< 1 VaKorinde 2 >
1 Zvino ini, hama, pakusvika kwangu kwamuri, handina kusvika neunyanzvi hweshoko kana hwenjere, ndichiparidza kwamuri uchapupu hwaMwari.
Pour moi, frères, quand je suis venu chez vous, je n'y suis pas venu pour vous annoncer le témoignage de Dieu avec le prestige du langage et de la sagesse.
2 Nokuti ndakagura kuti ndisaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa.
Car je n'ai pas jugé que je dusse savoir parmi vous autre chose que Jésus-Christ, et Jésus-Christ crucifié.
3 Uye ini ndakange ndinemwi muutera nemukutya nemukudedera kukuru.
Quand j'ai vécu parmi vous, j'ai été faible, craintif, tout tremblant.
4 Neshoko rangu nemharidzo yangu hazvina kuva nemashoko ekugombedzera enjere dzevanhu, asi mukuratidza kweMweya nekwesimba;
Et ma parole et ma prédication n'ont pas consisté dans les discours persuasifs de la sagesse, mais dans une démonstration d'esprit et de puissance,
5 kuti rutendo rwenyu rwurege kuva munjere dzevanhu, asi musimba raMwari.
— afin que votre foi fût fondée, non sur la sagesse des hommes, mais sur la puissance de Dieu.
6 Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi njere dzisati dziri dzenyika ino, kana dzevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo; (aiōn )
C'est cependant une sagesse que nous prêchons aux hommes faits, mais une sagesse qui n'est pas de ce monde, ni des princes de ce monde qui vont être anéantis. (aiōn )
7 asi tinotaura njere dzaMwari muchakavanzika, dzakavigwa, Mwari dzaakagara agadza nyika isati yavapo dzive kubwinya kwedu; (aiōn )
Nous prêchons la sagesse de Dieu, mystérieuse et cachée, que Dieu avait prédestinée avant les siècles, pour notre gloire. (aiōn )
8 dzisina umwe wevatongi venyika ino wakaziva; nokuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Ishe wekubwinya. (aiōn )
Aucun des princes de ce monde ne l'a connue; car, s'ils l'avaient connue, ils n'auraient pas crucifié le Seigneur de gloire. (aiōn )
9 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvaisina kunzwa, nezvisina kupinda mumoyo wemunhu, izvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.
Mais, comme le dit l'Écriture: «Ce sont des choses que l'oeil n'a point vues, que l'oreille n'a pas entendues et qui ne sont pas montées au coeur de l'homme, mais que Dieu a préparées pour ceux qui l'aiment.»
10 Asi Mwari wakazarurira isu neMweya wake; nokuti Mweya unonzvera zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari.
Dieu nous les a révélées par l'Esprit; car l'Esprit sonde toutes choses, même les profondeurs de Dieu.
11 Nokuti ndiani pavanhu anoziva zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvowo zvaMwari hakuna munhu anoziva, kunze kweMweya waMwari.
En effet, qui sait ce qui est dans l'homme, sinon l'esprit de l'homme qui est en lui? De même aussi, personne ne connaît ce qui est en Dieu, si ce n'est l'Esprit de Dieu.
12 Nesu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatinopiwa pachena naMwari;
Quant à nous, nous n'avons pas reçu l'esprit du monde, mais l'Esprit qui vient de Dieu, afin que nous connaissions les grâces que nous avons reçues de Dieu;
13 zvatinotaurawo, kwete mumashoko njere dzevanhu adzinodzidzisa, asi Mweya Mutsvene waanodzidzisa, tichienzanisa zvemweya nezvemweya.
et nous en parlons, non avec les discours qu'enseigne la sagesse humaine, mais avec ceux qu'enseigne l'Esprit, exposant les choses spirituelles dans un langage spirituel.
14 Asi munhu wechisikirwo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari, uye haagoni kunzwisisa, nokuti zvinonzverwa pamweya.
Or, l'homme naturel n'accueille point les choses qui, sont de l'esprit de Dieu; car elles sont pour lui une folie, et il ne peut les comprendre, parce que c'est spirituellement qu'on en juge.
15 Asi wemweya anonzvera zvinhu zvese, asi iye haanzverwi nemunhu.
Mais l'homme spirituel juge de toutes choses, et il n'est lui-même jugé par personne.
16 Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe, kuti amuraire? Asi isu tine fungwa yaKristu.
Car, qui a connu la pensée du Seigneur, pour lui donner des leçons? Nous, nous avons la pensée de Christ!