< Zefania 2 >

1 Unganai pamwe chete, unganai pamwe chete, imi rudzi runonyadzisa,
Gather yourselves together, yes, gather together, you nation that has no shame,
2 nguva dzakatarwa dzisati dzasvika uye zuva iroro risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rehasha dzaJehovha risati rauya pamusoro penyu.
before the appointed time when the day passes as the chaff, before the fierce anger of YHWH comes on you, before the day of YHWH's anger comes on you.
3 Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika, imi mose munoita zvaakarayira. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungadzivirirwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.
Seek YHWH, all you humble of the land, who have kept his ordinances. Seek righteousness. Seek humility. It may be that you will be hidden in the day of YHWH's anger.
4 Gaza richasiyiwa uye Ashikeroni richasiyiwa rava dongo. Pamasikati makuru Ashidhodhi richasiyiwa risisina chinhu uye Ekironi radzurwa.
For Gaza will be forsaken, and Ashkelon a desolation. They will drive out Ashdod at noonday, and Ekron will be rooted up.
5 Mune nhamo imi munogara pedyo negungwa, imi vanhu veKereti; shoko raJehovha rinokurwisa, iwe Kenani nyika yavaFiristia. “Ndichakuparadza, uye hapana achasara.”
Woe to the inhabitants of the sea coast, the nation of the Cherethites. The word of YHWH is against you, Canaan, the land of the Philistines. I will destroy you, that there will be no inhabitant.
6 Nyika iri pedyo negungwa, panogara vaKereti, ichava nzvimbo yavafudzi namatanga ehwai.
The sea coast will be pastures, with cottages for shepherds and folds for flocks.
7 Ichava yavakasara veimba yavaJudha; vachawana mafuro ikoko. Mumadekwana vachavata pasi mudzimba dzaAshikeroni. Jehovha Mwari wavo achavachengeta; Achavadzorera pfuma yavo.
The coast will be for the remnant of the house of Judah. They will find pasture. In the houses of Ashkelon, they will lie down in the evening, for YHWH, their God, will visit them, and restore them.
8 “Ndakanzwa kutuka kwaMoabhu nokuzvidza kwavaAmoni, avo vakatuka vanhu vangu uye vakatyisidzira nyika yavo.
I have heard the reproach of Moab, and the insults of the people of Ammon, with which they have reproached my people, and magnified themselves against their border.
9 Naizvozvo, zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “zvirokwazvo Moabhu achaita seSodhomu, vaAmoni seGomora, nzvimbo yesora namakomba emunyu, matongo nokusingaperi. Vakasara vavanhu vangu vachavapamba; vachararama vorudzi rwangu vachagara nhaka yenyika yavo.”
Therefore as I live, says YHWH of hosts, the God of Israel, surely Moab will be as Sodom, and the people of Ammon as Gomorrah, a possession of nettles, and salt pits, and a perpetual desolation. The remnant of my people will plunder them, and the survivors of my nation will inherit them.
10 Izvi ndizvo zvavachawana nokuda kwokuzvikudza kwavo, nokuti vakatuka uye vakadadira vanhu vaJehovha Wamasimba Ose.
This they will have for their pride, because they have reproached and magnified themselves against the people of YHWH of hosts.
11 Jehovha achava anotyisa kwavari paachaparadza vamwari vose venyika. Ndudzi pamahombekombe ose dzichamunamata, rudzi rumwe norumwe munyika yarwo.
YHWH will be awesome to them, for he will famish all the gods of the land. Men will worship him, everyone from his place, even all the shores of the nations.
12 “Nemiwo, imi vaEtiopia, muchaparadzwa nomunondo wangu.”
You Cushites also, you will be killed by my sword.
13 Achatambanudza ruoko rwake kuti arwise nyika yokumusoro agoparadza Asiria, achasiya Ninevhe rava dongo zvachose uye raoma segwenga.
He will stretch out his hand against the north, destroy Assyria, and will make Nineveh a desolation, as dry as the wilderness.
14 Mapoka amakwai nemombe zvichavata pasi imomo, nezvipuka zvamarudzi ose. Zizi romurenje nezizi romurwizi zvichavata pamusoro pembiru dzavo. Kudana kwazvo kuchaungira nomumawindo, marara achava pamisuo yavo, mapango omusidhari achasiyiwa pachena.
Herds will lie down in the midst of her, all the animals of the nations. Both the pelican and the porcupine will lodge in its capitals. Their calls will echo through the windows. Desolation will be in the thresholds, for he has laid bare the cedar beams.
15 Iri ndiro guta risina hanya raigara vakachengetedzeka. Rakati mumwoyo maro, “Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.” Razova dongo rakadii, nzvimbo inovata mhuka dzesango! Vose vanopfuura napariri vanoseka Uye vanokunga zvibhakera zvavo.
This is the joyous city that lived carelessly, that said in her heart, "I am, and there is none besides me." How she has become a desolation, a place for animals to lie down in. Everyone who passes by her will hiss, and shake their fists.

< Zefania 2 >