< 1 VaKorinde 4 >
1 Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevabati vaKristu, nevachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
So a person should consider us as Christ's servants, and stewards of God's mysteries.
2 Uyezve, zvinotsvakwa pavachengeti, kuti ani nani awanikwe akatendeka.
Here, moreover, it is required of stewards, that they be found faithful.
3 Asi kwandiri chinhu chidiki-diki kuti nditongeswe nemwi, kana nekutonga kwevanhu; asi neni handizvitongesi.
But with me it is a very small thing that I should be judged by you, or by man's judgment. Yes, I do not judge my own self.
4 Nokuti handirangariri chinhu kwandiri, zvakadaro handinzi ndakarurama neizvozvo; asi anonditonga ndiIshe.
For I know nothing against myself. Yet I am not justified by this, but he who judges me is the Lord.
5 Naizvozvo regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisawo pachena zvinhu zvakavanzika zverima, uye acharatidza mazano emoyo; uye ipapo munhu umwe neumwe acharumbidzwa naMwari.
Therefore judge nothing before the time, until the Lord comes, who will both bring to light the hidden things of darkness, and reveal the counsels of the hearts. Then each one will get his praise from God.
6 Zvino zvinhu izvi, hama, ndinozvifananidzira neni naAporo nekuda kwenyu, kuti mudzidze kwatiri kuti musafunga kupfuura zvakanyorwa, kuti umwe arege kuzvikudza neumwe muchipikisa umwe.
Now these things, brothers, I have in a figure transferred to myself and Apollos for your sakes, that in us you might learn not to go beyond the things which are written, that none of you be puffed up against one another.
7 Nokuti ndiani wakaita kuti usiyane nevamwe? Uye chii chaunacho chausina kugamuchira? Uye kanawo wakagamuchira, unozvikudzirei seusina kugamuchira?
For who makes you different? And what do you have that you did not receive? But if you did receive it, why do you boast as if you had not received it?
8 Matoguta, matofuma, matonga kunze kwedu; ndinodawo kuti mutonge, kuti isuwo titonge pamwe nemwi.
You are already filled. You have already become rich. You have come to reign without us. Yes, and I wish that you did reign, that we also might reign with you.
9 Nokuti ndinofunga kuti Mwari wakatigadza isu vaapositori vekupedzisira, sevakatemerwa rufu; nokuti takaitwa chiokerwa kunyika, nekuvatumwa, nekuvanhu.
For, I think that God has displayed us, the apostles, last of all, like men sentenced to death. For we are made a spectacle to the world, both to angels and people.
10 Isu tiri mapenzi nekuda kwaKristu, asi imwi makachenjera muna Kristu; isu tine utera, asi imwi makasimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
We are fools for Christ's sake, but you are wise in Christ. We are weak, but you are strong. You have honor, but we have dishonor.
11 Kusvikira nguva ino tine nzarawo, uye tine nyota, uye takashama, uye tinorohwa netsiva, uye tiri vambeyi,
Even to this present hour we hunger, thirst, are naked, are beaten, and have no certain dwelling place.
12 uye tinoshingaira tichishanda nemaoko edu pachedu; tinoti tichitukwa tinoropafadza, tinoti tichishushwa tinotsunga moyo;
We toil, working with our own hands. When people curse us, we bless. Being persecuted, we endure.
13 kana tichinyeyewa tinonyengerera; tinoitwa setsvina yenyika, marara ezvinhu zvese, kusvikira ikozvino.
Being defamed, we entreat. We are made as the filth of the world, the dirt wiped off by all, even until now.
14 Handinyoreri zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi savana vangu vanodikanwa ndinokunyeverai.
I do not write these things to shame you, but to admonish you as my beloved children.
15 Nokuti kunyange mune varairidzi zvuru gumi muna Kristu, zvakadaro hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Kristu Jesu ini ndakakuberekai kubudikidza neevhangeri.
For though you have ten thousand tutors in Christ, yet not many fathers. For in Christ Jesus, I became your father through the Good News.
16 Naizvozvo ndinokukumbirisai: Ivai vatevedzeri vangu.
I appeal to you therefore, be imitators of me.
17 Nemhaka iyi ndatuma Timotio kwamuri, anova mwana wangu anodikanwa, uye wakatendeka muna Ishe, achakuyeuchidzai nzira dzangu dziri muna Kristu, sezvandinodzidzisa kwese pakereke imwe neimwe.
Because of this I have sent Timothy to you, who is my beloved and faithful child in the Lord, who will remind you of my ways which are in Christ, even as I teach everywhere in every church.
18 Zvino vamwe vakazvikudza sezvinonzi handiuyi kwamuri.
Now some are puffed up, as though I were not coming to you.
19 Asi ndichauya kwamuri nekukurumidza, kana Ishe achida, uye ndichaziva, kwete shoko revanozvikudza, asi simba.
But I will come to you shortly, if the Lord is willing. And I will know, not the word of those who are puffed up, but the power.
20 Nokuti ushe hwaMwari hahuzi pashoko, asi pasimba.
For the Kingdom of God is not in word, but in power.
21 Munodei? Ndiuye kwamuri netsvimbo here, kana murudo nemweya weunyoro?
What do you want? Should I come to you with a rod, or in love and a spirit of gentleness?