< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2 >

1 Ndiri ruva reSharoni, ruva romumipata.
אֲנִי חֲבַצֶּלֶת הַשָּׁרוֹן שֽׁוֹשַׁנַּת הָעֲמָקִֽים׃
2 Seruva riri pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara.
כְּשֽׁוֹשַׁנָּה בֵּין הַחוֹחִים כֵּן רַעְיָתִי בֵּין הַבָּנֽוֹת׃
3 Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya.
כְּתַפּוּחַ בַּעֲצֵי הַיַּעַר כֵּן דּוֹדִי בֵּין הַבָּנִים בְּצִלּוֹ חִמַּדְתִּי וְיָשַׁבְתִּי וּפִרְיוֹ מָתוֹק לְחִכִּֽי׃
4 Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.
הֱבִיאַנִי אֶל־בֵּית הַיָּיִן וְדִגְלוֹ עָלַי אַהֲבָֽה׃
5 Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise namaapuro; nokuti ndoziya norudo.
סַמְּכוּנִי בָּֽאֲשִׁישׁוֹת רַפְּדוּנִי בַּתַּפּוּחִים כִּי־חוֹלַת אַהֲבָה אָֽנִי׃
6 Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.
שְׂמֹאלוֹ תַּחַת לְרֹאשִׁי וִימִינוֹ תְּחַבְּקֵֽנִי׃
7 Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai nemhara uye nenondo dzesango: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.
הִשְׁבַּעְתִּי אֶתְכֶם בְּנוֹת יְרוּשָׁלִַם בִּצְבָאוֹת אוֹ בְּאַיְלוֹת הַשָּׂדֶה אִם־תָּעִירוּ ׀ וְֽאִם־תְּעֽוֹרְרוּ אֶת־הָאַהֲבָה עַד שֶׁתֶּחְפָּֽץ׃
8 Inzwai! Inzwi romudiwa wangu! Tarirai! Hoyo ouya achiuruka nomumakomo, achikwakuka nomuzvikomo.
קוֹל דּוֹדִי הִנֵּה־זֶה בָּא מְדַלֵּג עַל־הֶהָרִים מְקַפֵּץ עַל־הַגְּבָעֽוֹת׃
9 Mudiwa wangu akafanana nemhara kana netsvana yenondo. Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu, akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.
דּוֹמֶה דוֹדִי לִצְבִי אוֹ לְעֹפֶר הָֽאַיָּלִים הִנֵּה־זֶה עוֹמֵד אַחַר כָּתְלֵנוּ מַשְׁגִּיחַ מִן־הַֽחֲלֹּנוֹת מֵצִיץ מִן־הֽ͏ַחֲרַכִּֽים׃
10 Mudiwa wangu akataura kwandiri akati, “Simuka, mudiwa wangu, iwe munakunaku wangu, uya tiende tose.
עָנָה דוֹדִי וְאָמַר לִי קוּמִי לָךְ רַעְיָתִי יָפָתִי וּלְכִי־לָֽךְ׃
11 Tarira! Nguva yechando yapera; mvura yapera; uye haichanayi.
כִּֽי־הִנֵּה הסתו הַסְּתָיו עָבָר הַגֶּשֶׁם חָלַף הָלַךְ לֽוֹ׃
12 Maruva oonekwa panyika; nguva yokuimba yasvika, kurira kwenjiva kwonzwikwa munyika yedu.
הַנִּצָּנִים נִרְאוּ בָאָרֶץ עֵת הַזָּמִיר הִגִּיעַ וְקוֹל הַתּוֹר נִשְׁמַע בְּאַרְצֵֽנוּ׃
13 Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.”
הַתְּאֵנָה חָֽנְטָה פַגֶּיהָ וְהַגְּפָנִים ׀ סְמָדַר נָתְנוּ רֵיחַ קוּמִי לכי לָךְ רַעְיָתִי יָפָתִי וּלְכִי־לָֽךְ׃
14 Njiva yangu iri mumikaha yedombo, munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo, ndiratidze chiso chako, ndinoda kunzwa inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chinoyevedza.
יוֹנָתִי בְּחַגְוֵי הַסֶּלַע בְּסֵתֶר הַמַּדְרֵגָה הַרְאִינִי אֶתּ־מַרְאַיִךְ הַשְׁמִיעִינִי אֶת־קוֹלֵךְ כִּי־קוֹלֵךְ עָרֵב וּמַרְאֵיךְ נָאוֶֽה׃
15 Tibatirei makava, ivo vana vemakava anoparadza minda yemizambiringa, iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.
אֶֽחֱזוּ־לָנוּ שֽׁוּעָלִים שֽׁוּעָלִים קְטַנִּים מְחַבְּלִים כְּרָמִים וּכְרָמֵינוּ סְמָדַֽר׃
16 Mudiwa wangu ndewangu uye ndiri wake; anofamba-famba pakati pamaruva omubani.
דּוֹדִי לִי וַאֲנִי לוֹ הָרֹעֶה בַּשּׁוֹשַׁנִּֽים׃
17 Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yatiza, pinduka, mudiwa, ubve waita semhara kana tsvana pamusoro pezvikomo.
עַד שֶׁיָּפוּחַ הַיּוֹם וְנָסוּ הַצְּלָלִים סֹב דְּמֵה־לְךָ דוֹדִי לִצְבִי אוֹ לְעֹפֶר הָאַיָּלִים עַל־הָרֵי בָֽתֶר׃

< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2 >