< Zekaria 1 >
1 “Mumwedzi worusere wegore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia, mwanakomana waIdho richiti:
In the eighth month, in the second year of Darius, came the word of Jehovah to Zechariah, the son of Barachiah, the son of Iddo, the prophet, saying: —
2 “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru.
Jehovah hath been much displeased with your fathers.
3 Naizvozvo udza vanhu kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Dzokerai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
But say thou to them, Thus saith Jehovah of hosts: Turn ye to me, saith Jehovah of hosts, And I will turn to you, saith Jehovah of hosts.
4 Musaita samadzibaba enyu, avo vakaudzwa navaprofita vokutanga kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Dzokai kubva panzira dzenyu dzakaipa nepazvakaipa zvamunoita.’ Asi havana kunzwa kana kuteerera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Be ye not as your fathers, to whom the former prophets cried, saying, Turn ye now from your evil ways, and from your evil doings! But they did not hear, nor hearken to me, saith Jehovah.
5 Aripiko madzibaba enyu zvino? Uye vaprofita vacho, vanorarama zvandakarayira nokusingaperi here?
Your fathers, where are they? And the prophets, do they live forever?
6 Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakarayira varanda vangu ivo vaprofita, hazvina kurarama kupfuura madzibaba enyu here? “Ipapo vakatendeuka ndokuti, ‘Jehovha Wamasimba Ose akatiitira zvakafanira mabasa edu nenzira dzedu, sezvaakafunga kuita.’”
But my words and my statutes, Which I commanded my servants, the prophets, Did they not overtake your fathers? And they returned and said, Even as Jehovah of hosts thought To do to us according to our ways, and according to doings, So hath he done to us.
7 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wegumi nomumwe, mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia mwanakomana waIdho.
On the four and twentieth day of the eleventh month, which is the month Sebat, in the second year of Darius, came the word of Jehovah to Zechariah, the son of Barachiah, the son of Iddo, the prophet, saying:
8 Panguva dzousiku ndakaona chiratidzo, hapo pamberi pangu paiva nomurume akanga akatasva bhiza dzvuku! Akanga akamira pakati pemiti yaiva mumupata. Shure kwake kwaiva namabhiza matsvuku, mashava uye namachena.
I saw in the night, and behold, a man riding upon a red horse; and he stood among the myrtle-trees that were in the deep valley, and behind him were other horses, red, fox-colored, and white.
9 Ipapo ndakati, “Izvi zviiko, ishe wangu?” Mutumwa akanga achitaura neni akapindura akati, “Ndichakuratidza kuti zvii.”
Then I said, What are these, my lord? And the angel that talked with me said to me, I will show thee what these are.
10 Ipapo murume akanga amire pakati pemiti yemitire akatsanangura achiti, “Ava ndivo vakatumwa naJehovha kuti vaende munyika yose.”
And the man that stood among the myrtle-trees answered and said, These are they whom Jehovah hath sent to go to and fro through the earth.
11 Uye vakapindura mutumwa waJehovha akanga akamira pakati pemiti yemitire vachiti, “Taenda munyika yose tikaona nyika yose yakazorora uye ino runyararo.”
And they answered the angel of Jehovah that stood among the myrtle-trees, and said, We have gone to and fro through the earth, and behold, all the earth is still and at rest.
12 Ipapo mutumwa waJehovha akati, “Jehovha Wamasimba Ose muchasvika rinhiko musinganzwiri Jerusarema namaguta eJudha tsitsi amakatsamwira kwamakore makumi manomwe aya?”
Then the angel of Jehovah answered, and said, O Jehovah of hosts, how long wilt thou not have mercy on Jerusalem and the cities of Judah, against which thou hast had indignation these threescore and ten years?
13 Saka Jehovha akataura mashoko akanaka anonyaradza kumutumwa akataura neni.
And Jehovah answered the angel that talked with me good words and comfortable words.
14 Ipapo mutumwa aitaura neni akati, “Danidzira shoko iri rokuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndine godo kwazvo pamusoro peJerusarema neZioni,
And the angel who talked with me said to me: Proclaim thou and say, Thus saith Jehovah of hosts: I am jealous for Jerusalem and for Zion with great jealousy,
15 asi ndakatsamwira zvikuru ndudzi dzinoti dzakagarika. Ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakawedzera padambudziko iri.’
And with great anger am I angry with the nations that are at ease; For I was but a little displeased, And they helped forward the affliction.
16 “Naizvozvo, zvanzi naJehovha: ‘Ndichadzokera kuJerusarema ndine tsitsi, uye ipapo imba yangu ichavakwazve. Uye rwodzi rwokuyera ruchatambanudzwa pamusoro peJerusarema,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Therefore thus saith Jehovah: I return to Jerusalem with mercies; My house shall be built in it, Saith Jehovah of hosts, And a measuring-line shall be stretched forth over Jerusalem.
17 “Danidzirazve uti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Maguta angu achafashukirazve noupfumi, uye Jehovha achanyaradzazve Zioni uye agosarudza Jerusarema.’”
Proclaim yet and say, Thus saith Jehovah of hosts: My cities shall yet overflow with prosperity, And Jehovah will yet comfort Zion, And will yet choose Jerusalem.
18 Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nenyanga ina!
Then I lifted up my eyes and looked, and behold, four horns.
19 Ndakabvunza mutumwa aitaura neni ndikati, “Zviiko izvi?” Akandipindura achiti, “Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri neJerusarema.”
And I said to the angel that talked with me, What mean these? And he answered me, These are the horns which have scattered Judah, Israel, and Jerusalem.
20 Ipapo Jehovha akandiratidza mhizha ina.
And Jehovah showed me four smiths.
21 Ndakabvunza ndikati, “Ko, ava vari kuuya kuzoitei?” Akapindura akati, “Idzi ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha kuti pashayikwe kana mumwe angasimudza musoro wake, asi mhizha dzauya kuzodzityisa uye kuti dzigokanda pasi nyanga idzi dzendudzi dzakasimudza nyanga dzadzo kuti dzirwise nyika yeJudha kuti dziparadzire vanhu vayo.”
Then said I, What come these to do? And he spake, saying, These are the horns which scattered Judah, so that no man lifted up his head; and now these are come to terrify them, to cast out the horns of the nations which lifted up their horn against the land of Judah to scatter it.