< Zekaria 4 >
1 Ipapo mutumwa akataura neni akauyazve kwandiri akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.
Potom vrati se anðeo koji mi govoraše, i probudi me kao èovjeka koji se budi oda sna.
2 Akandibvunza achiti, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona chigadziko chomwenje chegoridhe rizere, chine mbiya pamusoro pacho nemwenje minomwe pamusoro pacho, mwenje mumwe nomumwe une mbombi nomwe.
I reèe mi: šta vidiš? A ja rekoh: vidim, eto svijeænjak sav od zlata, i gore na njemu èaša, i sedam žižaka njegovijeh na njemu, i sedam lijevaka za sedam žižaka što su gore na njemu,
3 Uyezve pane miti miviri yemiorivhi parutivi pacho, mumwe kurutivi rworudyi rwembiya nomumwe kurutivi rworuboshwe kwayo.”
I dvije masline uza nj, jedna s desne strane èaši a jedna s lijeve.
4 Ndakabvunza mutumwa aitaura ndichiti, “Izvi zviiko, ishe wangu?”
I progovorih anðelu koji govoraše sa mnom, i rekoh: što je to, gospodaru moj?
5 Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndakapindura ndichiti, “Kwete, ishe wangu.”
A anðeo koji govoraše sa mnom odgovori i reèe mi: zar ne znaš što je to? I rekoh: ne, gospodaru moj.
6 Saka akati kwandiri, “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
A on odgovori i reèe mi govoreæi: to je rijeè Gospodnja Zorovavelju: ne silom ni krjepošæu nego duhom mojim, veli Gospod nad vojskama.
7 “Uri chiiko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani. Ipapo iye achabudisa ibwe rokumusoro vanhu vachidanidzira vachiti, ‘Mwari ngaariropafadze! Mwari ngaariropafadze!’”
Što si ti, goro velika, pred Zorovaveljem? ravnica; i on æe iznijeti najviši kamen, s usklicima: milost, milost njemu.
8 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
I doðe mi rijeè Gospodnja govoreæi:
9 “Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzetemberi ino; maoko ake achaipedzisazve. Ipapo uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwauri.
Ruke Zorovaveljeve osnovaše ovaj dom, ruke æe njegove i dovršiti, i poznaæeš da me je Gospod nad vojskama poslao k vama.
10 “Ndiani anoshora zuva rezvinhu zviduku? Vanhu vachafara pavachaona rwodzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri. “(Zvinomwe izvi ndizvo maziso aJehovha, anoona nyika yose.)”
Jer ko je prezreo dan malijeh stvari? jer æe se radovati kad vide kamen mjeraèki u ruci Zorovavelju onijeh sedam oèiju Gospodnjih koje prelaze svu zemlju.
11 Ipapo ndakabvunza mutumwa ndichiti, “Ko, miti yemiorivhi miviri iyi iri kurudyi nokuruboshwe kwechigadziko chomwenje ndeyei?”
Tada odgovarajuæi rekoh mu: što su one dvije masline s desne strane svijeænjaku i s lijeve?
12 Uyezve ndakamubvunza kuti, “Ko, matavi aya maviri omuorivhi parutivi pembombi mbiri dzegoridhe dzinodurura mafuta egoridhe ndeei?”
I opet progovorih i rekoh mu: što su one dvije granèice maslinove, što su meðu dva lijevka zlatna, koji toèe zlato?
13 Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndikati, “Kwete, ishe wangu.”
I reèe mi govoreæi: zar ne znaš što je to? A ja rekoh: ne, gospodaru moj.
14 Saka akati, “Ava ndivo vaviri vakazodzwa kuti vashumire Ishe wenyika yose.”
Tada reèe: to su dvije masline koje stoje kod Gospoda sve zemlje.