< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 1 >
1 Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:
Ingoma yezingoma engekaSolomoni.
2 Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.
Kangange ngokwanga komlomo wakhe; ngoba uthando lwakho lungcono kulewayini.
3 Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!
Ngenxa yephunga lamagcobo akho amnandi, ibizo lakho linjengamagcobo athululiweyo; ngakho-ke izintombi ziyakuthanda.
4 Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati. Shamwari Tinokupembererai uye tinokufarirai; ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini. Mukadzi Regai zvenyu mhandara dzikudei!
Ngidonsa, sizagijima emva kwakho; inkosi ingingenise emakamelweni ayo; sizajabula sithokoze kuwe, sikhumbule uthando lwakho okwedlula iwayini; abaqondileyo bayakuthanda.
5 Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu, vanasikana veJerusarema, ndakasviba samatende eKedhari, sezvidzitiro zvetende raSoromoni.
Ngimnyama, kodwa ngimuhle, madodakazi eJerusalema, njengamathente eKedari, njengamakhetheni kaSolomoni.
6 Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
Lingangibukeli ngoba ngimnyama, ngoba ilanga lingitshisile. Abantwana bakamama bangizondela, bangenza umlindikazi wezivini; isivini sami esingesami kangisilindanga.
7 Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako?
Ngitshela, wena umphefumulo wami okuthandayo, ukuthi welusela ngaphi, uphumuza ngaphi umhlambi emini; ngoba kungani ngizakuba njengozulayo ngasemihlanjini yabangane bakho?
8 Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, chitevera makwara amakwai ugondofudzira mbudzana dzako pedyo namatende avafudzi.
Uba ungazi, wena omuhle kakhulu phakathi kwabesifazana, phuma wena ngezinyathelo zomhlambi, welusele amazinyane akho phansi kwamadumba abelusi.
9 Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro.
Ngikufananise lebhizakazi ezinqoleni zikaFaro, mthandwa wami.
10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.
Izihlathi zakho zinhle phakathi kwemiceciso, intamo yakho ngezigqizo.
11 Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha.
Sizakwenzela imiceciso yegolide lamaqhubu esiliva.
12 Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.
Inkosi isesetafuleni layo ledili inadi yami yakhupha iphunga layo.
13 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu.
Isithandwa sami kimi siyisamba semure; sizalala phakathi kwamabele ami ebusuku.
14 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.
Isithandwa sami kimi silihlukuzo lesihlahla sehena ezivinini zeEngedi.
15 Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! A-a, wakazonaka! Meso ako injiva chaidzo!
Khangela, umuhle, mthandwa wami, khangela, umuhle, amehlo akho angawamajuba.
16 Wakanaka sei, mudiwa wangu! A-a, unofadza! Uye mubhedha wedu wakasvibira.
Khangela, umuhle, sithandwa sami, isibili uyathokozisa. Lombheda wethu uluhlaza.
17 Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari; mbariro dzacho ndedzomupaini.
Imijabo yezindlu zethu yimisedari, intungo zethu ngezefiri.