< 1 VaKorinde 16 >

1 Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratia, imwiwo itai saizvozvo.
Now concerning the collection for the saints, as I commanded the churches of Galatia, you do likewise.
2 Nemusi wekutanga wega-wega wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.
On the first day of the week, let each one of you save, as he may prosper, that no collections be made when I come.
3 Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa zvipo zvenyu kuJerusarema.
When I arrive, I will send whoever you approve with letters to carry your gracious gift to Jerusalem.
4 Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.
If it is appropriate for me to go also, they will go with me.
5 Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia;
But I will come to you when I have passed through Macedonia, for I am passing through Macedonia.
6 uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pese pandinoenda.
But with you it may be that I will stay, or even winter, that you may send me on my journey wherever I go.
7 Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera.
For I do not wish to see you now in passing, but I hope to stay a while with you, if the Lord permits.
8 Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita.
But I will stay at Ephesus until Pentecost,
9 Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye unesimba; nevanopikisa vazhinji varipo.
for a great and effective door has opened to me, and there are many adversaries.
10 Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo.
Now if Timothy comes, see that he is with you without fear, for he does the work of the Lord, as I also do.
11 Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama.
Therefore let no one despise him. But set him forward on his journey in peace, that he may come to me; for I expect him with the brothers.
12 Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chakange chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira.
Now concerning Apollos, the brother, I strongly urged him to come to you with the brothers; and it was not at all his desire to come now; but he will come when he has an opportunity.
13 Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe.
Watch. Stand firm in the faith. Be courageous. Be strong.
14 Zvinhu zvenyu zvese ngazviitwe nerudo.
Let all that you do be done in love.
15 Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;
Now I appeal to you, brothers (you know the house of Stephanas, that it is the first fruits of Achaia, and that they have set themselves to serve the saints),
16 kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vese vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira.
that you also be in subjection to such, and to everyone who helps in the work and labors.
17 Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForichunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.
I rejoice at the coming of Stephanas, Fortunatus, and Achaicus; for that which was lacking on your part, they supplied.
18 Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro.
For they refreshed my spirit and yours. Therefore acknowledge those who are like that.
19 Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.
The churches of Asia greet you. Aquila and Priscilla greet you much in the Lord, together with the church that is in their house.
20 Hama dzese dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
All the brothers greet you. Greet one another with a holy kiss.
21 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro.
This greeting is by me, Paul, with my own hand.
22 Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe!
If anyone does not love the Lord, a curse be on him. Our Lord, come.
23 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nemwi.
The grace of the Lord Jesus be with you.
24 Rudo rwangu ngaruve nemwi mese muna Kristu Jesu. Ameni.
My love to all of you in Christ Jesus.

< 1 VaKorinde 16 >