< 1 Petro 4 >

1 Naizvozvo Kristu zvaakatitamburira panyama, nemwi muzvishongedze nemurangariro wakadaro; nokuti iye watambudzika panyama, aregedzwa pachivi;
基督既然在肉身上受了苦難,你們就應該具備同樣的見識,深信凡在肉身上受苦的,便與罪惡斷絕了關係;
2 kuti nguva yasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari.
今後不再順從人性的情慾,而只隨從天主的意願,在肉身內度其餘的時日。
3 Nokuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba mukusazvibata, kuchiva, kuraradza, makaro, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisingatenderwi;
過去的時候,你們實行外教人的慾望,生活在放蕩、情慾、酗酒、宴樂、狂飲和違法的偶像崇拜中,這已經夠了!
4 zvavanoshamisika mazviri, kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kumwe kwenyonga-nyonga, vachikutukai;
由於你們不再同他們狂奔於淫蕩的洪流中,他們便引以為怪,遂誹謗你們;
5 vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.
但他們要向那已準備審判生死者的主交賬。
6 Nokuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwa kune vakafawo, kuti vatongwe zvinoenderana nevanhu panyama, asi vararame zvinoenderana naMwari pamweya.
也正是為此,給死者宣講了這福音:他們雖然肉身方面如同人一樣受了懲罰,可是神魂方面卻同天主一起生活。
7 Zvino kuguma kwezvinhu zvese kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero.
萬事的結局以臨近了,所以你們應該慎重,應該醒寤祈禱。
8 Uye mberi kwezvinhu zvese ivai nerudo rwunopfuta pakati penyu, nokuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji-zhinji.
最重要的是:你們應該彼此熱切相愛,因為愛德遮蓋許多罪過;
9 Gamuchiranai, pasina kunyunyuta.
要彼此款待,而不出怨言。
10 Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha dzakasiyana-siyana dzaMwari.
各人應依照自己所領受的神恩,彼此服事,善做天主各種恩寵的管理員。
11 Kana umwe achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana umwe achishumira ngazviitwe sezvinobva kusimba Mwari raanopa; kuti Mwari akudzwe pazvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
誰若講道,就該按天主的話講;誰若服事,就該本著天主所賜的德能服事,好叫天主在一切事上,因耶穌基督而受到光榮:願光榮和權能歸於他,至於無窮之世。阿們。 (aiōn g165)
12 Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa uri pamuri unokuidzai, sezvinonzi mawirwa nechisingazikanwi;
親愛的,你們不要因為在你們中,有試探你們的烈火而驚異,好像遭遇了一件新奇的事;
13 asi sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, farai, kuti nepakuratidzwa kwekubwinya kwake mufare nemufaro mukurusa.
反而要喜歡,因為分受了基督的苦難,這樣好使你們在他光榮顯現的時候,也能歡喜踴躍。
14 Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nokuti Mweya wekubwinya newaMwari agere pamusoro penyu; kwavari zvirokwazvo anonyombwa, asi kwamuri anokudzwa.
如果你們為了基督的名字,受人辱罵,便 是有福的,因為光榮的神,即天主的神,就安息在你們身上。
15 Asi kusava neumwe wenyu anotambudzika semhondi, kana mbavha, kana muiti wezvakaipa, kana anongongwarira zvevamwe;
惟願你們中誰也不要因做兇手,或強盜,或壞人,或做煽亂的人而受苦。
16 asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari pachinhu ichi.
但若因為是基督徒而受苦,就不該以此為恥,反要為這名稱光榮天主,
17 Nokuti yava nguva yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei?
因為時候已經到了,審判必從天主的家開始;如果先從我們開始,那些不信從天主福音者的結局,又將怎樣呢?
18 Uye kana wakarurama achiponeswa nemutsutsururu, asingadi Mwari nemutadzi vachaonekwepi?
『如果義人還難以得救,那麼惡人和罪人,要有什麼結果呢?』
19 Naizvozvo naivo vanotambudzika zvinoenderana nechido chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yavo pakuita zvakanaka.
故此,凡照天主旨意受苦的人,也要把自己的靈魂託付給忠信的造物主,專務行善。

< 1 Petro 4 >