< 1 VaTesaronika 1 >
1 Pauro naSivhano naTimotio, kukereke yeVaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
I PAUL and Sylvanus and Timothy, to the church of the Thessalonians, which is in God the Father and in our Lord Jesus the Messiah: Grace be with you, and peace.
2 Tinovonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu mese, tichikutaurai muminyengetero yedu,
We give thanks to God at all times, on account of you all, and remember you continually in our prayers:
3 tichiramba tichirangarira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu;
and we call to mind before God the Father the works of your faith, and the toil of your love, and the patience of your hope in our Lord Jesus the Messiah.
4 tichiziva hama dzinodikanwa, kusanangurwa kwenyu naMwari;
For we know your election, my brethren, beloved of God.
5 nokuti evhangeri yedu haina kuuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru, sezvamunoziva kuti takange tiri vanhu vakadini pakati penyu nekuda kwenyu.
For our preaching among you, was not in words only; but also in power, and in the Holy Spirit, and in genuine persuasion. Ye also know, how we were among you for your sakes.
6 Nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene,
And ye became imitators of us, and of our Lord, in that ye received the word in great affliction, and with the joy of the Holy Spirit.
7 zvekuti makava mienzaniso kune vese vanotenda muMakedhonia neAkaya.
And ye were a pattern for all the believers who are in Macedonia and in Achaia.
8 Nokuti kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete muMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo imwe neimwe rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunze, zvekuti hatifaniri kutaura chinhu.
For from you the word of our Lord sounded forth; and not only in Macedonia and Achaia, but in every place, your faith in God is heard of; so that we have no need to say any thing concerning you.
9 Nokuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu kuti takapinda nemutoo upi kwamuri; uye kuti makatendeukira sei kuna Mwari muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,
For they declare, what an ingress we had to you, and how ye turned from the worship of idols unto God, that ye might worship the living and true God;
10 uye makamirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotinunura pahasha dzinouya.
while ye wait for his Son from heaven, that Jesus whom he raised from the dead, who delivereth us from the wrath to come.