< Zekaria 13 >

1 “Pazuva iro imba yaDhavhidhi navagari vomuJerusarema, vachadziurirwa chitubu kuti vanatswe kubva pachivi nokusachena.
On that day a spring will be opened and continually flow for the house of David and for the people of Jerusalem to wash away their sin and impurity.
2 “Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika.
On that day, declares the Lord Almighty, I will wipe out idol worship from the land—the idols will not be remembered any longer. I will remove the false prophets and the spirit of impurity from the land.
3 Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, ‘Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.’ Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya.
If anyone continues to prophesy, his father and mother to whom he was born will tell him, “You shall not live, because you have told lies in the Lord's name.” Then his parents shall kill him because he has prophesied.
4 “Pazuva iro muprofita mumwe nomumwe achanyara nokuda kwechiratidzo chechiprofita chake. Haangazopfeki nguo yemvere yomuprofita kuti anyengere.
On that day such prophets will be too humiliated to prophesy their supposed visions. In order to deceive they will not put on their prophet's clothes made of coarse hair.
5 Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi; ivhu ndiwo upenyu hwangu kubva pauduku hwangu.’
They will say, “I'm not a prophet, I'm a farmer. I've worked on the land since I was a child.”
6 Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’
If somebody asks him, “What are those wounds on your back?” he will answer, “I was wounded in my friend's house.”
7 “Muka, iwe munondo, urwise mufudzi, urwise munhu ari pedyo neni!” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rova mufudzi, makwai agopararira, uye ndichasimudza ruoko rwangu kuti rurwise madiki acho.
Wake up, my sword! Attack my shepherd, the man who stands beside me! declares the Lord. Strike the shepherd and the sheep will be scattered, and I will raise my hand against the lambs.
8 Munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa zvigoparara; asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo.
Two thirds of the people of the land will be cut down, only one third will remain, says the Lord.
9 Chikamu chimwe chete ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto; ndichavanatsa sesirivha uye ndichavaedza segoridhe. Vachadana kuzita rangu uye ndichavapindura; ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’ Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’”
I will place this one third in the fire, and I will refine them as silver is refined, and test them as gold is tested. They will call on me for help, and I will answer them. I will say, “These are my people,” and they will say, “The Lord is my God.”

< Zekaria 13 >