< VaRoma 15 >
1 Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi.
My vyspělejší ve víře jsme povinni snášet nedostatky těch, kdo tak pokročilí nejsou, a nesmíme být na svou úroveň domýšliví.
2 Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka.
Pamatujte především na bližní a na to, co prospívá jim.
3 Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.”
Vždyť ani Kristus nehledal svůj prospěch, ale podle prorockých slov ze žalmu snášel výsměch nepřátel: „Urážky těch, kdo tebe, Bože, tupili, snesly se na moji hlavu.“
4 Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.
I toto, jako vše v Písmu, bylo napsáno k našemu naučení, abychom získali vytrvalost a čerpali z toho povzbuzení a naději.
5 Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu,
Ať vám tedy Bůh, dárce toho všeho, dá žít navzájem v souladu.
6 kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe.
Tak si to přál Ježíš Kristus, abyste jednomyslně oslavovali Boha, jeho Otce.
7 Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamakagamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.
Nechtějte být nějakou uzavřenou společností. Nestraňte se jeden druhého; přijímejte se navzájem, jako nás Kristus přijal do slávy.
8 Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba
Kristus byl poslán k židům, aby tak Bůh prokázal svou věrnost a splnil sliby, jež dal praotcům.
9 kuti veDzimwe Ndudzi vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati peveDzimwe Ndudzi; ndichaimbira zita renyu nziyo.”
Současně přinesl milost i všem ostatním lidem, aby také oni oslavovali Boha. Bible to potvrzuje na mnoha místech. Cituji alespoň některá: „Velebit tě budu mezi pohany a před nevěrci budu chválit tvé jméno.“
10 Uyezve zvinonzi, “Farai imi veDzimwe Ndudzi, pamwe chete navanhu vake.”
„Pohani, i vy se radujte společně s jeho lidem!“
11 Uyezve, “Rumbidzai Ishe, imi mose veDzimwe Ndudzi, uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.”
„Chvalte Boha ve všech národech, celý svět mu vzdej chválu!“
12 Uyezve, Isaya anoti, “Mudzi waJese uchatunga, iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose; veDzimwe Ndudzi vachava netariro maari.”
„Z kořene Jišajova vyroste výhonek, početných národů stane se vládcem. On bude nadějí pohanů, nadějí vzdálených Bohu.“
13 Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.
Ať vás Bůh, dárce naděje, naplní pokojem, radostí a důvěrou, abyste s pomocí Ducha svatého naději neztráceli, ale naopak šířili.
14 Ini pachangu ndinoziva kwazvo, hama dzangu, kuti imi pachenyu muzere nokunaka, makakwana muruzivo uye munogona kudzidzisana.
Nepochybuji o tom, moji bratři, že co do vědomostí i schopností jste sami dostatečně na výši, abyste se obešli i bez mých rad.
15 Ndakunyorerai nokushinga kwazvo pamusoro pezvimwe zvinhu, sendinokuyeuchidzai zvakare, nokuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari
Přesto jsem si v tomto dopise dovolil připomenout vám některé věci.
16 kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kune veDzimwe Ndudzi, ane basa rouprista rokuparidza vhangeri raMwari, kuitira kuti veDzimwe Ndudzi vagova chipiriso chinogamuchirwa kuna Mwari, chakanatswa naMweya Mutsvene.
K tomu mne přece Bůh povolal, abych byl služebníkem Ježíše Krista mezi všemi národy. Plním tedy tento svatý úkol, aby se všichni obrátili k Bohu a pod vedením Ducha svatého se mu cele odevzdali.
17 Naizvozvo ndinozvirumbidza muna Kristu Jesu muushumiri hwangu kuna Mwari.
Účast na Božím díle je mou největší chloubou.
