< Tito 3 >

1 Uyeuchidze vanhu kuti vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka,
Bakhumbuze ukuthi bazehlisele ngaphansi kwababusi leziphathamandla, babalalele, balungele wonke umsebenzi omuhle,
2 kuti varege kuchera vamwe, vagare murunyararo, vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose.
bangahlebi muntu, bangabi yizilwi, babekezele, batshengise bonke ubumnene ebantwini bonke.
3 Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana.
Ngoba lathi kade sasiyiziphukuphuku, singalaleli, sikhohliswa, sisebenzela inkanuko lentokozo ezinenginengi, siphila ebubini lemoneni, sizondeka, sizondana.
4 Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu,
Kodwa lapho sekubonakele umusa lothando lukaNkulunkulu uMsindisi wethu kubantu,
5 akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,
kungeyisikho okuvela ezenzweni zokulunga esazenzayo thina, kodwa njengokwesihawu sakhe wasisindisa, ngokugeziswa kokuzalwa kutsha lokuvuselelwa koMoya oNgcwele,
6 uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu,
owamthulula ngokwengezelelweyo phezu kwethu, ngoJesu Kristu uMsindisi wethu,
7 kuitira kuti mushure mokunge taruramisirwa nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi. (aiōnios g166)
ukuze silungisiswe ngomusa wakhe, sibe yizindlalifa ngokwethemba lempilo elaphakade. (aiōnios g166)
8 Iri ishoko rezvokwadi. Uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, kuitira kuti vaya vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira munhu wose.
Lithembekile ilizwi, njalo ngithanda ukuthi uqinise isibili ngalezizinto, ukuze abakholwa kuNkulunkulu bakhuthalele ukuma emisebenzini emihle. Lezi yizinto ezinhle ezilosizo ebantwini;
9 Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri.
kodwa xwaya imibuzo yobuthutha lendaba zosendo olokuzalana lombango lokuphikisana ngomlayo; ngoba kazisizi futhi ziyize.
10 Yambira munhu anotsausa kokutanga uye ugomuyambirazve kechipiri. Mushure mezvo usava nechokuita naye.
Umuntu obhazukayo emva kwesilayo sokuqala lesesibili, mdele,
11 Uve nechokwadi chokuti munhu akadaro akatsauka uye mutadzi; akazvirasa iye amene.
usazi ukuthi onjalo uphambukile, uyona, uyazilahla yena.
12 Pandichatuma Atema kana Tikikasi kwauri, edza napaunogona napo pose kuti uuye kwandiri paNikopori, nokuti ndichagarako panguva yechando.
Nxa ngizathuma uArtema kuwe loba uTikiko, khuthala uze kimi eNikapoli; ngoba ngizimisele ukuhlala khona ebusika.
13 Ita zvose zvaungagona kuti ubatsire Zenasi mududziri womurayiro naAporosi parwendo rwavo uye uite kuti varege kushayiwa chinhu.
Khuthala uncedise uZena isazumthetho loApolosi ekuhambeni kwabo, ukuze kungabi lalutho oluswelakalayo kubo.
14 Vanhu vedu vanofanira kudzidza kuzvipira kuita zvakanaka, kuitira kuti vagone kutibatsira pazvinhu zvinodiwa mazuva ose uye kuti vasararama upenyu husina zvibereko.
Abakithi-ke labo kabafunde ukuma emisebenzini emihle yokudingekayo kusweleka, ukuze bangabi ngabangelazithelo.
15 Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ukwazise vose vanotida mukutenda. Nyasha ngadzive nemi mose.
Bonke abalami bayakubingelela. Bingelela abasithandayo ekholweni. Umusa kawube lani lonke. Ameni.

< Tito 3 >