< Zekaria 14 >

1 Zuva raJehovha richauya zvawakapamba pazvichagoverwa pakati penyu.
Evo ide dan Gospodnji, i plijen æe se tvoj razdijeliti usred tebe.
2 Ndichaunganidza ndudzi dzose kuJerusarema kuti dzirwise; guta richatorwa, dzimba dzigopambwa, uye vakadzi vachachinyiwa. Hafu yeguta ichatapwa, asi vamwe vanhu vose havazobviswi muguta.
Jer æu skupiti sve narode na Jerusalim u boj, i grad æe se uzeti, i kuæe oplijeniti i žene osramotiti, i polovina æe grada otiæi u ropstvo, a ostali narod neæe se istrijebiti iz grada.
3 Ipapo Jehovha achabuda kuti andorwisa ndudzi idzodzo, sokurwa kwaanoita pazuva rehondo.
Jer æe Gospod izaæi, i vojevaæe na narode kao što vojuje na dan kad je boj.
4 Pazuva iroro tsoka dzake dzichamira paGomo reMiorivhi, kumabvazuva kweJerusarema, uye Gomo reMiorivhi richapamuka napakati kubva kumabvazuva kusvikira kumadokero, pagoita mupata mukuru kwazvo, imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro uye imwe hafu ichatsedukira zasi.
I noge æe njegove stati u taj dan na gori Maslinskoj koja je prema Jerusalimu s istoka, i gora æe se Maslinska raspasti po srijedi na istok i na zapad da æe biti prodol vrlo velika, i polovina æe gore ustupiti na sjever a polovina na jug.
5 Muchatiza nomumupata wegomo rangu, nokuti uchasvika kuAzeri. Muchatiza sokutiza kwamakaita pakudengenyeka kwenyika pamazuva aUzia mambo weJudha. Ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, uye navatsvene vose pamwe chete naye.
I bježaæete u prodol gorsku, jer æe prodol gorska dopirati do Asala, i bježaæete kao što bježaste od trusa u vrijeme Ozije cara Judina; i doæi æe Gospod Bog moj, i svi æe sveti biti s tobom.
6 Pazuva iroro hakuzovi nechiedza, kutonhora kana chando.
I u taj dan neæe biti vidjelo svijetlo i mraèno;
7 Richava zuva rakasiyana namamwe, risina nguva dzousiku kana nguva dzamasikati, zuva rinozivikanwa naJehovha. Kana madekwana asvika, chiedza chichavapo.
Nego æe biti jedan dan, koji je poznat Gospodu, neæe biti dan i noæ, jer æe i uveèe biti svjetlost.
8 Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibuda muJerusarema, hafu kugungwa rokumabvazuva uye imwe hafu kugungwa rokumadokero, muzhizha nomuchando.
I u taj æe dan proteæi iz Jerusalima voda živa, pola k istoènom moru a pola k zapadnom moru, i biæe i ljeti i zimi.
9 Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro pachava naJehovha mumwe chete, uye zita rake rigova zita rimwe chete roga.
I Gospod æe biti car nad svom zemljom, u onaj dan biæe Gospod jedan i ime njegovo jedno.
10 Nyika yose kubva kuGebha kusvikira kuRimoni, nechezasi kweJerusarema, ichava seArabha. Asi Jerusarema richasimudzirwa rigogara panzvimbo paro, kubva kuSuo raBhenjamini kusvikira kuSuo Rokutanga, kusvikirawo kuSuo Repakona, uye kubva kuShongwe yaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamambo.
I sva æe se zemlja pretvoriti u ravnicu od Gavaje do Rimona s juga Jerusalimu, koji æe se podignuti i naseliti na svom mjestu od vrata Venijaminovijeh do mjesta gdje su prva vrata, do vrata na uglu, i od kule Ananeilove do tijeska careva.
11 Ichagarwa; haichazoparadzwizve. Jerusarema richachengetedzeka.
I oni æe nastavati u njemu, i neæe više biti prokletstva, i Jerusalim æe stajati bez straha.
