< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4 >

1 Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.
Ke kyakkyawa ce, ƙaunatacciyata! Kai, ke kyakkyawa ce! Idanunki sun yi kamar na kurciya a cikin lulluɓinki. Gashinki ya yi kamar garken awaki da suke gangarawa daga Dutsen Gileyad.
2 Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina rimwe riri roga zvaro.
Haƙoranki sun yi kamar garken tumakin da ba a daɗe da yin musu sausaya ba, da suke haurawa daga inda aka yi musu wanka. Kowanne yana tare da ɗan’uwansa; babu waninsu da yake shi kaɗai.
3 Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Zvavovo zvako zviri mumumbure wako zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
Leɓunanki kamar zaren jan garura bakinki yana da kyau. Kumatunki sun yi kamar rumman da aka tsaga biyu a cikin lulluɓinki.
4 Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi yakavakwa zvinoyevedza. Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru, dzose dziri nhoo dzemhare.
Wuyanki ya yi kamar hasumiyar Dawuda, da aka gina da daraja; a kansa an rataye garkuwoyi dubu, dukansu garkuwoyin jarumawa ne.
5 Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara, mapatya emhara dzinofura pamwe chete pakati pemaruva.
Nonanki biyu sun yi kamar bareyi biyu, kamar tagwayen barewa da suke kiwo a cikin furen bi-rana.
6 Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yotiza, ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuhwira.
Sai gari ya waye inuwa kuma ta watse, zan je dutsen mur da kuma tudun turare.
7 Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo.
Duk, ke kyakkyawa ce, ƙaunatacciyata; babu wani lahani a cikinki.
8 Ngatibvei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu, ngatibvei tose kuRebhanoni. Buruka kubva pamusoro-soro peAmana, kubva pamusoro peSeniri, pamusoro-soro peHerimoni, kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.
Ki tare da ni daga Lebanon, amaryata, zo tare da ni daga Lebanon. Ki gangara daga ƙwanƙolin Amana, daga ƙwanƙolin Senir, ƙwanƙolin Hermon, daga ramin zaki da kuma dutsen da damisoshi suke zama.
9 Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; wanditora mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.
Kin saci zuciyata,’yar’uwata, amaryata; kin saci zuciyata da hararar idanunki, da dutse mai daraja guda na abin wuyanki.
10 Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini, uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzora kunokunda zvose zvinonhuhwira.
Ƙaunarki abar farin ciki ne,’yar’uwata, amaryata! Ƙaunarki ta fi ruwan inabi gamsuwa, ƙanshin turarenki kuma ya fi duk wani kayan yaji!
11 Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.
Leɓunanki suna zub da zaƙi kamar kakin zuma, amaryata; madara da zuma suna a ƙarƙashin harshenki. Ƙanshin rigunanki ya yi kamar na Lebanon.
12 Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa.
Ke lambu ne da aka kulle,’yar’uwata, amaryata; ke maɓulɓula ce da aka kewaye, maɓulɓular da aka rufe.
13 Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi,
Shuke-shukenki gonar rumman ne da’ya’yan itace masu kyau na lalle da nardi,
14 naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira nemura negavakava, uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa.
nardi, da asfaran, kalamus, da kirfa, da kowane irin itacen turare, da mur da aloyes da kuma dukan kayan yaji masu kyau.
15 Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni.
Ke lambun maɓulɓula ne, rijiya mai ruwan da yake gudu yana gangarawa daga Lebanon.
16 Muka, iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.
Farka, iskar arewa, ki kuma zo, iskar kudu! Hura a kan lambuna, don ƙanshinsa yă bazu har waje. Bari ƙaunataccena yă zo cikin lambunsa yă ɗanɗana’ya’yan itacensa mafi kyau.

< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4 >