< VaRoma 7 >

1 Hamuzivi here, hama, nokuti ndiri kutaura kuvanhu vanoziva murayiro, kuti murayiro une simba pamusoro pomunhu panguva yose yaanenge ari mupenyu chete?
Are ye ignorant, brethren, (for I speak to those knowing law, ) that law rules over a man as long as he lives?
2 Somuenzaniso, mukadzi akawanikwa akasungwa nomurayiro kumurume wake panguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu, asi kana murume wake afa, anosunungurwa kubva pamurayiro wewaniso.
For the married woman is bound by law to her husband so long as he is alive; but if the husband should die, she is clear from the law of the husband:
3 Saka zvino, kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, anonzi chifeve. Asi kana murume achinge afa, asunungurwa kubva pamurayiro, uye haazi chifeve, kunyange zvake akawanikwa nomumwe murume.
so then, the husband being alive, she shall be called an adulteress if she be to another man; but if the husband should die, she is free from the law, so as not to be an adulteress, though she be to another man.
4 Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari.
So that, my brethren, ye also have been made dead to the law by the body of the Christ, to be to another, who has been raised up from among [the] dead, in order that we might bear fruit to God.
5 Nokuti panguva yataitongwa nenyama, kuchiva kwechivi kwakamutswa nomurayiro kwaibata mumiviri yedu, kuti tibereke chibereko chorufu.
For when we were in the flesh the passions of sins, which [were] by the law, wrought in our members to bring forth fruit to death;
6 Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yekare.
but now we are clear from the law, having died in that in which we were held, so that we should serve in newness of spirit, and not in oldness of letter.
7 Zvino tichatiiko? Murayiro chivi here? Kwete! Zvirokwazvo ndingadai ndisina kuziva kuti chivi chii dai murayiro wakanga usipo. Nokuti ndingadai ndisina kuziva kuti kuchiva chii kudai murayiro usina kuti, “Usachiva.”
What shall we say then? [is] the law sin? Far be the thought. But I had not known sin, unless by law: for I had not had conscience also of lust unless the law had said, Thou shalt not lust;
8 Asi chivi, chakawana mukana kubudikidza nomurayiro, chakaita mandiri mitoo yose yokuchiva. Nokuti kunze kwomurayiro, chivi chakafa.
but sin, getting a point of attack by the commandment, wrought in me every lust; for without law sin [was] dead.
9 Ndaiva mupenyu kare kunze kwomurayiro; asi pakauya mutemo, chivi chakava noupenyu uye ini ndikafa.
But I was alive without law once; but the commandment having come, sin revived, but I died.
10 Ndakaona kuti iwo mutemo waifanira kundipa upenyu, wakatozouyisa rufu.
And the commandment, which [was] for life, was found, [as] to me, itself [to be] unto death:
11 Nokuti chivi chichitora mukana wachakawaniswa nomutemo, chakandinyengera, uye kubudikidza nomutemo chikandiuraya.
for sin, getting a point of attack by the commandment, deceived me, and by it slew [me].
12 Saka naizvozvo, murayiro mutsvene, uye mutemo mutsvene, wakarurama uye wakanaka.
So that the law indeed [is] holy, and the commandment holy, and just, and good.
13 Ko, zvino chakanaka chakazova rufu kwandiri here? Kwete napaduku pose! Asi kuti chivi chionekwe sechivi, chakabereka rufu kubudikidza nechakanaka, kuitira kuti kubudikidza nomutemo chivi chive chakaipa kwazvo.
Did then that which is good become death to me? Far be the thought. But sin, that it might appear sin, working death to me by that which is good; in order that sin by the commandment might become exceeding sinful.
14 Tinoziva kuti murayiro ndowomweya; asi ini handisi woMweya, ndakatengeswa senhapwa kuchivi.
For we know that the law is spiritual: but I am fleshly, sold under sin.
15 Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.
For that which I do, I do not own: for not what I will, this I do; but what I hate, this I practise.
16 Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka.
But if what I do not will, this I practise, I consent to the law that [it is] right.
17 Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri.
Now then [it is] no longer I [that] do it, but the sin that dwells in me.
18 Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita.
For I know that in me, that is, in my flesh, good does not dwell: for to will is there with me, but to do right [I find] not.
19 Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita.
For I do not practise the good that I will; but the evil I do not will, that I do.
20 Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita.
But if what I do not will, this I practise, [it is] no longer I [that] do it, but the sin that dwells in me.
21 Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri.
I find then the law upon me who will to practise what is right, that with me evil is there.
22 Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari;
For I delight in the law of God according to the inward man:
23 asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu.
but I see another law in my members, warring in opposition to the law of my mind, and bringing me into captivity to the law of sin which exists in my members.
24 Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu?
O wretched man that I [am]! who shall deliver me out of this body of death?
25 Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu! Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi.
I thank God, through Jesus Christ our Lord. So then I myself with the mind serve God's law; but with the flesh sin's law.

< VaRoma 7 >