< 1 VaTesaronika 3 >
1 Saka zvatakange tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri tega paAtene,
Διὸ μηκέτι στέγοντες εὐδοκήσαμεν καταλειφθῆναι ἐν Ἀθήναις μόνοι,
2 ndokutuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai maererano nerutendo rwenyu,
καὶ ἐπέμψαμεν Τιμόθεον, τὸν ἀδελφὸν ἡμῶν καὶ διάκονον τοῦ Θεοῦ καὶ συνεργὸν ἡμῶν ἐν τῷ εὐαγγελίῳ τοῦ Χριστοῦ, εἰς τὸ στηρίξαι ὑμᾶς καὶ παρακαλέσαι ὑμᾶς περὶ τῆς πίστεως ὑμῶν,
3 kuti kurege kuva neumwe anozununguswa nematambudziko awa, nokuti munoziva momene kuti takamisirwa izvozvi.
τὸ μηδένα σαίνεσθαι ἐν ταῖς θλίψεσι ταύταις. αὐτοὶ γὰρ οἴδατε ὅτι εἰς τοῦτο κείμεθα·
4 Nokuti kunyange tichinemwi, takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa, kunyange sezvazvakaitika, nemwi munoziva.
καὶ γὰρ ὅτε πρὸς ὑμᾶς ἦμεν, προελέγομεν ὑμῖν ὅτι μέλλομεν θλίβεσθαι, καθὼς καὶ ἐγένετο καὶ οἴδατε.
5 Nekuda kweizvozviwo zvandakange ndisisagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe pamwe muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina.
διὰ τοῦτο κἀγὼ μηκέτι στέγων ἔπεμψα εἰς τὸ γνῶναι τὴν πίστιν ὑμῶν, μή πως ἐπείρασεν ὑμᾶς ὁ πειράζων καὶ εἰς κενὸν γένηται ὁ κόπος ἡμῶν.
6 Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, wakatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzese, muchishuva zvikuru kutiona, sesuwo imwi;
Ἄρτι δὲ ἐλθόντος Τιμοθέου πρὸς ἡμᾶς ἀφ᾽ ὑμῶν καὶ εὐαγγελισαμένου ἡμῖν τὴν πίστιν καὶ τὴν ἀγάπην ὑμῶν, καὶ ὅτι ἔχετε μνείαν ἡμῶν ἀγαθήν, πάντοτε ἐπιποθοῦντες ἡμᾶς ἰδεῖν καθάπερ καὶ ἡμεῖς ὑμᾶς,
7 nekuda kwezvizvi takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu padambudziko redu rese nenhamo nerutendo rwenyu;
διὰ τοῦτο παρεκλήθημεν, ἀδελφοί, ἐφ᾽ ὑμῖν ἐπὶ πάσῃ τῇ θλίψει καὶ ἀνάγκῃ ἡμῶν διὰ τῆς ὑμῶν πίστεως·
8 nokuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe.
ὅτι νῦν ζῶμεν, ἐὰν ὑμεῖς στήκητε ἐν Κυρίῳ.
9 Nokuti kuvonga kwakadini kwatingagona kuripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wese watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu?
τίνα γὰρ εὐχαριστίαν δυνάμεθα τῷ Θεῷ ἀνταποδοῦναι περὶ ὑμῶν ἐπὶ πάσῃ τῇ χαρᾷ ᾗ χαίρομεν δι᾽ ὑμᾶς ἔμπροσθεν τοῦ Θεοῦ ἡμῶν,
10 Siku nesikati tichinyengetera zvikurusa kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu.
νυκτὸς καὶ ἡμέρας ὑπερεκπερισσοῦ δεόμενοι εἰς τὸ ἰδεῖν ὑμῶν τὸ πρόσωπον καὶ καταρτίσαι τὰ ὑστερήματα τῆς πίστεως ὑμῶν;
11 Zvino dai Mwari pachake naBaba vedu, naIshe wedu Jesu Kristu aruramisira nzira yedu kwamuri;
Αὐτὸς δὲ ὁ Θεὸς καὶ πατὴρ ἡμῶν καὶ ὁ Κύριος ἡμῶν Ἰησοῦς Χριστὸς κατευθύναι τὴν ὁδὸν ἡμῶν πρὸς ὑμᾶς·
12 uye dai Ishe akukurisai nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vese, sesuwo kwamuri,
ὑμᾶς δὲ ὁ Κύριος πλεονάσαι καὶ περισσεύσαι τῇ ἀγάπῃ εἰς ἀλλήλους καὶ εἰς πάντας, καθάπερ καὶ ἡμεῖς εἰς ὑμᾶς,
13 kuti asimbise moyo yenyu isingamhuriki pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vese.
εἰς τὸ στηρίξαι ὑμῶν τὰς καρδίας ἀμέμπτους ἐν ἁγιωσύνῃ ἔμπροσθεν τοῦ Θεοῦ καὶ πατρὸς ἡμῶν ἐν τῇ παρουσίᾳ τοῦ Κυρίου ἡμῶν Ἰησοῦ Χριστοῦ μετὰ πάντων τῶν ἁγίων αὐτοῦ.