< VaRoma 1 >

1 Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari,
Paul, a servant of Christ Jesus, called to be an apostle, set apart for the Good News of God,
2 vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene
which he promised before through his prophets in the holy Scriptures,
3 pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi,
concerning his Son, who was born of the offspring of David according to the flesh,
4 uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu.
who was declared to be the Son of God with power, according to the Spirit of holiness, by the resurrection from the dead, Jesus Christ our Lord,
5 Kubudikidza naye uye nokuda kwezita rake, takagamuchira nyasha noupostori, kuti tidane vanhu kubva pakati pavaHedheni vose kuti vave nokuteerera kunobva pakutenda.
through whom we received grace and the office of apostle, for obedience of faith among all the nations, for his name's sake;
6 Uye nemiwo muri pakati paavo vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu.
among whom you are also called to belong to Jesus Christ;
7 Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.
to all who are in Rome, loved by God, called to be saints: Grace to you and peace from God our Father and the Lord Jesus Christ.
8 Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose.
First, I thank my God through Jesus Christ for all of you, because your faith is proclaimed throughout the whole world.
9 Mwari, wandinoshumira nomwoyo wangu wose mukuparidza vhangeri roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ndinoramba sei ndichikurangarirai
For God is my witness, whom I serve in my spirit in the Good News of his Son, how I constantly mention you
10 muminyengetero yangu nguva dzose; uye ndinonyengeterera kuti zvino pakupedzisira nokuda kwaMwari ndizarurirwe mukana wokuti ndiuye kwamuri.
always in my prayers, requesting, if by any means now at last I may succeed by the will of God to come to you.
11 Ndinoshuva zvikuru kuti ndikuonei kuti ndigokupai chipo chomweya kuti mugova makasimbiswa,
For I long to see you, that I may impart to you some spiritual gift to strengthen you;
12 ndiko kuti, imi neni tikurudzirwe pamwe chete nokutenda kwomumwe nomumwe wedu.
that is, that you and I may be mutually encouraged by each other's faith, both yours and mine.
13 Handidi kuti musaziva, hama, kuti ndakaronga kazhinji kuti ndiuye kwamuri (asi ndakatadziswa kuita saizvozvo kusvikira zvino) kuti ndive nezvibereko pakati penyu, sezvandakaita pakati pavamwe veDzimwe Ndudzi.
Now I do not desire to have you unaware, brothers, that I often planned to come to you, and was hindered so far, that I might have some fruit among you also, even as among the other non-Jewish people.
14 Ndine mungava kuna vose vaGiriki navasiri vaGiriki, vose vakachenjera navasina kuchenjera.
I have an obligation both to Greeks and to barbarians, both to the wise and to the foolish.
15 Ndokusaka ndichida zvikuru kwazvo kuti ndiparidze vhangeri kwamuriwo imi vari kuRoma.
So, for my part, I am eager to preach the Good News to you also who are in Rome.
16 Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera weDzimwe Ndudzi.
For I am not ashamed of the Good News, for it is the power of God for salvation for everyone who believes; for the Jew first, and also for the Greek.
17 Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”
For in it is revealed God's righteousness from faith to faith. As it is written, "But the righteous will live by faith."
18 Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo.
For the wrath of God is revealed from heaven against all ungodliness and unrighteousness of people, who suppress the truth by unrighteousness,
19 Nokuti izvo zvose zvingazivikanwa pamusoro paMwari zviri pachena kwavari, nokuti Mwari akazviisa pachena kwavari.
because what can be known about God is plain to them, because God has shown it to them.
20 Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. (aïdios g126)
For since the creation of the world his invisible attributes, his eternal power and divine nature, have been clearly seen, being understood from what has been made. So they are without excuse. (aïdios g126)
21 Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo, isina zivo, yakasvibiswa.
Because, although they knew God, they did not glorify him as God or give him thanks, but their thinking became nonsense, and their foolish heart was darkened.
22 Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi
Claiming to be wise, they became fools,
23 uye vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi vakakuita mifananidzo yakaitwa somunhu anofa, shiri, mhuka nezvinokambaira.
and traded the glory of the immortal God for images resembling mortal humans, and of birds, and four-footed animals, and crawling creatures.
24 Naizvozvo Mwari akavaisa kuzvishuvo zvakaipa zvemwoyo yavo, zvokuzvisvibisa noupombwe kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo.
Therefore God also abandoned them in the lusts of their hearts to impurity, to the degrading of their bodies among themselves,
25 Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni. (aiōn g165)
who exchanged the truth of God for a lie, and worshiped and served the creation rather than the Creator, who is blessed forever. Amen. (aiōn g165)
26 Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa.
For this reason, God abandoned them to their degrading passions. For their women exchanged natural relations for that which is contrary to nature.
27 Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo.
Likewise also the men, giving up natural relations with women, burned in their lust toward one another, men with men, committing what is shameful, and receiving in themselves the due penalty of their error.
28 Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira.
Even as they refused to have God in their knowledge, God abandoned them to a reprobate mind, to do those things which are not right;
29 Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa,
being filled with all unrighteousness, sexual immorality, wickedness, covetousness, maliciousness; full of envy, murder, strife, deceit, evil habits, secret slanderers,
30 vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo;
slanderers, haters of God, insolent, arrogant, boastful, inventors of evil things, disobedient to parents,
31 havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi.
foolish, promise-breakers, heartless, unforgiving, unmerciful;
32 Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.
who, knowing the ordinance of God, that those who practice such things are worthy of death, not only do the same, but also approve of those who practice them.

< VaRoma 1 >