< 1 Johani 3 >

1 Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vana vaMwari. Nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
videte qualem caritatem dedit nobis Pater ut filii Dei nominemur et sumus propter hoc mundus non novit nos quia non novit eum
2 Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita.
carissimi nunc filii Dei sumus et nondum apparuit quid erimus scimus quoniam cum apparuerit similes ei erimus quoniam videbimus eum sicuti est
3 Uye umwe neumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvaakachena iye.
et omnis qui habet spem hanc in eo sanctificat se sicut et ille sanctus est
4 Umwe neumwe anoita chivi anoitawo kusava nemurairo; uye chivi ndiko kusava nemurairo.
omnis qui facit peccatum et iniquitatem facit et peccatum est iniquitas
5 Uye munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye zvivi hazvimo maari.
et scitis quoniam ille apparuit ut peccata tolleret et peccatum in eo non est
6 Ani nani anogara maari haatadzi; ani nani anotadza haana kumuona, kana kumuziva.
omnis qui in eo manet non peccat omnis qui peccat non vidit eum nec cognovit eum
7 Vana vadiki, kusava neanokunyengerai; uyo anoita kururama wakarurama, saiye akarurama;
filioli nemo vos seducat qui facit iustitiam iustus est sicut et ille iustus est
8 uyo anoita chivi anobva kuna dhiabhorosi, nokuti dhiabhorosi anotadza kubva pakutanga. Nechikonzero ichi Mwanakomana waMwari wakaratidzwa kuti aparadze mabasa adhiabhorosi.
qui facit peccatum ex diabolo est quoniam ab initio diabolus peccat in hoc apparuit Filius Dei ut dissolvat opera diaboli
9 Ani nani wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nokuti mbeu yake inogara maari; zvino haagoni kutadza, nokuti wakaberekwa naMwari.
omnis qui natus est ex Deo peccatum non facit quoniam semen ipsius in eo manet et non potest peccare quoniam ex Deo natus est
10 Mune izvozvi vana vaMwari nevana vadhiabhorosi vanoratidzwa; ani nani asingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, neasingadi hama yake.
in hoc manifesti sunt filii Dei et filii diaboli omnis qui non est iustus non est de Deo et qui non diligit fratrem suum
11 Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane;
quoniam haec est adnuntiatio quam audistis ab initio ut diligamus alterutrum
12 kwete saKaini wakabva kune wakaipa, ndokuuraya munin'ina wake. Zvino wakamuurayirei? Nokuti mabasa ake akange akaipa, asi emunin'ina wake akange akarurama.
non sicut Cain ex maligno erat et occidit fratrem suum et propter quid occidit eum quoniam opera eius maligna erant fratris autem eius iusta
13 Musashamisika, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
nolite mirari fratres si odit vos mundus
14 Isu tinoziva kuti takapfuura murufu tikapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Asingadi hama anogara murufu.
nos scimus quoniam translati sumus de morte in vitam quoniam diligimus fratres qui non diligit manet in morte
15 Ani nani anovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakutongorina mhondi ine upenyu husingaperi hunogara mairi. (aiōnios g166)
omnis qui odit fratrem suum homicida est et scitis quoniam omnis homicida non habet vitam aeternam in se manentem (aiōnios g166)
16 Neizvi tinoziva rudo rwaMwari, nokuti iye wakatiradzikira pasi upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira pasi hama upenyu.
in hoc cognovimus caritatem quoniam ille pro nobis animam suam posuit et nos debemus pro fratribus animas ponere
17 Asi ani nani ane nhumbi dzenyika, uye achiona hama yake ichishaiwa, ndokumupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari rwunogara sei maari?
qui habuerit substantiam mundi et viderit fratrem suum necesse habere et clauserit viscera sua ab eo quomodo caritas Dei manet in eo
18 Vana vangu vadiki, ngatirege kuda pashoko kana parurimi, asi pazviito nepachokwadi.
filioli non diligamus verbo nec lingua sed opere et veritate
19 Uye neizvi tinoziva kuti tiri vechokwadi, uye tichavimbisa moyo yedu pamberi pake.
in hoc cognoscimus quoniam ex veritate sumus et in conspectu eius suadeamus corda nostra
20 Nokuti kana moyo wedu uchitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye anoziva zvinhu zvese.
quoniam si reprehenderit nos cor maior est Deus corde nostro et novit omnia
21 Vadikanwi, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine chivimbo pamberi paMwari;
carissimi si cor non reprehenderit nos fiduciam habemus ad Deum
22 uye chipi nechipi chatinokumbira, tinogamuchira kubva kwaari, nokuti tinochengeta mirairo yake, uye tinoita zvinhu zvinofadza pamberi pake.
et quodcumque petierimus accipiemus ab eo quoniam mandata eius custodimus et ea quae sunt placita coram eo facimus
23 Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita reMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo.
et hoc est mandatum eius ut credamus in nomine Filii eius Iesu Christi et diligamus alterutrum sicut dedit mandatum nobis
24 Uye uyo anochengeta mirairo yake anogara maari, naiye maari. Neizviwo tinoziva kuti anogara matiri, kubva paMweya waakatipa.
et qui servat mandata eius in illo manet et ipse in eo et in hoc scimus quoniam manet in nobis de Spiritu quem nobis dedit

< 1 Johani 3 >