< VaRoma 9 >

1 Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene
Nilongela kweli nkati Kirisitu. Nilingela lii uboso, na dhamiri yango hushudia pamo na nee nkati Roho Mtakatifu,
2 ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu.
Kuwa kwina huzuni ngolo na minya kwangekotoka nkati ya mwoyo wango.
3 Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu,
Mbeletamaniya nenga na mwene laaniwa na benge lwa ekutalu na Kirisitu kwasababu ya alongo bango, balo baubile nabo pamope kwa payiga.
4 ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata Mwari mutemberi uye zvipikirwa ndezvavo.
Bembe ni Baisraeli. Baba bi na ali ya pangika bana, wa utukufu wa malagano, na sawadi ya seliya, kunnoba Nnongo, na ahadi.
5 Madzibaba ndeavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni. (aiōn g165)
Bembe bati longolwa bembe Kirisitu ati icha kwa heshima kuwala mwili goo-na jwembe ni Nnongo wa yoti. na jwembe alumbilwe bila yomoka. Amina. (aiōn g165)
6 Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havasi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri.
Lakini si ahadi ya Nnongo itishindwa timya. Mana sio kila mundu jwabile Israel ga Mwisrael halisi.
7 Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.”
Lili hata kibelekwi wa Abraham ni baba bake halisi. Ila, “pitya kwa Isaka lukolo walowa kemelwa.”
8 Namamwe mashoko, havasi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama.
Ibi nyanya, bana ba yega si bana ba Nnongo. ila bana ba twahadi babonekana ba kati lukolo.
9 Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.”
Mana ale ga likowe lya ahadi: Muda wa majira go nalowa icha, na Sara apeyelwa mwana.”
10 Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka.
Ngaale bai, lakini baada ya Rebeka jingya ndumbo kwa mundu jumo, Isaka tate bitu-
11 Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe,
“Kwamba bana babi bado bana belekwa kwoko na aina panga lili lyolyote linanoga aulibaya, lenga likusudi lya Nnongo lengana na chawa liyeme, wala kwa makowe lili.
12 kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.”
Ila kwasababu gayule jwa kemilwe. Jabaite, “Nkolo atumikia nnuna.”
13 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”
Kati mwaiandikilwe: “Yakobo nampendike Ila Esau nimpendikwo.”
14 Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku!
Bai lelo tukoyekwa? Je kwinaiba kwa Nnongo? Ata.
15 Nokuti anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni, uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.”
Mana alongei na Musa, “naba na samaha kwa jolo jwa nasamya, naba na uruma kwa jolo jwa namulumiya”.
16 Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari.
Kwa-nyo, sio kwasababu ya jwembe jwa pala, sio kwasababu ya jwembe jwa tila, lakini kwa mwanza Nnongo, ngabi uruma
17 Nokuti Rugwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose.”
Mana maandiko longela kwa Farao, “likusudi-lee malum natikundobeya, lengo nikulaye ngupu yango kasako, lenga Lina lyango balitangaze panepa wote”.
18 Naizvozvo Mwari anonzwira ngoni waanoda kunzwira ngoni, uye anoomesa mwoyo wouyo waanoda kuomesa.
Nganyo bai, Nnongo abi na uruma kwo jwojwote jwa mpendile, na jwapala kupenda, humpanga kuwa kiburi.
19 Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?”
Mwiso wabaya kasango, “mwanja namani bado kalibona likosa? jwaa'ko jwabile sawasawa na mwapendi jwembe?
20 Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’”
Chachongo chake, mundu wenga wauyangwa kina chogo cha Nnongo? Kwanda wezekana cha kiukulikwe, longela kwa jwa mwikwile, mwanza namani uniukwi nyoo?”
21 Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi?
Tutangite kwa jwa ukwa aina haki kwa kitope lengeneza kikowe kwa mwa tumizi gapendi mwene.
22 Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa?
Buli Nnongo, jwabi tayali jwo laya ukali wake napanga ngupu yake tanganikwa, atistaili kwa pumiliya wa lengana yombo yaibelikwe kwa kwitiniya?
23 Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya,
buli mana waipangite yananchima lenga wilaye yananchima kwa utukufu wake juu ya yombo ya uruma ya yomwile kibika kwaajili ya utukufu?
24 kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kune veDzimwe Ndudziwo?
buli mene apangite nakanchime na twenga twatukemite, siyo buka kwa ayahudi bai, ila buka na amataifa?
25 Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti: “Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu; uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu,”
Kat mwabaite Hosea: nalowa kwakema bandu bango baba bile lii bandu bango, na jwaa nipendile jwa abile adui jwango.
26 uye, Zvichaitika kuti paya painzi kwavari, “Hamusi vanhu vangu; vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’”
Nayalowa ba palo pababaite kasabe, mwenga mwabangu bango kwa hopo bolowa ukemelwa mwabana ba Nnongo.
27 Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti: “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete ndivo vachaponeswa.
Isaya andalela juu ya Israel “Kati isabu ya bana ba Israel ipeleke ba kati mwangi ya kubali, yalowaba kati linena babaokolewa.
28 Nokuti Ishe achaisa mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.”
Mana Nngwana alowa kulipotwa likewe lyake kwa nnema, mapena na kwatulia.
29 Zvakaita sezvakarehwa kare naIsaya achiti: “Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose akatisiyira zvizvarwa, tingadai takaita seSodhomu tingadai takaita seGomora.”
Maana kati Isaya alongei hapo zamani panga Nngwana wa majeshi atuleki kwako lukolo kwaajili yitu, tulwe panga kati Sodoma na Gomola.
30 Zvino tichatiiko? Tichati veDzimwe Ndudzi vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda;
Tukoya lwaku oti, bandu ba mataifa bababkotwike pala haki, pabapatike haki, haki kwaaminiya.
31 asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana.
Lakini Israel jwa ipalae seliya ya haki, haipatike kwa.
32 Seiko zvakadaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.”
mwanja namani? sababu baibalikwe kwa kwa imani, ila kwo tenda, bati kwikobola muliwe.
33 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu, nedombo rinovapinganidza kuti vawe, uye uyo anotenda kwaari haazonyadziswi.”
Kati mwaiandikiwe “lollekeya, niligonjike liwe liwe la kwikobala, lya sayuni na mwamba wa kosea jwembe jwa aminiya muhe hapata kwa oni”.

< VaRoma 9 >