18 Nokuti handingatauri zvimwe zvinhu kunze kwezvinhu zvakaitwa naKristu kubudikidza neni mukutungamirira veDzimwe Ndudzi kuti vateerere Mwari nokuda kwezvandakataura uye ndikaita,
Považuji za přednost, že Kristus mým prostřednictvím probouzí víru v pohanech, mění jejich život a zázračným způsobem je přesvědčuje o své moci. Rozšířil jsem jeho poselství po celém okolí Jeruzaléma a ve všech krajích až po Illyrii.
19 nesimba rezviratidzo nezvishamiso, kubudikidza nesimba roMweya. Saka kubva kuJerusarema kusvika kwose kunyika yakapoteredza, kusvikira kuIrikumi, ndakaparidza kwazvo vhangeri raKristu.
20 Chagara chiri chishuwo changu kuti ndiparidze vhangeri kunzvimbo dzisati dzaziva Kristu, kuti ndisavaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu.
Zakládám si na tom, že zvěstuji Krista těm, kteří o něm dosud neslyšeli. Nechci stavět na cizích základech,
21 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Avo, vakanga vasina kuudzwa nezvake vachaona, uye naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.”
ale řídím se slovy Písma: „Uvidí ho ti, kdo o něm nic nevěděli, a poznají ho ti, kdo o něm nikdy neslyšeli.“
22 Ndokusaka ndakadziviswa kazhinji kuuya kwamuri.
To byl tedy důvod, který mě dlouho zdržoval od cesty k vám do Říma.
23 Asi zvino hapasisinazve imwe nzvimbo yandingashanda mumatunhu aya, uye sezvo pava namakore mazhinji ndichida kuuya kwamuri,
Ale nyní jsem v této oblasti svou práci dokončil.
24 ndine urongwa hwokuita izvi pandichaenda kuSipeini. Ndinovimba kuti ndichakushanyirai pandichapfuura noko uye kuti muzondibatsira parwendo rwangu ikoko, mushure mokunge ndambofadzwa nokuva nemi kwechinguva.
Už několik let se těším, že se u vás zastavím při cestě do Španělska. Doufám, že teď se mi to přání konečně splní a že se s vámi nějakou chvíli potěším, než mne zase vyprovodíte dál.
25 Asi, zvino ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuJerusarema kundoshumira vatsvene variko.
Zatím však musím ještě podniknout cestu do Jeruzaléma, abych pomohl tamním křesťanům.
26 Nokuti veMasedhonia neveAkaya vakafadzwa kuti vagovane navarombo pakati pavatsvene vari muJerusarema.
V Makedonii a Řecku uspořádali totiž sbírku na potřebné bratry v Jeruzalémě.
27 Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana veDzimwe Ndudzi vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino.
Rozhodli se tak, protože jsou Jeruzalémským zavázáni vděčností za užitek z jejich duchovního bohatství.
28 Saka mushure mokunge ndapedza kuita basa iri uye ndaona kuti vagamuchira chibereko ichi, ndichaenda kuSipeini uye ndichakushanyirai parwendo rwangu.
Až tedy vyřídím tuto záležitost a vybrané peníze odevzdám, vypravím se do Španělska a cestou se zastavím u vás.
29 Ndinoziva kuti pandichauya kwamuri, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu.
Už teď cítím, že Kristus našemu setkání určitě požehná.
30 Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, naShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni nokundinyengeterera kuna Mwari.
Chci vás ještě poprosit, milí bratři, modlete se za mne,
31 Nyengeterai kuti ndinunurwe kune vasingatendi vari muJudhea uye kuti ushumiri hwangu muJerusarema hugamuchirwe navatsvene variko,
abych byl ochráněn před nepřátelstvím nevěřících v Judsku a také aby Jeruzalémští mou službu dobře přijali.
32 kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari uye kuti ndimutsiridzwe pamwe chete nemi.
Potom – když mi to dopřeje Bůh – s radostí přijdu k vám, abych mezi vámi trochu pookřál.
33 Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.
Bůh, dárce pokoje, buď s vámi všemi.