< VaRoma 12 >

1 Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.
兄弟たちよ。そういうわけで、神のあわれみによってあなたがたに勧める。あなたがたのからだを、神に喜ばれる、生きた、聖なる供え物としてささげなさい。それが、あなたがたのなすべき霊的な礼拝である。
2 Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana. (aiōn g165)
あなたがたは、この世と妥協してはならない。むしろ、心を新たにすることによって、造りかえられ、何が神の御旨であるか、何が善であって、神に喜ばれ、かつ全きことであるかを、わきまえ知るべきである。 (aiōn g165)
3 Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari.
わたしは、自分に与えられた恵みによって、あなたがたひとりびとりに言う。思うべき限度を越えて思いあがることなく、むしろ、神が各自に分け与えられた信仰の量りにしたがって、慎み深く思うべきである。
4 Nokuti sezvatino muviri mumwe une mitezo mizhinji, uye mitezo iyi yose haina basa rimwe chete,
なぜなら、一つのからだにたくさんの肢体があるが、それらの肢体がみな同じ働きをしてはいないように、
5 saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.
わたしたちも数は多いが、キリストにあって一つのからだであり、また各自は互に肢体だからである。
6 Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake.
このように、わたしたちは与えられた恵みによって、それぞれ異なった賜物を持っているので、もし、それが預言であれば、信仰の程度に応じて預言をし、
7 Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise;
奉仕であれば奉仕をし、また教える者であれば教え、
8 kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamirira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro.
勧めをする者であれば勧め、寄附する者は惜しみなく寄附し、指導する者は熱心に指導し、慈善をする者は快く慈善をすべきである。
9 Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.
愛には偽りがあってはならない。悪は憎み退け、善には親しみ結び、
10 Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.
兄弟の愛をもって互にいつくしみ、進んで互に尊敬し合いなさい。
11 Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.
熱心で、うむことなく、霊に燃え、主に仕え、
12 Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.
望みをいだいて喜び、患難に耐え、常に祈りなさい。
13 Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.
貧しい聖徒を助け、努めて旅人をもてなしなさい。
14 Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka.
あなたがたを迫害する者を祝福しなさい。祝福して、のろってはならない。
15 Farai navanofara; chemai navanochema.
喜ぶ者と共に喜び、泣く者と共に泣きなさい。
16 Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.
互に思うことをひとつにし、高ぶった思いをいだかず、かえって低い者たちと交わるがよい。自分が知者だと思いあがってはならない。
17 Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose.
だれに対しても悪をもって悪に報いず、すべての人に対して善を図りなさい。
18 Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
あなたがたは、できる限りすべての人と平和に過ごしなさい。
19 Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.
愛する者たちよ。自分で復讐をしないで、むしろ、神の怒りに任せなさい。なぜなら、「主が言われる。復讐はわたしのすることである。わたし自身が報復する」と書いてあるからである。
20 Asi: “Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya, kane ane nyota mupe chokunwa. Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.”
むしろ、「もしあなたの敵が飢えるなら、彼に食わせ、かわくなら、彼に飲ませなさい。そうすることによって、あなたは彼の頭に燃えさかる炭火を積むことになるのである」。
21 Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
悪に負けてはいけない。かえって、善をもって悪に勝ちなさい。

< VaRoma 12 >