< 1 Johani 4 >
1 Vadikanwi, musatenda mweya umwe neumwe, asi muidze mweya, kana yakabva kuna Mwari; nokuti vazhinji vaporofita venhema vakabudira munyika.
Beloved, do not believe every spirit, but try the spirits, whether they be from God; because many false prophets are gone forth into the world.
2 Neizvi munoziva Mweya waMwari: Wese mweya unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya panyama, unobva muna Mwari.
By this you know the Spirit of God: Every spirit that confesses Jesus Christ has come in the flesh, is from God.
3 Zvino mweya wese usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi muna Mwari; uye uyu ndiye wemupikisi waKristu, wamakanzwa kuti anouya, naikozvino watova panyika.
And every spirit that does not confess Jesus, is not from God: and this is that spirit of antichrist, which you have heard that it comes, and now is in the world already.
4 Imwi munobva muna Mwari, vana vadiki, uye makavakunda; nokuti ari mamuri mukuru kune ari munyika.
You are of God, little children, and have overcome them; because he is greater, who is with you, than he who is with the world.
5 Ivo vanobva munyika; naizvozvo vanotaura zvinobva munyika, uye nyika inovanzwa.
They are of the world; therefore they speak from the world, and the world hearkens to them.
6 Isu tinobva muna Mwari; uyo anoziva Mwari, anotinzwa; asingabvi muna Mwari, haatinzwi. Kubva pane izvi tinoziva mweya wechokwadi nemweya wekutsauka.
We are of God: he who know God, hearkens to us; he who is not of God, hearkens not to us. By this we know the spirit of truth, and the spirit of error.
7 Vadikanwi, ngatidanane; nokuti rudo rwunobva muna Mwari, uye umwe neumwe anoda wakaberekwa kubva muna Mwari, uye anoziva Mwari.
Beloved, let us love one another; for love is from God: and every one who loves, has been begotten by God, and knows God.
8 Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
He who does not love, does not know God; for God is love.
9 Pane izvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa matiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe wega munyika, kuti tirarame kubudikidza naye.
By this the love of God was manifested to us, that God sent forth his Son, the only begotten, into the world, that we might live through him.
10 Rudo rwuri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave muripo wekuyananisa maererano nezvivi zvedu.
In this is love, not that we loved God, but that he loved us, and sent forth his Son to be a propitiation for our sins.
11 Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanira kudanana.
Beloved, if God so loved us, we, also, ought to love one another.
12 Hakuna wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake rwunoperedzerwa matiri.
No one has seen God, at any time. If we love one another, God abides in us, and his love is made perfect in us.
13 Pane izvi tinoziva kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvinobva paMweya wake.
By this, we know that we abide in him, and he in us, because he has given us of his Spirit.
14 Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana kuva Muponesi wenyika.
Now we have seen, and bear testimony, that the Father has sent forth his Son, to be the Saviour of the world.
15 Ani nani anobvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari.
Whoever will confess that Jesus is the Son of God, God abides in him, and he in God.
16 Nesu takaziva uye takatenda rudo Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo, uye anogara murudo anogara muna Mwari, naMwari maari.
And we have known, and believed the love which God has in us. God is love; wherefore, he who abides in love, abides in God, and God in him.
17 Pane izvi rudo rwakapedzeredzwa nesu, kuti tive neushingi nezuva rekutonga, nokuti sezvaari iye, nesu takadaro kunyika ino.
By this, the love has been perfected in us, that we may have boldness in the day of judgment; because as he is, so are we in this world.
18 Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera rwunodzingira kunze kutya, nokuti kutya kune marwadzo; anotya haana kuperedzerwa parudo.
There is no fear in love; but perfect love casts out fear, because fear has torment: therefore, he who fears is not made perfect in love.
19 Isu tinomuda, nokuti iye wakatanga kutida.
We love him, because he first loved us.
20 Kana umwe achitaura kuti: Ndinoda Mwari, asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti uyo asingadi hama yake yaakaona, anogona sei kuda Mwari waasina kuona?
If any one say, Indeed I love God, and yet hate his brother, he is a liar: for he who loves not his brother, whom he has seen, how can he love God, whom he has not seen?
21 Uye murairo uyu tinawo kubva kwaari, kuti anoda Mwari ngaadewo hama yake.
Moreover, this commandment we have from him, that he who loves God, loves his brother, also.