< Zekaria 2 >

1 Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nomurume aiva nerwodzi rwokuyeresa muruoko rwake!
Et levavi oculos meos, et vidi: et ecce vir, et in manu eius funiculus mensorum.
2 Ndakabvunza ndikati, “Uri kuendepiko?” Akandipindura achiti, “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”
Et dixi: Quo tu vadis? Et dixit ad me: Ut metiar Ierusalem, et videam quanta sit latitudo eius, et quanta longitudo eius.
3 Ipapo mutumwa aitaura neni akaenda, uye mumwe mutumwa akauya kuzosangana naye
Et ecce angelus, qui loquebatur in me, egrediebatur, et angelus alius egrediebatur in occursum eius.
4 uye akati kwaari: “Mhanya undoudza jaya iro kuti, ‘Jerusarema richava guta risina masvingo nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zviri mariri.
Et dixit ad eum: Curre, loquere ad puerum istum, dicens: Absque muro habitabitur Ierusalem præ multitudine hominum, et iumentorum in medio eius.
5 Uye ini pachangu ndichava rusvingo rwomoto rwakarikomberedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’
Et ego ero ei, ait Dominus, murus ignis in circuitu: et in gloria ero in medio eius.
6 “Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
O, o fugite de terra Aquilonis, dicit Dominus: quoniam in quattuor ventos cæli dispersi vos, dicit Dominus.
7 “Uya, iwe Zioni! Tiza, iwe unogara muMwanasikana weBhabhironi!”
O Sion, fuge quæ habitas apud filiam Babylonis:
8 Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Mushure mokunge andikudza uye andituma kundorwisa ndudzi dzakakupambai, nokuti ani naani anokubatai anobata mboni yeziso rake,
quia hæc dicit Dominus exercituum: Post gloriam misit me ad Gentes, quæ spoliaverunt vos: qui enim tetigerit vos, tangit pupillam oculi mei:
9 zvirokwazvo ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndivarwise kuitira kuti nhapwa dzavo dzigovapamba. Ipapo muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma.
quia ecce ego levo manum meam super eos, et erunt prædæ his, qui serviebant sibi: et cognoscetis quia Dominus exercituum misit me.
10 “Pembera uye ufare, iwe Mwanasikana weZioni. Nokuti ndiri kuuya, uye ndichagara pakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Lauda, et lætare filia Sion: quia ecce ego venio, et habitabo in medio tui, ait Dominus.
11 “Ndudzi zhinji dzichabatana naJehovha pazuva iro uye vachava vanhu vangu. Ndichagara pakati penyu uye muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwamuri.
Et applicabuntur gentes multæ ad Dominum in die illa, et erunt mihi in populum, et habitabo in medio tui: et scies quia Dominus exercituum misit me ad te.
12 Judha ichava nhaka yaJehovha somugove wake munyika tsvene uye achasarudzazve Jerusarema.
Et possidebit Dominus Iudam partem suam in terra sanctificata: et eliget adhuc Ierusalem.
13 Nyararai pamberi paJehovha, vanhu vose, nokuti asimuka kubva panzvimbo yake tsvene yaanogara.”
Sileat omnis caro a facie Domini: quia consurrexit de habitaculo sancto suo.

< Zekaria 2 >