< 1 VaKorinde 11 >
1 Ivai vatevedzeri vangu, seniwo ndiri waKristu.
Be imitators of me, even as I also am of Christ.
2 Zvino ndinokurumbidzai, hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvese, muchibatirira patsika sezvandakakumikidza kwamuri.
Now I praise you, that you remember me in all things, and hold firm the traditions, even as I delivered them to you.
3 Asi ndinoda kuti muzive, kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.
But I would have you know that the head of every man is Christ, and the head of the woman is the man, and the head of Christ is God.
4 Murume umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita, musoro wakafukidzwa, unozvidza musoro wake.
Every man praying or prophesying, having his head covered, dishonors his head.
5 Asi mukadzi umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita nemusoro usina kufukidzwa, anozvidza musoro wake; nokuti ndizvo zvimwezvo nekuveurwa.
But every woman praying or prophesying with her head unveiled dishonors her head. For it is one and the same thing as if she were shaved.
6 Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kumukadzi kugerwa kana kuveurwa, ngaazvifukidze.
For if a woman is not covered, let her also be shorn. But if it is shameful for a woman to be shorn or shaved, let her be covered.
7 Nokuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.
For a man indeed ought not to have his head covered, because he is the image and glory of God, but the woman is the glory of the man.
8 Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume;
For man is not from woman, but woman from man;
9 nokuti nemurume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;
for neither was man created for the woman, but woman for the man.
10 nekuda kweizvozvi mukadzi anofanira kuva nesimba pamusoro wake nekuda kwevatumwa.
For this cause the woman ought to have authority on her head, because of the angels.
11 Asi murume haasi kunze kwemukadzi, kana mukadzi kunze kwemurume, muna Ishe.
Nevertheless, neither is the woman independent of the man, nor the man independent of the woman, in the Lord.
12 Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo uripo nemukadzi, asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari.
For as woman came from man, so a man also comes through a woman; but all things are from God.
13 Zvionerei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?
Judge for yourselves. Is it appropriate that a woman pray to God unveiled?
14 Kana kunyange chisikirwo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?
Doesn't even nature itself teach you that if a man has long hair, it is a dishonor to him?
15 Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari. Nokuti vhudzi refu rakapiwa kwaari chive chifukidzo.
But if a woman has long hair, it is a glory to her, for her hair is given to her for a covering.
16 Asi kana umwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange makereke aMwari.
But if anyone seems to be contentious, we have no such custom, neither do God's churches.
17 Zvino mukuraira uku handikurumbidzii, nokuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi muzvakapfuura kuipa.
But in giving you this command, I do not praise you, that you come together not for the better but for the worse.
18 Nokuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; muchidimbu ndinozvitenda.
For first of all, when you come together in the church, I hear that divisions exist among you, and I partly believe it.
19 Nokuti kutsauka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.
For there also must be factions among you, that those who are approved may be revealed among you.
20 Naizvozvo kana muchiungana pamwe, uku hakusi kudya chirairo chaIshe;
When therefore you assemble yourselves together, it is not the Lord's supper that you eat.
21 nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza.
For in your eating each one takes his own supper first. One is hungry, and another is drunk.
22 Ko hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidzii.
What, do you not have houses to eat and to drink in? Or do you despise God's church, and put them to shame who do not have? What should I tell you? Should I praise you? In this I do not praise you.
23 Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe, icho chandakagamuchidzawo kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,
For I received from the Lord that which also I delivered to you, that the Lord Jesus on the night in which he was betrayed took bread.
24 zvino wakati avonga akamedura, ndokuti: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai kundirangarira.
When he had given thanks, he broke it, and said, "This is my body, which is for you. Do this in memory of me."
25 Saizvozvo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzese kana muchinwa, mukundirangarira.
In the same way he also took the cup, after the meal, saying, "This cup is the new covenant in my blood. Do this, as often as you drink, in memory of me."
26 Nokuti nguva dzese kana muchidya chingwa ichi, nekunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika.
For as often as you eat this bread and drink this cup, you proclaim the Lord's death until he comes.
27 Naizvozvo ani nani anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe zvisakafanira, achava nemhosva yemuviri neropa raIshe.
Therefore whoever eats this bread or drinks the Lord's cup in a manner unworthy will be guilty of the body and the blood of the Lord.
28 Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvowo ngaadye zvechingwa nekunwa zvemukombe.
But let a person examine himself, and so let him eat of the bread, and drink of the cup.
29 Nokuti anodya nekunwa zvisakafanira, anozvidyira nekunwira kutongwa, zvaasingatsauri muviri waIshe.
For he who eats and drinks eats and drinks judgment to himself, if he does not discern the body.
30 Nemhaka iyi vazhinji kwamuri indonda nevarwere, nevazhinji varere.
For this cause many among you are weak and sickly, and not a few sleep.
31 Nokuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa;
For if we discerned ourselves, we would not be judged.
32 asi kana tichitongwa, tinodzorwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.
But when we are judged, we are punished by the Lord, that we may not be condemned with the world.
33 Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.
Therefore, my brothers, when you come together to eat, wait one for another.
34 Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Asi zvasara, ndichazvironga kana ndichisvika.
But if anyone is hungry, let him eat at home, lest your coming together be for judgment. The rest I will set in order whenever I come.