< 1 Johani 2 >
1 Vana vangu vadiki, zvinhu izvi ndinokunyorerai, kuti musatadza. Uye kana umwe achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama;
My little children, these things I write to you, that you may not sin. Yet if any one has sinned, we have an advocate with the Father, Jesus Christ the Just One.
2 uye iye muripo wekuyananisa wezvivi zvedu; kwete wezvedu chetewo, asiwo wezvenyika yese.
And he is a propitiation for our sins; and not for ours only, but also for the whole world.
3 Uye mune izvi tinoziva kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.
And by this, we know that we have known him, if we keep his commandments.
4 Uyo anoti: Ndinomuziva, asi asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, nemaari chokwadi hachimo;
He who says, I have known him, and does not keep his commandments, is a liar, and the truth is not in this man.
5 asi ani nani anochengeta shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Naizvozvi tinoziva kuti tiri maari.
But whoever keeps his word, truly in this man the love of God is perfected. By this we know that we are in him.
6 Uyo anoti anogara maari iye anofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iyewo.
He who says he abides in him, ought, himself, also, so to walk even as he walked.
7 Hama, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo mutsaru, wamakange munawo kubva pakutanga; murairo mutsaru ishoko ramakanzwa kubva pakutanga.
Brethren, I do not write a new commandment to you; but an old commandment, which you had from the beginning. The old commandment is the word, which you have heard from the beginning.
8 Ndinopamha kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nokuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chadovhenekera.
On the other hand, I write to you a new commandment, which is true concerning him and concerning you. For the darkness is passing away, and the light, which is true, now shines.
9 Uyo anoti ari muchiedza, achivengawo hama yake, ari murima kusvikira zvino.
He who says he is in the light and yet hates his brother, is in the darkness till now.
10 Uyo anoda hama yake anogara muchiedza, uye hapana chigumbuso maari.
He who loves his brother, abides in the light, and there is no stumbling block to him.
11 Asi uyo anovenga hama yake ari murima, uye anofamba murima, haaziviwo kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
But he who hates his brother, is in the darkness, and walks in that darkness, and does not know whither he goes; because the darkness has blinded his eyes.
12 Ndinonyorera imwi, vana vadiki, nokuti zvivi makazvikanganwirwa nekuda kwezita rake.
Little children, I write to you, because your sins are forgiven you, on account of his name.
13 Ndinonyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva uripo kubva pakutanga. Ndinonyorera imwi, vadiki, nokuti makakunda wakaipa. Ndinonyorera imwi, vanana, nokuti makaziva Baba.
Fathers, I write to you, because you have known him from the beginning. Young men, I write to you, because you have overcome the wicked one.
14 Ndanyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva iye wakange aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, vadiki, nokuti makasimba, uye shoko raMwari rinogara mamuri uye makakunda wakaipa.
Fathers, I have written to you, because you have known him from the beginning. Young men, I have written to you, because you are strong, and the word of God abides in you, and you have overcome the wicked one.
15 Musada nyika, kana zvinhu zviri munyika. Kana umwe achida nyika, rudo rwaBaba harwusi maari.
Love not the world, neither the things which are in the world. If any one love the world, the love of the Father is not in him.
16 Nokuti zvese zviri munyika, kuchiva kwenyama, nekuchiva kwameso, nekuzvikudza kweupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva panyika.
For all that is in the world, the lust of the flesh, and the lust of the eyes, and the pride of life--is not of the Father, but is of the world.
17 Uye nyika inopfuura, nekuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari anogara kusvika rinhi narinhi. (aiōn )
Now the world passes away, and the lust of it; be he who does the will of God, abides forever. (aiōn )
18 Vana vadiki, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu anouya, naikozvino vazhinji vava vapikisi vaKristu; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira.
Young children, it is the last period. And as you have heard that the antichrist comes, so, now, there are many antichrists; whence you know that it is the last period.
19 Vakabuda kwatiri, asi vakange vasiri vanobva kwedu, nokuti dai vaibva kwedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti havasi vese vanobva kwedu.
They went away from us, but they were not of us. For, if they had been of us, they would have abode with us; but they went away, that they might be made manifest that they were not of us.
20 Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kune Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvese.
But you have an unction from the Holy One, and know all things.
21 Handina kukunyorerai nokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakutongorina nhema dzingabva pachokwadi.
I have not written to you because you know not the truth, but because you know it, and that no lie is of the truth.
22 Ndiani murevi wenhema, kunze kwaiye anoramba kuti Jesu ndiKristu? Iye mupikisi waKristu, anoramba Baba neMwanakomana.
Who is a liar, if not he who denies that Jesus is the Christ? He is the antichrist who denies the Father and the Son.
23 Ani nani anoramba Mwanakomana haanawo Baba; anobvuma Mwanakomana ana Babawo.
Whoever denies the Son, does not acknowledge the Father.
24 Zvino imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri. Kana zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, imwiwo muchagara muMwanakomana nemuna Baba.
Therefore, let what you have heard from the beginning abide in you. If what you have heard from the beginning, abide in you; you also shall abide in the Son, and in the Father:
25 Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa iye, upenyu husingaperi. (aiōnios )
and this is the promise which he has promised to us, even eternal life. (aiōnios )
26 Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pevanokutsausai.
These things I have written to you, concerning them who deceive you;
27 Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti umwe akudzidzisei; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvese, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari.
but the unction which you have received from him abides in you; and you have no need that any one should teach you, unless the same unction teaches you concerning all things, and is truth, and is no lie: and as it has taught you, you will abide in him.
28 Uye ikozvino, vana vadiki, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tiregewo kunyadziswa naye pakuuya kwake.
And now, little children, abide in him, that when he shall appear, we may have confidence, and may not be put to shame by him, at his coming.
29 Kana muchiziva kuti wakarurama, munoziva kuti umwe neumwe anoita zvakarurama wakaberekwa naye.
If you know that he is righteous, you know that every one who works righteousness, has been begotten by him.