< Zekaria 3 >
1 Ipapo akandiratidza Joshua muprista mukuru amire pamberi pomutumwa waJehovha, uye Satani amire kurudyi rwake kuti amupomere.
RAB, meleğinin önünde duran Başkâhin Yeşu'yu ve onu suçlamak için sağında duran Şeytan'ı bana gösterdi.
2 Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke iwe, Satani! Jehovha, iye akasarudza Jerusarema, ngaakutuke! Ko, murume uyu haazi rukuni runobvira rwabvutwa mumoto here?”
RAB'bin meleği Şeytan'a, “RAB seni azarlasın, ey Şeytan!” dedi, “Yeruşalim'i seçen RAB seni azarlasın! Bu adam ateşten çıkarılan yarı yanmış odun parçası değil mi?”
3 Zvino Joshua akanga akapfeka nguo dzine tsvina amire pamberi pomutumwa.
Yeşu meleğin önünde çok kirli giysiler içinde duruyordu.
4 Mutumwa akati kuna avo vakanga vamire pamberi pake, “Mubvisei nguo dzake dzine tsvina.” Ipapo akati kuna Joshua, “Tarira ndabvisa chivi chako, uye ndichakupfekedza nguo dzinokosha.”
Melek önündeki meleklere, “Üzerinden kirli giysileri çıkarın” dedi. Sonra Yeşu'ya, “Bak, suçunu kaldırdım. Sana bayramlık giysiler giydireceğim” dedi.
5 Ipapo ndakati, “Isai nguwani yakachena pamusoro wake.” Nokudaro vakamupfekedza nguwani yakachena pamusoro wake uye vakamupfekedza nguo, mutumwa waJehovha amirepo.
Ben de Yeşu'nun başına temiz bir sarık sarmalarını söyledim. Başına temiz bir sarık sarıp onu giydirdiler. RAB'bin meleği de onun yanında duruyordu.
6 Mutumwa waJehovha akarayira Joshua achiti,
Sonra RAB'bin meleği Yeşu'yu uyardı:
7 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Kana ukafamba nenzira dzangu uye ukachengeta mirayiro yangu, ipapo uchatonga imba yangu uye uchachengetawo mavazhe angu, uye ndichakupa nzvimbo pakati paava vakamira pano.
“Her Şeye Egemen RAB diyor ki, ‘Eğer yollarımda yürür, verdiğim görevleri yerine getirirsen, tapınağımı sen yönetecek, avlularımı sen koruyacaksın. Sana burada duranların arasına katılıp huzuruma çıkma ayrıcalığını vereceğim.
8 “‘Teerera, iwe Joshua muprista mukuru navanobata pamwe chete newe vagere pamberi pako, varume ava vanova chiratidzo chezvinouya: Ndichauyisa muranda wangu, Davi.
“‘Ey Başkâhin Yeşu, sen ve önünde oturan kâhin arkadaşların, dinleyin! Çünkü onlar gelecek olayların önbelirtisidir. Dal adındaki kulumu ortaya çıkarıyorum.
9 Tarirai ibwe randaisa pamberi paJoshua! Pane maziso manomwe pabwe rimwe chete iroro, uye ndichatema chinyorwa pariri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘uye ndichabvisa chivi chenyika ino nezuva rimwe chete.
Yeşu'nun önüne koyduğum taşa bakın! O tek taşın yedi gözü var; onun üzerine bir yazıt oyacağım’ diyor Her Şeye Egemen RAB, ‘Bir günde bu ülkenin günahını kaldıracağım.
10 “‘Pazuva iro mumwe nomumwe wenyu achakoka muvakidzani wake kuzogara pasi pomuzambiringa napasi pomuonde wake,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
O gün her biriniz komşusunu asmasının, incir ağacının altında oturmaya çağıracak.’ Böyle diyor Her Şeye Egemen RAB.”