< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 7 >
1 Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu, iwe mwanasikana womuchinda! Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo, basa ramaoko emhizha.
O, gadis yang anggun, manis benar kakimu dengan sandal itu. Lengkung pahamu seperti perhiasan, karya seorang seniman.
2 Guvhu rako rakatenderera somukombe unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka. Chiuno chako murwi wegorosi wakakomberedzwa namaruva.
Pusarmu seperti cawan bulat yang tak pernah kekurangan anggur campur. Perutmu bagaikan timbunan gandum, dikelilingi bunga-bunga bakung.
3 Mazamu ako akaita setsvana mbiri, mapatya emhara.
Buah dadamu laksana dua anak rusa, kijang kembar dua.
4 Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou. Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni pasuo reBhati Rabhimi. Mhuno yako yakaita seshongwe yeRebhanoni yakatarisa kudivi reDhamasiko.
Lehermu seperti menara gading. Matamu bagaikan kolam-kolam di Hesybon, dekat pintu gerbang Batrabim. Hidungmu seperti menara di Gunung Libanon, yang menghadap ke kota Damsyik.
5 Musoro wako unokushongedza nekorona seGomo reKarimeri. Bvudzi rako rakaita sezvirukwa zvomumba mamambo; mwoyo wamambo wakabatwa nokugadzirwa kwebvudzi rako.
Kepalamu bagaikan bukit Karmel; rambutmu yang dikepang seperti lembayung, mempesonakan bahkan seorang raja.
6 Wakanaka uye unofadza sei, iwe mudiwa nezvinofadza zvako!
Sungguh cantik jelita engkau, yang tercinta di antara yang disenangi.
7 Chimiro chako chakaita somuti womuchindwe; uye mazamu ako samasumbu omuchero.
Tubuhmu seanggun pohon kurma, buah dadamu gugusan buahnya.
8 Ndakati, “Ndichakwira muchindwi uyu, ndigobata muchero wawo.” Mazamu ako ngaaite samasumbu omuzambiringa, munhuwi wokufema kwako uite samaapuro,
Ingin aku memanjat pohon kurma itu, dan memperoleh buah-buahnya. Kiranya buah dadamu seperti gugusan buah anggur, napasmu seharum buah apel,
9 muromo wako ugoita sewaini yakanakisisa. Mukadzi Waini ngaiendeswe kumudiwa wangu chaiko, igoyerera zvinyoronyoro, napamiromo yake nameno ake.
mulutmu semanis air anggur!
10 Ini ndiri womudiwa wangu, uye iye anondishuva.
Aku milik kekasihku, ia menginginkan aku.
11 Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda, tigozopedza usiku hwose kumaruwa.
Mari kita ke padang, kekasihku, dan bermalam di ladang di tengah-tengah bunga pacar.
12 Ngatimukirei kuminda yemizambiringa tindoona kana mizambiringa yakabukira, uye kana maruva awo azaruka, uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva, ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu.
Mari kita pagi-pagi ke kebun, dan melihat apakah pohon anggur sudah berkuncup, dan bunganya sudah mekar; apakah pohon delima sudah berbunga. Di sana akan kuberi cintaku kepadamu.
13 Miti yemidiwadiwa inopa kunhuhwira kwayo, uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose, zvose zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.
Pohon arak harum semerbak baunya, di dekat pintu kita ada buah-buahan lezat, yang sudah lama dipetik dan yang baru; itu kusimpan bagimu, kekasihku.