< VaRoma 6 >

1 Zvino tichatiiko? Toramba tichiita zvivi here kuti nyasha dziwande?
What are we to say, then? Are we to continue to sin, in order that God’s loving kindness may be multiplied?
2 Kwete napaduku pose! Takafa kuzvivi; tingararama sei mazviri zvakare?
Heaven forbid! We became dead to sin, so how can we go on living in it?
3 Ko, hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake?
Or can it be that you do not know that all of us, who were baptized into union with Christ Jesus, in our baptism shared his death?
4 Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.
Consequently, through sharing his death in our baptism, we were buried with him; so that, just as Christ was raised from the dead by a manifestation of the Father’s power, so we also may live a new life.
5 Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake.
If we have become united with him by the act symbolic of his death, surely we will also become united with him by the act symbolic of his resurrection.
6 Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi,
We recognize the truth that our old self was crucified with Christ, in order that the body, the stronghold of sin, might be rendered powerless, so that we should no longer be slaves to sin.
7 nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi.
For the man who has so died has been pronounced righteous and released from sin.
8 Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye.
And our belief is, that, as we have shared Christ’s death, we will also share his life.
9 Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake.
We know, indeed, that Christ, having once risen from the dead, will not die again. Death has power over him no longer.
10 Rufu rwaakafa, akafa kuchivi kamwe chete zvikabva zvapera; asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari.
For the death that he died was a death to sin, once and for all. But the life that he now lives, he lives for God.
11 Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu.
So let it be with you – regard yourselves as dead to sin, but as living for God, through union with Christ Jesus.
12 Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho.
Therefore do not let sin reign in your mortal bodies and compel you to obey its cravings.
13 Musapa mitezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama.
Do not offer any part of your bodies to sin, in the cause of unrighteousness, but once for all offer yourselves to God (as those who, though once dead, now have life), and devote every part of your bodies to the cause of righteousness.
14 Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha.
For sin will not lord it over you. You are living under the reign, not of Law, but of love.
15 Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose!
What follows, then? Are we to sin because we are living under the reign of love and not of Law? Heaven forbid!
16 Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kuno mumwe munhu kuti mumuteerere savaranda, muri varanda kuno uyo wamunoteerera, mungava varanda vechivi, chinoendesa kurufu kana vokuteerera, kunoendesa kukururama?
Surely you know that when you offer yourselves as servants, to obey anyone, you are the servants of the person whom you obey, whether the service be a service to sin which leads to death, or a service to duty which leads to righteousness.
17 Asi Mwari ngaavongwe nokuti, kunyange zvenyu maimbova varanda vechivi, makateerera nomwoyo wenyu wose kurudzi rwedzidziso yamakanga mapiwa.
God be thanked that, though you were once servants of sin, yet you learned to give hearty obedience to that form of doctrine under which you were placed.
18 Makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vokururama.
Set free from the control of sin, you became servants to righteousness.
19 Ndinotaura izvi nokutaura kwavanhu nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu. Sezvamaingopa mitezo yemiviri yenyu kuuranda hwokusachena uye nokuipa kunoramba kuchingowanda, saka zvino ipei kuuranda hwokururama hunoendesa kuutsvene.
I can but speak as people do because of the weakness of your earthly nature. Once you offered every part of your bodies to the service of impurity, and of wickedness, which leads to further wickedness. Now, in the same way, offer them to the service of righteousness, which leads to holiness.
20 Pamakanga muri varanda vechivi, makanga makasununguka kubva pakutonga kwakarurama.
While you were still servants of sin, you were free as regards righteousness.
21 Zvino makawaneiko panguva iyoyo kubva pazvinhu zvamunonyadziswa nazvo, iye zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu!
But what were the fruits that you reaped from those things of which you are now ashamed? For the end of such things is death.
22 Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. (aiōnios g166)
But now that you have been set free from the control of sin, and have become servants to God, the fruit that you reap is an ever increasing holiness, and the end eternal life. (aiōnios g166)
23 Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. (aiōnios g166)
The wages of sin are death, but the gift of God is eternal life, through union with Christ Jesus, our Lord. (aiōnios g166)

< VaRoma 6 >