< Tito 2 >

1 Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama.
但你所讲的总要合乎那纯正的道理。
2 Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama mukutenda, murudo nomukutsungirira.
劝老年人要有节制、端庄、自守,在信心、爱心、忍耐上都要纯全无疵。
3 Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka.
又劝老年妇人,举止行动要恭敬,不说谗言,不给酒作奴仆,用善道教训人,
4 Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo,
好指教少年妇人,爱丈夫,爱儿女,
5 kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.
谨守,贞洁,料理家务,待人有恩,顺服自己的丈夫,免得 神的道理被毁谤。
6 Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore.
又劝少年人要谨守。
7 Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa
你自己凡事要显出善行的榜样;在教训上要正直、端庄,
8 uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.
言语纯全,无可指责,叫那反对的人,既无处可说我们的不是,便自觉羞愧。
9 Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavanavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, varege kupindurana navo,
劝仆人要顺服自己的主人,凡事讨他的喜欢,不可顶撞他,
10 uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.
不可私拿东西,要显为忠诚,以致凡事尊荣我们救主— 神的道。
11 Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.
因为 神救众人的恩典已经显明出来,
12 Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino, (aiōn g165)
教训我们除去不敬虔的心和世俗的情欲,在今世自守、公义、敬虔度日, (aiōn g165)
13 takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,
等候所盼望的福,并等候至大的 神和我们救主耶稣基督的荣耀显现。
14 akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka.
他为我们舍了自己,要赎我们脱离一切罪恶,又洁净我们,特作自己的子民,热心为善。
15 Zvino, izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kudzidzisa. Kurudzira uye utsiure nesimba rose. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.
这些事你要讲明,劝戒人,用各等权柄责备人;不可叫人轻看你。

< Tito 2 >