< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3 >

1 Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu; ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
Usiku kucha kwenye kitanda changu nilimtafuta yule moyo wangu umpendaye; nilimtafuta, lakini sikumpata.
2 Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta, mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro; ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu. Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
Sasa nitaondoka na kuzunguka mjini, katika barabara zake na viwanja; nitamtafuta yule moyo wangu umpendaye. Kwa hiyo nilimtafuta lakini sikumpata.
3 Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. “Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”
Walinzi walinikuta walipokuwa wakizunguka mji. Nikawauliza, “Je, mmemwona yule moyo wangu umpendaye?”
4 Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu. Ndakamubata ndikasamuregedza kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu, kuimba yaavo vakandibereka.
Kitambo kidogo tu baada ya kuwapita nilimpata yule moyo wangu umpendaye. Nilimshika na sikumwachia aende mpaka nilipomleta katika nyumba ya mama yangu, katika chumba cha yule aliyenichukua mimba.
5 Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai nemhara kana nenondo dzesango kuti: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.
Binti za Yerusalemu, ninawaagiza kwa paa na kwa ayala wa shambani: Msichochee wala kuamsha mapenzi hata yatakapotaka yenyewe.
6 Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje seshongwe youtsi ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?
Ni nani huyu anayekuja kutoka jangwani kama nguzo ya moshi, anayenukia manemane na uvumba iliyotengenezwa kwa vikolezo vyote vya mfanyabiashara?
7 Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni, yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda, apamusoro-soro omuIsraeri.
Tazama! Ni gari la Solomoni lisindikizwalo na mashujaa sitini, walio wakuu sana wa Israeli,
8 Mumwe nomumwe wavo akabata munondo vose vakarwa hondo, mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake, vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.
wote wamevaa panga, wote wazoefu katika vita, kila mmoja na upanga wake pajani, wamejiandaa kwa ajili ya hofu za usiku.
9 Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro; akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.
Mfalme Solomoni alijitengenezea gari; alilitengeneza kwa mbao kutoka Lebanoni.
10 Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha, pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe. Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru, mukati mayo makashongedzwa norudo navanasikana veJerusarema.
Nguzo zake alizitengeneza kwa fedha, kitako chake kwa dhahabu. Kiti chake kilipambwa kwa zambarau, gari lake likanakshiwa njumu kwa upendo na binti za Yerusalemu.
11 Budai imi vanasikana veZioni, muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona, korona yaakapfekedzwa namai vake musi wesvitsa, zuva iro mwoyo wake wakafara.
Tokeni nje, ninyi binti za Sayuni, mkamtazame Mfalme Solomoni akiwa amevaa taji, taji ambalo mama yake alimvika siku ya arusi yake, siku ambayo moyo wake ulishangilia.

< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3 >