< 1 VaKorinde 13 >
1 Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava dare rinorira kana ndarira inoungudza.
Tuseme kwamba ninanena kwa lugha za wanadamu na za malaika. Lakini kama sina upendo, nimekuwa shaba iliayo au upatu uvumao.
2 Uye kana ndine chiporofita, uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvese neruzivo rwese, uye kana ndine rutendo rwese, zvekuti ndibvise makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.
Na kwamba nina karama ya unabii na ufahamu wa kweli zilizofichika na maarifa, na kwamba ninayo imani ya kuhamisha milima. Lakini ikiwa sina upendo, mimi si kitu.
3 Uye kana ndagovera varombo zvinhu zvangu zvese, uye kana ndikagamuchidza muviri wangu kuti ndipiswe, asi ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.
Na tuseme kwamba ninatoa milki yangu yote na kuwalisha masikini, na kwamba ninautoa mwili wangu ili nichomwe moto. Lakini kama sina upendo, hainifaidii kitu.
4 Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi,
Upendo huvumilia na hufadhili. Upendo haujisifu au kujivuna. Hauna kiburi
5 harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo, harwudenhwi, harwurangariri zvakaipa;
au ukorofi. Hautafuti mambo yake, hauoni uchungu haraka, wala hauhesabu mabaya.
6 harwufari nekusarurama, asi rwunofara muchokwadi;
Haufurahii udhalimu. Badala yake, hufurahi katika kweli.
7 rwunofukidza zvese, rwunotenda zvese, rwunotarisira zvese, rwunotsungirira pazvese.
Upendo huvumilia mambo yote; huamini mambo yote, una ujasiri katika mambo yote, na hustahimili mambo yote.
8 Rudo harwutongoperi. Zvino kana zviri zviporofita, zvichashaiswa basa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana rwuri ruzivo, rwuchashaiswa basa.
Upendo haukomi. Ikiwa kuna unabii, wote utapita. Ikiwa kuna lugha, zitakoma. Ikiwa kuna maarifa, yatapita.
9 Nokuti tinoziva muchidimbu, uye tinoporofita muchidimbu;
Kwa kuwa tunajua kwa sehemu na tunafanya unabii kwa sehemu.
10 asi kana zvakazara zvasvika, ipapo zviri muchidimbu zvichashayiswa maturo.
Lakini ijapo ile iliyo kamili, ile isiyo kamili itapita.
11 Pandakange ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; asi pandakava murume, ndakashaisa maturo zveucheche.
Nilipokuwa mtoto, nilisema kama mtoto, nilifikiri kama mtoto, niliamua kama mtoto. Nilipokuwa mtu mzima, niliweka mbali nami mambo ya kitoto.
12 Nokuti ikozvino tinoona nepachionioni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso nezviso; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikanwawo ini.
Kwa kuwa sasa tunaona kama kwa kioo, kama sura gizani, lakini wakati ule tutaona uso kwa uso. Sasa ninajua kwa sehemu, lakini wakati ule nitajua sana kama na mimi ninavyojulikana sana.
13 Ikozvinowo rutendo, tariro, rudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara; asi chikuru chezvizvi rudo.
Lakini sasa mambo haya matatu yanadumu: imani, tumaini lijalo, na upendo. Lakini lililo kuu zaidi ya haya ni upendo.