< VaRoma 4 >
1 Zvino tichati Abhurahama, tateguru wedu, panyama akawaneiko pazviri?
What shall we then say that Abraham our father, as pertaining to the flesh, hath found?
2 Nokuti dai Abhurahama akaruramisirwa namabasa, angadai aine chinhu chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari.
For if Abraham were justified by works, he hath something to glory about; but not before God.
3 Ko, Rugwaro runoti kudiniko? “Abhurahama akatenda Mwari, uye kukanzi kwaari ndiko kururama.”
For what saith the scripture? Abraham believed God, and it was counted to him for righteousness.
4 Zvino kana munhu achiita basa, mubayiro wake hautorwi sechipo chokungopiwa, asi somubayiro wakamufanira.
Now to him that worketh is the reward not reckoned of grace, but of debt.
5 Asi kumunhu asingashandi, asi achitenda Mwari uyo anoruramisira munhu akaipa, kutenda kwake kuchanzi kwaari ndiko kururama.
But to him that worketh not, but believeth on him that justifieth the ungodly, his faith is counted for righteousness.
6 Dhavhidhi anotaura pamusoro pechinhu chimwe chete ichi paanotaura zvokuropafadzwa kwomunhu anonzi naMwari akarurama kunze kwamabasa, achiti:
Even as David also describeth the blessedness of the man, to whom God imputeth righteousness apart from works,
7 “Vakaropafadzwa avo vakaregererwa zvakaipa zvavo, vakafukidzirwa zvivi zvavo.
Saying, Blessed are they whose iniquities are forgiven, and whose sins are covered.
8 Akaropafadzwa munhu ane chivi chisingazombobvunzwi naIshe pamusoro pake.”
Blessed is the man to whom the Lord will not impute sin.
9 Ko, kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa chete here? Kana kuti navasina kudzingiswawo? Nokuti tati kuna Abhurahama kutenda kwake kwakanzi kwaari ndiko kururama.
Cometh this blessedness then upon the circumcision only, or upon the uncircumcision also? for we say that faith was reckoned to Abraham for righteousness.
10 Zvino zvakanzarwo seiko? Akanga adzingiswa here, kana kuti asati? Haana kunzarwo adzingiswa, asi kuti asati adzingiswa!
How then was it reckoned? when he was in circumcision, or in uncircumcision? Not in circumcision, but in uncircumcision.
11 Uye akagamuchira chiratidzo chokudzingiswa, sechisimbiso chokururama kwaakawana nokutenda asati adzingiswa. Saka naizvozvo ndiye baba wavose vanotenda, asi vasina kudzingiswa, kuitira kuti kururama kugopiwa kwavari.
And he received the sign of circumcision, a seal of the righteousness of the faith which he had yet being uncircumcised: that he might be the father of all them that believe, though they are not circumcised; that righteousness might be imputed to them also:
12 Uye ndiyewo baba wavakadzingiswa, avo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwakanga kuna baba vedu Abhurahama vasati vadzingiswa.
And the father of circumcision to them who are not of the circumcision only, but who also walk in the steps of that faith of our father Abraham, which he had being yet uncircumcised.
13 Nokuti Abhurahama, nezvizvarwa zvake, haana kupiwa chipikirwa chokuti achava mugari wenhaka yenyika, kubudikidza nomurayiro, asi kubudikidza nokururama kunobva pakutenda.
For the promise, that he should be the heir of the world, was not to Abraham, or to his seed, through the law, but through the righteousness of faith.
14 Nokuti dai vaya vanorarama nomurayiro vari ivo vadyi venhaka, kutenda hakuna maturo uye nechipikirwa chinokoneswa,
For if they who are of the law are heirs, faith is made void, and the promise made of no effect:
15 nokuti murayiro unouyisa kutsamwa. Uye pasina murayiro hapanawo kudarika.
Because the law worketh wrath: for where no law is, there is no transgression.
16 Naizvozvo chipikirwa chinouya nokutenda, kuitira kuti zvive zvenyasha uye kuti chisimbiswe kuzvizvarwa zvose zvaAbhurahama, kwete avo vari vomurayiro voga, asi nokuna avo vari vokutenda kwaAbhurahama. Ndiye baba vedu tose.
Therefore it is of faith, that it might be by grace; to the end the promise might be sure to all the seed; not to that only which is of the law, but to that also which is of the faith of Abraham; who is the father of us all,
17 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Ndakakuita baba vendudzi zhinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, uyo waakatenda kwaari, iye Mwari anopa upenyu kuvakafa uye anodana zvisipo sokunge zviripo.
As it is written, I have made thee a father of many nations, ) before him whom he believed, even God, who giveth life to the dead, and calleth those things which are not as though they were.
18 Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.”
Who against hope believed with hope, that he should become the father of many nations, according to that which was spoken, So shall thy seed be.
19 Haana kushayiwa simba mukutenda kwake, paakaona kuti muviri wake wakanga watofa hawo, sezvo akanga ava namakore anenge zana okuzvarwa, uye kuti chizvaro chaSara chakanga chafawo.
And being not weak in faith, he considered not his own body now dead, when he was about an hundred years old, neither yet the deadness of Sarah’s womb:
20 Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari,
He staggered not at the promise of God through unbelief; but was strong in faith, giving glory to God;
21 achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa.
And being fully persuaded that, what he had promised, he was able also to perform.
22 Ndokusaka “zvakanzi kwaari ndiko kururama.”
And therefore it was imputed to him for righteousness.
23 Mashoko okuti, “zvakanzi kwaari,” haana kunyorerwa iye oga,
Now it was not written for his sake alone, that it was imputed to him;
24 asi kwatiriwo, kuna avo vachanzi naMwari vakarurama, kunesu vanotenda kwaari iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa.
But for us also, to whom it shall be imputed, if we believe on him that raised Jesus our Lord from the dead;
25 Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokururamisirwa kwedu.
Who was delivered for our offences, and raised again for our justification.