) with good works.
11 Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kwese.
Let the woman learn in silence with all subjection.
12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.
But I permit not a woman to teach, nor to usurp authority over the man, but to be in silence.
13 Nokuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha;
For Adam was first formed, then Eve.
14 naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,
And Adam was not deceived, but the woman being deceived was in the transgression.
15 asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora.
However she shall be saved in childbearing, if they continue in faith and charity and holiness with sobriety.

< 1 Timoti 2 >