< 1 Petro 3 >

1 Saizvozvo vakadzi, muzviise pasi pevarume venyu pachenyu; kuti kanawo vamwe vasingateereri kushoko, vawanikwe nemafambiro evakadzi pasina shoko,
In like manner, wives, be in subjection to your own husbands; so that, even if any do not obey the word, they may be won by the behavior of their wives without a word;
2 vachiona mafambiro enyu akachena pakutya.
seeing your pure behavior in fear.
3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze kwekuruka vhudzi nekwekupfeka goridhe, kana kupfeka nguvo;
Let your beauty be not just the outward adorning of braiding the hair, and of wearing jewels of gold, or of putting on fine clothing;
4 asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo, pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, anokosha zvikuru pamberi paMwari.
but in the hidden person of the heart, in the incorruptible adornment of a gentle and quiet spirit, which is in the sight of God very precious.
5 Nokuti karewo vakazvishongedza saizvozvo vakadzi vatsvene vaivimba naMwari, vachizviisa pasi pevarume vavo pachavo;
For this is how the holy women before, who hoped in God also adorned themselves, being in subjection to their own husbands:
6 saSara akateerera Abhurahama akamuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi, kana muchiita zvakanaka, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa.
as Sarah obeyed Abraham, calling him lord, whose children you now are, if you do well, and are not put in fear by any terror.
7 Saizvozvo varume, garisanai nevakadzi venyu zvinoenderana neruzivo, muchikudza mukadzi sekumudziyo usina simba, sevadyiwo venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe navo; kuti minyengetero yenyu irege kudzivirirwa.
You husbands, in like manner, live with your wives according to knowledge, giving honor to the woman, as to the weaker vessel, as being also joint heirs of the grace of life; that your prayers may not be hindered.
8 Pakupedzisirawo, ivai nemoyo umwe mese, muchinzwirana tsitsi, mude hama, muve nemoyo munyoro, mune rudo;
Finally, be all like-minded, compassionate, loving as brothers, tenderhearted, humble,
9 musingatsivi chakaipa nechakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadze, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo.
not rendering evil for evil, or reviling for reviling; but instead blessing; because to this were you called, that you may inherit a blessing.
10 Nokuti uyo anoda kuda upenyu, nekuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura kunyengera.
For, "He who would love life, and see good days, let him keep his tongue from evil, and his lips from speaking deceit.
11 Ngaatsauke pane zvakaipa ndokuita zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere.
Let him turn away from evil, and do good. Let him seek peace, and pursue it.
12 Nokuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake pamunyengetero wavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa.
For the eyes of the Lord are on the righteous, and his ears open to their prayer; but the face of the Lord is against those who do evil."
13 Zvino ndiani achakukuvadzai, kana muri vatevedzeri vezvakanaka?
Now who is he who will harm you, if you become zealous of that which is good?
14 Asi kunyange kana imwi muchitambudzika nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, kana kuvhiringidzwa;
But even if you should suffer for righteousness' sake, you are blessed. "And do not fear what they fear, nor be troubled."
15 asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo yenyu; mugare makazvigadzirira kupindura umwe neumwe anokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu, neunyoro nekutya;
But sanctify in your hearts Christ as Lord; and always be ready to give an answer to everyone who asks you a reason concerning the hope that is in you, yet with humility and fear:
16 mune hana yakanaka, kuti pavanokucherai sevaiti vezvakaipa vanyare, ivo vanotuka mafambiro enyu akanaka muna Kristu.
having a good conscience; so that when they speak evil against you, they may be put to shame who slander your good manner of life in Christ.
17 Nokuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, pane muchiita zvakaipa.
For it is better, if it is God's will, that you suffer for doing well than for doing evil.
18 Nokuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama pachinzvimbo chevasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa neMweya;
Because Christ also suffered for sins once, the righteous for the unrighteous, that he might bring you to God; being put to death in the flesh, but made alive in the spirit;
19 mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo,
in which he also went and made a proclamation to the spirits in prison,
20 iyo yaimbova isingateereri, apo moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, ndiko kuti mweya misere nemvura.
who before were disobedient, when God waited patiently in the days of Noah, while the box-shaped ship was being built. In it, few, that is, eight souls, were saved by means of water.
21 Mufananidzo wayo rubhabhatidzo rwunotiponesawo ikozvino, kwete kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira kwehana yakanaka kuna Mwari kubudikidza nekumukazve kwaJesu Kristu,
This is a symbol of baptism, which now saves you—not the removal of dirt from the body, but an appeal to God for a good conscience, through the resurrection of Jesus Christ,
22 ari kuruoko rwerudyi rwaMwari aenda kudenga; vatumwa neumambo nemasimba zvaiswa pasi pake.
who is at the right hand of God, having gone into heaven, angels and authorities and powers being made subject to him.

< 1 Petro 3 >