< Zekaria 7 >

1 Mugore rechina raMambo Dhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekaria pazuva rechina romwedzi wepfumbamwe, mumwedzi weKisirevhi.
Kwasekusithi ngomnyaka wesine kaDariyusi inkosi, ilizwi leNkosi lafika kuZekhariya ngolwesine lwenyanga yesificamunwemunye, kuKisilevi.
2 Vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemi-Mereki, pamwe chete navanhu vavo, kuti vaende kuna Jehovha
Sebethume endlini kaNkulunkulu oSharezeri loRegem-Meleki lamadoda akhe, ukuyacela ubuso beNkosi,
3 kundokumbira kuvaprista veimba yaJehovha Wamasimba Ose nokuvaprofita vachiti, “Ndochema nokutsanya nomwedzi wechishanu here, sezvandakaita kwamakore mazhinji aya?”
ukukhuluma kubapristi ababesendlini yeNkosi yamabandla, lakubaprofethi, besithi: Ngikhale inyembezi yini ngenyanga yesihlanu, ngokuzehlukanisa, njengoba ngenzile okweminyaka le engaka?
4 Ipapo shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvika kwandiri richiti,
Laselifika kimi ilizwi leNkosi yamabandla, lisithi:
5 “Bvunza vanhu vose venyika uye navaprista kuti, ‘Pamakatsanya uye mukachema mumwedzi wechishanu nowechinomwe kwamakore makumi manomwe akapfuura, makatsanyira ini zvechokwadi here?
Khuluma ebantwini bonke belizwe, lakubapristi, usithi: Lapho lazila ukudla lalila ngenyanga yesihlanu leyesikhombisa, ngitsho leyominyaka engamatshumi ayisikhombisa, lazila lokuzila kimi, ngitsho kimi yini?
6 Uye pamaidya nokunwa, makanga musingangozvifadzi here?
Lalapho lisidla, lalapho linatha, bekungayisini yini elidlayo, lina-ke elinathayo?
7 Aya haasiwo here mashoko aJehovha akaparidzwa kubudikidza navaprofita vekare, Jerusarema namaguta aro akaripoteredza parakanga riri parugare uye richibudirira, uye nyika yeNegevhi nomujinga mezvikomo zvokumavirira muchakagarwa navanhu?’”
Kakusiwo amazwi iNkosi eyawamemeza ngesandla sabaprofethi bokuqala yini, lapho iJerusalema yahlalwa iphumelela, lemizi yayo inhlangothi zonke zayo, lapho ihlalwa iningizimu legceke?
8 Uye shoko raJehovha rakasvikazve kuna Zekaria richiti,
Ilizwi leNkosi laselifika kuZekhariya, lisithi:
9 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha.
Itsho njalo iNkosi yamabandla, isithi: Yahlulelani isahlulelo esiqotho, lenze umusa lezihawu, ngulowo lalowo kumfowabo.
10 Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’
Lingacindezeli umfelokazi, lentandane, owemzini, lomyanga; linganakani okubi enhliziyweni yenu ngulowo emelene lomfowabo.
11 “Asi vakaramba kuteerera; mukuzvikudza vakafuratira uye vakadzivira nzeve dzavo.
Kodwa bala ukulalela, banika ihlombe elenkani, benza indlebe zabo zaba nzima, ukuze bangezwa.
12 Vakaomesa mwoyo yavo sedombo romusarasara uye vakasateerera kumurayiro kana kumashoko aJehovha Wamasimba Ose aakanga atuma noMweya wake kubudikidza navaprofita vekare. Saka Jehovha Wamasimba Ose akatsamwa zvikuru.
Yebo, benza inhliziyo yabo yaba njengelitshe elilukhuni, ukuze bangawuzwa umlayo, lamazwi iNkosi yamabandla eyayiwathumeze ngomoya wayo ngesandla sabaprofethi bokuqala. Ngakho kwaba khona intukuthelo enkulu ivela eNkosini yamabandla.
13 “‘Pandakadana, havana kuteerera; saka pavakadana, handina kuvateerera,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Ngakho sekwenzakele, njengoba yamemeza, kabaze bezwa; ngokunjalo bamemeza, kangaze ngezwa, itsho iNkosi yamabandla.
14 ‘Ndakavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose, uko kwavakava vatorwa. Nyika yakava dongo shure kwavo zvokuti hapana aizogona kupinda kana kubudamo. Izvi ndizvo zvavakaita kunyika yaifadza, ikava dongo.’”
Kodwa ngabahlakaza ngesivunguzane phakathi kwezizwe zonke ababengazazi. Ngakho ilizwe lachithakala emva kwabo, ukuze kungabi khona odlulayo lophendukayo; ngoba benza ilizwe eliloyisekayo laba yincithakalo.

< Zekaria 7 >