12 Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro ndudzi dzose dzakarwisa Jerusarema: Nyama yavo ichaora vachakamira namakumbo avo, maziso avo achaorera mumakomba awo, uye rurimi rwomumwe nomumwe wavo ruchaorera mumukanwa make.
A ovo æe biti zlo kojim æe Gospod udariti sve narode koji bi vojevali na Jerusalim: tijelo æe svakom posahnuti dok još stoji na nogu, i oèi æe svakom posahnuti u rupama svojim, i jezik æe svakom posahnuti u ustima.
13 Pazuva iroro varume vacharohwa naJehovha nokutya kukuru. Murume mumwe nomumwe achabata ruoko rwomumwe wake, vagorwisana.
I u to æe vrijeme biti velika smetnja meðu njima od Gospoda, i hvataæe jedan drugoga za ruku, i ruka æe se jednoga podignuti na ruku drugoga.
14 Judhawo icharwa paJerusarema. Upfumi hwendudzi dzose dzakakomberedza Jerusarema huchatorwa, goridhe rakawanda, sirivha yakawanda nenguo zhinji.
A i Juda æe vojevati na Jerusalim, i blago svijeh naroda unaokolo sabraæe se, zlato i srebro i odijelo vrlo mnogo.
15 Denda rakafanana nairori richarova mabhiza namanyurusi, ngamera nembongoro, uye nezvipfuwo zvose zviri mumisasa iyoyo.
I zlo kao to zlo snaæi æe konje, mazge, kamile i magarce i svu stoku koja bude u tom okolu.
16 Ipapo vachararama kubva kundudzi dzose dzakarwisa Jerusarema vachaenda gore negore kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, uye nokundopemberera Mutambo waMatumba.
I ko god ostane od svijeh naroda koji doðu na Jerusalim, svak æe dolaziti od godine do godine da se pokloni caru Gospodu nad vojskama i da praznuje praznik sjenica.
17 Kana marudzi ose avanhu vapanyika akasaenda kuJerusarema kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, mvura hainganayi munyika dzavo.
I ako koji od plemena zemaljskih ne bi došli u Jerusalim da se poklone caru Gospodu nad vojskama, na njih neæe biti dažda;
18 Kana vaIjipita vakasaenda uye vakasandonamatawo, mvura hainganayi munyika yavo. Jehovha achauyisa denda pamusoro pavo, denda raanorova naro ndudzi dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba.
I ako se pleme Misirsko ne bi podiglo i došlo, na koje ne daždi, biæe isto zlo kojim æe Gospod udariti narode koji ne bi dolazili da praznuju praznik sjenica.
19 Ichi ndicho chichava chirango cheIjipiti uye nechirango chendudzi dzose dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba.
Taki æe biti grijeh Misircima i grijeh svijem narodima koji ne bi dolazili da praznuju praznik sjenica.
20 Pazuva iroro pamabhero amabhiza pachanyorwa kuti, utsvene kuna jehovha, uye hari dzokubikira dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya tsvene dziri pamberi pearitari.
U taj æe dan biti na zvoncima konjskim: svetinja Gospodu; i lonci æe u domu Gospodnjem biti kao zdjele pred oltarom;
21 Hari imwe neimwe iri muJerusarema nomuJudha ichava tsvene kuna Jehovha Wamasimba Ose, uye vose vachauya kuzobayira vachatora dzimwe hari vagodzibikira. Uye pazuva iro hakuchazovazve nomuKenani muimba yaJehovha Wamasimba Ose.
I svi æe lonci u Jerusalimu i u Judi biti svetinja Gospodu nad vojskama, i svi koji hoæe da prinesu žrtvu dolazeæi uzimaæe ih i kuhati u njima; i u taj dan neæe više biti Hananejca u domu Gospoda nad vojskama.

< Zekaria 14 >