< VaRoma 3 >
1 Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko?
What special privilege, then, has a Jew? Or what benefit is to be derived from circumcision?
2 Zvizhinji nemitoo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo.
The privilege is great from every point of view. First of all, because the Jews were entrusted with God's truth.
3 Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here?
For what if some Jews have proved unfaithful? Shall their faithlessness render God's faithfulness worthless?
4 Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.”
No, indeed; let us hold God to be true, though every man should prove to be false. As it stands written, "That Thou mayest be shown to be just in the sentence Thou pronouncest, and gain Thy cause when Thou contendest."
5 Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu).
But if our unrighteousness sets God's righteousness in a clearer light, what shall we say? (Is God unrighteous--I speak in our everyday language-- when He inflicts punishment?
6 Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko?
No indeed; for in that case how shall He judge all mankind?)
7 Mumwe anogona kuti, “Zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?”
If, for instance, a falsehood of mine has made God's truthfulness more conspicuous, redounding to His glory, why am I judged all the same as a sinner?
8 Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.
And why should we not say--for so they wickedly misrepresent us, and so some charge us with arguing--"Let us do evil that good may come"? The condemnation of those who would so argue is just.
9 Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha neveDzimwe Ndudzi, yokuva pasi pechivi.
What then? Are we Jews more highly estimated than they? Not in the least; for we have already charged all Jews and Gentiles alike with being in thraldom to sin.
10 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;
Thus it stands written, "There is not one righteous man.
11 hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari.
There is not one who is really wise, nor one who is a diligent seeker after God.
12 Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakava vasina maturo; hakuna kana mumwe anoita zvakanaka, kana mumwe zvake.”
All have turned aside from the right path; they have every one of them become corrupt. There is no one who does what is right--no, not so much as one."
13 “Huro dzavo makuva akashama; ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.” “Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”
"Their throats resemble an opened grave; with their tongues they have been talking deceitfully." "The venom of vipers lies hidden behind their lips."
14 “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.”
"Their mouths are full of cursing and bitterness."
15 “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
"Their feet move swiftly to shed blood.
16 kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo,
Ruin and misery mark their path;
17 Uye nzira yorugare havaizivi.”
and the way to peace they have not known."
18 “Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”
"There is no fear of God before their eyes."
19 Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
But it cannot be denied that all that the Law says is addressed to those who are living under the Law, in order that every mouth may be stopped, and that the whole world may await sentence from God.
20 Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi.
For on the ground of obedience to Law no man living will be declared righteous before Him. Law simply brings a sure knowledge of sin.
21 Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita.
But now a righteousness coming from God has been brought to light apart from any Law, both Law and Prophets bearing witness to it--
22 Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano,
a righteousness coming from God, which depends on faith in Jesus Christ and extends to all who believe. No distinction is made;
23 nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari,
for all alike have sinned, and all consciously come short of the glory of God,
24 uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.
gaining acquittal from guilt by His free unpurchased grace through the deliverance which is found in Christ Jesus.
25 Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare.
He it is whom God put forward as a Mercy-seat, rendered efficacious through faith in His blood, in order to demonstrate His righteousness-- because of the passing over, in God's forbearance, of the sins previously committed--
26 Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu.
with a view to demonstrating, at the present time, His righteousness, that He may be shown to be righteous Himself, and the giver of righteousness to those who believe in Jesus.
27 Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda.
Where then is there room for your boasting? It is for ever shut out. On what principle? On the ground of merit? No, but on the ground of faith.
28 Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoruramisirwa nokutenda kwete nokuchengeta murayiro.
For we maintain that it is as the result of faith that a man is held to be righteous, apart from actions done in obedience to Law.
29 Ko, Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Ko, haazi Mwari weveDzimwe Ndudziwo here? Hongu ndoweveDzimwe Ndudziwo,
Is God simply the God of the Jews, and not of the Gentiles also? He is certainly the God of the Gentiles also,
30 sezvo kuna Mwari mumwe chete uyo acharuramisira vakadzingiswa nokutenda uye vasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda kumwe cheteko.
unless you can deny that it is one and the same God who will pronounce the circumcised to be acquitted on the ground of faith, and the uncircumcised to be acquitted through the same faith.
31 Zvino tinobvisa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku! Asi, tinosimbisa murayiro.
Do we then by means of this faith abolish the Law? No, indeed; we give the Law a firmer footing.