< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 1 >
1 Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:
Süleyman'ın Ezgiler Ezgisi.
2 Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.
Beni dudaklarıyla öptükçe öpsün! Çünkü aşkın şaraptan daha tatlı.
3 Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!
Ne güzel kokuyor sürdüğün esans, Dökülmüş esans sanki adın, Kızlar bu yüzden seviyor seni.
4 Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati. Shamwari Tinokupembererai uye tinokufarirai; ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini. Mukadzi Regai zvenyu mhandara dzikudei!
Al götür beni, haydi koşalım! Kral beni odasına götürsün. Seninle coşup seviniriz, Aşkını şaraptan çok överiz. Ne kadar haklılar seni sevmekte!
5 Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu, vanasikana veJerusarema, ndakasviba samatende eKedhari, sezvidzitiro zvetende raSoromoni.
Esmerim ben, ama güzelim, Ey Yeruşalim kızları! Kedar'ın çadırları gibi, Süleyman'ın çadır bezleri gibi kara.
6 Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
Bakmayın esmer olduğuma, Güneş kararttı beni. Çünkü kızdılar bana erkek kardeşlerim, Bağlara bakmakla görevlendirdiler. Ama kendi bağıma bakmadım.
7 Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako?
Ey sevgilim, söyle bana, sürünü nerede otlatıyorsun, Öğleyin nerede yatırıyorsun? Neden arkadaşlarının sürüleri yanında Yüzünü örten bir kadın durumuna düşeyim?
8 Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, chitevera makwara amakwai ugondofudzira mbudzana dzako pedyo namatende avafudzi.
Ey güzeller güzeli, Bilmiyorsan, Sürünün izine çık, Çobanların çadırları yanında Oğlaklarını otlat.
9 Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro.
Firavunun arabalarına koşulu kısrağa benzetiyorum seni, aşkım benim!
10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.
Yanakların süslerle, Boynun gerdanlıklarla ne güzel!
11 Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha.
Sana gümüş düğmelerle altın süsler yapacağız.
12 Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.
Kral divandayken, Hintsümbülümün güzel kokusu yayıldı.
13 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu.
Memelerim arasında yatan Mür dolu bir kesedir benim için sevgilim;
14 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.
Eyn-Gedi bağlarında Bir demet kına çiçeğidir benim için sevgilim.
15 Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! A-a, wakazonaka! Meso ako injiva chaidzo!
Ah, ne güzelsin, aşkım, ah, ne güzel! Gözlerin tıpkı birer güvercin!
16 Wakanaka sei, mudiwa wangu! A-a, unofadza! Uye mubhedha wedu wakasvibira.
Ne yakışıklısın, sevgilim, ah, ne çekici! Yeşilliktir yatağımız.
17 Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari; mbariro dzacho ndedzomupaini.
Sedir ağaçlarıdır evimizin kirişleri, Tavanımızın tahtaları ardıçlar.