< Zekaria 11 >
1 Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto uparadze misidhari yako!
レバノンよ、おまえの門を開き、おまえの香柏を火に焼き滅ぼさせよ。
2 Ungudza, iwe muti womupaini, nokuti musidhari wawa, miti yakaisvonaka yaparadzwa! Ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo resango ratemwa!
いとすぎよ、泣き叫べ。香柏は倒れ、みごとな木は、そこなわれたからである。バシャンのかしよ、泣き叫べ。茂った林は倒れたからである。
3 Inzwai kuungudza kwavafudzi; mafuro avo akapfuma aparadzwa! Inzwai kuomba kweshumba, sango rinoyevedza reJorodhani raparadzwa!
聞け、牧者の泣き叫ぶ声を。彼らの栄えが消え去ったからである。聞け、ししのほえる声を。ヨルダンの草むらが荒れ果てたからである。
4 Zvanzi naJehovha Mwari wangu: “Fudzai makwai akagadzirirwa kundobayiwa.
わが神、主はこう仰せられた、「ほふらるべき羊の群れの牧者となれ。
5 Vatengi vawo vanoabaya vagoenda nawo vasina kurangwa. Avo vanoatengesa vanoti, ‘Jehovha ngaakudzwe, ndapfuma!’ Vafudzi vawo havangaaponesi.
これを買う者は、これをほふっても罰せられない。これを売る者は言う、『主はほむべきかな、わたしは富んだ』と。そしてその牧者は、これをあわれまない。
6 Nokuti handichazonzwirizve vanhu venyika tsitsi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa mumwe nomumwe kumuvakidzani wake uye kuna mambo wake. Vachamanikidza nyika, uye handingavanunuri kubva pamaoko avo.”
わたしは、もはやこの地の住民をあわれまないと、主は言われる。見よ、わたしは人をおのおのその牧者の手に渡し、おのおのその王の手に渡す。彼らは地を荒す。わたしは彼らの手からこれを救い出さない」。
7 Saka ndakafudza makwai akatsaurirwa kundobayiwa kunyanya ainzwisa urombo. Ipapo ndakatora tsvimbo mbiri ndikatumidza imwe kuti Nyasha uye imwe Kubatana, uye ndakafudza makwai.
わたしは羊の商人のために、ほふらるべき羊の群れの牧者となった。わたしは二本のつえを取り、その一本を恵みと名づけ、一本を結びと名づけて、その羊を牧した。
8 Mumwedzi mumwe chete ndakadzinga vafudzi vatatu. Boka rakandivenga, uye ndakatanga kuneta naro
わたしは一か月に牧者三人を滅ぼした。わたしは彼らに、がまんしきれなくなったが、彼らもまた、わたしを忌みきらった。
9 uye ndikati, “Handichazovi mufudzi wenyu. Regai makwai ari kufa afe, neari kuparara aparare. Regai ayo akasara adyanane nyama.”
それでわたしは言った、「わたしはあなたがたの牧者とならない。死ぬ者は死に、滅びる者は滅び、残った者はたがいにその肉を食いあうがよい」。
10 Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi Nyasha ndikaivhuna, ndichiputsa sungano yandakanga ndaita nendudzi dzose.
わたしは恵みというつえを取って、これを折った。これはわたしがもろもろの民と結んだ契約を、廃するためであった。
11 Yakaputswa pazuva iroro, uye makwai airwadziwa akanga akanditarira akaziva kuti raiva shoko raJehovha.
そしてこれは、その日に廃された。そこで、わたしに目を注いでいた羊の商人らは、これが主の言葉であったことを知った。
12 Ndakaaudza kuti, “Kana muchiona zvakanaka, ndipei muripo wangu, asi kana zvisina, uchengetei.” Nokudaro vakandipa mubayiro wangu wamakumi matatu esirivha.
わたしは彼らに向かって、「あなたがたがもし、よいと思うならば、わたしに賃銀を払いなさい。もし、いけなければやめなさい」と言ったので、彼らはわたしの賃銀として、銀三十シケルを量った。
13 Jehovha akati kwandiri, “Ikande kumuumbi wehari, muripo wakanaka wavakanditenga nawo!” Saka ndakatora makumi matatu esirivha aya ndikaakanda muimba yaJehovha kumuumbi wehari.
主はわたしに言われた、「彼らによって、わたしが値積られたその尊い価を、宮のさいせん箱に投げ入れよ」。わたしは銀三十シケルを取って、これを主の宮のさいせん箱に投げ入れた。
14 Ipapo ndakavhuna tsvimbo yangu yechipiri inonzi Kubatana ndichiputsa ukama hwakanga huripo pakati peJudha neIsraeri.
そしてわたしは結びという第二のつえを折った。これはユダとイスラエルの間の、兄弟関係を廃するためであった。
15 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Torazve nhumbi dzomufudzi benzi.
主はわたしに言われた、「おまえはまた愚かな牧者の器を取れ。
16 Nokuti ndichamutsa mufudzi panyika asingazovi nehanya neakarasika, kana kutsvaka makwayana, kana kurapa akakuvadzwa, kana kufudza akasimba, asi achadya nyama yamakwai akakora uye achabvambura mahwanda awo.
見よ、わたしは地にひとりの牧者を起す。彼は滅ぼされる者を顧みず、迷える者を尋ねず、傷ついた者をいやさず、健やかな者を養わず、肥えた者の肉を食らい、そのひずめをさえ裂く者である。
17 “Ane nhamo mufudzi asina maturo anosiya makwai! Munondo ngaubaye ruoko rwake uye neziso rake rokurudyi! Ruoko rwake ngaruome zvachose, ziso rake rokurudyi ripofumadzwe zvachose!”
その羊の群れを捨てる愚かな牧者はわざわいだ。どうか、つるぎがその腕を撃ち、その右の目を撃つように。その腕は全く衰え、その右の目は全く見えなくなるように」。