< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8 >

1 Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri, akanwa pamazamu amai vangu! Ipapo kana ndaikuwana panze, ndaikutsvoda uye hapana aizondishora.
ねがはくは汝わが母の乳をのみしわが兄弟のごとくならんことを われ戸外にてなんぢに遇ふとき接吻せん 然するとも誰ありてわれをいやしむるものあらじ
2 Ndaizokutora ndouya newe kumba kwamai vangu, ivo vakandidzidzisa. Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuhwira kuti unwe, nomukume wemitamba yangu.
われ汝をひきてわが母の家にいたり 汝より教晦をうけん 我かぐはしき酒 石榴のあまき汁をなんぢに飮しめん
3 Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.
かれが左の手はわが頭の下にあり その右の手をもて我を抱く
4 Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.
エルサレムの女子等よ 我なんぢ等に誓ひて請ふ 愛のおのづから起る時まで殊更に喚起し且つ醒すなかれ
5 Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pamudiwa wake? Mukadzi Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa; ipapo mai vako vakakubereka, ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.
おのれの愛する者に倚かかりて荒野より上りきたる者は誰ぞや 林檎の樹の下にてわれなんぢを喚さませり なんぢの母かしこにて汝のために劬勞をなし なんぢを産し者かしこにて劬勞をなしぬ
6 Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu, godo rarwo seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo. (Sheol h7585)
われを汝の心におきて印のごとくし なんぢの腕におきて印のごとくせよ 其の愛は強くして死のごとく 嫉妬は堅くして陰府にひとし その熖は火のほのほのごとし いともはげしき熖なり (Sheol h7585)
7 Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose.
愛は大水も消ことあたはず 洪水も溺らすことあたはず 人その家の一切の物をことごとく與へて愛に換んとするとも尚いやしめらるべし
8 Tine hanzvadzi yedu duku uye mazamu ake haasati akura. Tichaitireiko hanzvadzi yedu pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?
われら小さき妹子あり 未だ乳房あらず われらの妹子の問聘をうくる日には之に何をなしてあたへんや
9 Kana ari rusvingo, tichavaka shongwe dzesirivha paari. Kana ari musuo, tichamukomberedza namapuranga omusidhari.
かれもし石垣ならんには我ら白銀の城をその上にたてん 彼もし戸ならんには香柏の板をもてこれを圍まん
10 Ndiri rusvingo, mazamu angu akaita seshongwe. Ndizvo zvandava pamberi pake, somunhu anouyisa kugutsikana.
われは石垣わが乳房は戍樓のごとし 是をもてわれは情をかうむれる者のごとく彼の目の前にありき バアルハモンにソロモンの葡萄園をもてり これをその守る者等にあづけおき 彼等をしておのおの銀一千をその果のために納めしむ
11 Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni; akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira. Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo aiuya namashekeri chiuru esirivha.
12 Asi munda wangu wemizambiringa ndewangu kuti ndiupe; chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni, asi mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo.
われ自らの有なる葡萄園われの手にあり ソロモンなんぢは一千を獲よ その果をまもる者も二百を獲べし
13 Iwe unogara mumapindu unoshandirwa neshamwari, rega ndinzwe inzwi rako!
なんぢ園の中に住む者よ 伴侶等なんぢの聲に耳をかたむく 請ふ我にこれを聽しめよ
14 Handei mudiwa wangu, uite semhara kana setsvana pamusoro pamakomo azere zvinonhuhwira.
わが愛する者よ 請ふ急ぎはしれ 香はしき山々の上にありて獐のごとく 小鹿のごとくあれ

< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8 >