< VaRoma 10 >

1 Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndekwokuti vaponeswe.
Ndugu, nia ya moyo wangu na ombi langu kwa Mungu ni kwa ajili yao, kwa ajili ya wokovu wao.
2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva.
Kwa kuwa nawashuhudia kwamba wanajuhudi kwa ajili ya Mungu, lakini si kwa ajili ya ufahamu.
3 Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.
Kwa kuwa hawajui haki ya Mungu, na wanatafuta kujenga haki yao wenyewe. Hawakuwa watiifu kwa haki ya Mungu.
4 Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
Kwa kuwa Kristo ndiye utimilifu wa sheria kwa ajili ya haki ya kila mtu aaminiye.
5 Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.”
Kwa kuwa Musa anaandika kuhusu haki ambayo huja kutokana na sheria: “Mtu ambaye hutenda haki ya sheria ataishi kwa haki hii.”
6 Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga’ (ndiko kuburutsa Kristu)
Lakini haki ambayo inatokana na imani husema hivi, “Usiseme moyoni mwako, 'Nani atapaa kwenda mbinguni?' (Hii ni kumleta Kristo chini).
7 kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).” (Abyssos g12)
Na usiseme, 'Nani atashuka katika shimo?”' (Hii ni, kumleta Kristo juu kutoka kwa wafu). (Abyssos g12)
8 Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza:
Lakini inasema nini? “Neno liko karibu na wewe, katika kinywa chako na katika moyo wako.” Hilo ni neno la imani, ambalo tunatangaza.
9 Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.
Kwa kuwa kama kwa kinywa chako unamkiri Yesu ya kuwa ni Bwana, na kuamini moyoni mwako kwamba Mungu alimfufua kutoka kwa wafu, utaokoka.
10 Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.
Kwa kuwa kwa moyo mtu huamini na kupata haki, na kwa kinywa hukiri na kupata wokovu.
11 Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”
Kwa kuwa andiko lasema, “Kila amwaminiye hata aibika.”
12 Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari,
kwa kuwa hakuna tofauti kati ya Myahudi na Myunani. Kwa kuwa Bwana yule yule ni Bwana wa wote, na ni tajiri kwa wote wamwitao.
13 nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”
Kwa kuwa kila mtu ambaye huliitia jina la Bwana ataokoka.
14 Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira?
Kwa jinsi gani wanaweza kumwita yeye ambaye hawajamwamini? Na jinsi gani wanaweza kuamini katika yeye ambaye hawajamsikia? Na watasikiaje pasipo muhubiri?
15 Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”
Na jinsi gani wanaweza kuhubiri, isipokuwa wametumwa? - Kama ilivyoandikwa, “Jinsi gani ni mizuri miguu ya wale ambao wanatangaza habari za furaha za mambo mema!”
16 Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
Lakini wote hawakusikiliza injili. Kwa kuwa Isaya hunena, “Bwana, ni nani aliyesikia ujumbe wetu?”
17 Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
Hivyo imani huja kutokana na kusikia, na kusikia kwa neno la Kristo.
18 Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.”
Lakini nasema, “Je hawakusikia?” Ndiyo, kwa hakika sana. “Sauti yao imekwisha toka nje katika nchi yote, na maneno yao kwenda miisho ya dunia.”
19 Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi; ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.”
Zaidi ya yote, Ninasema, “Je Israel hakujua?” Kwanza Musa hunena, “Nitawachokoza kuwatia wivu kwa watu ambao si taifa. Kwa njia ya taifa lisilo na uelewa, nitawachochea hadi mkasirike.”
20 Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.”
Na Isaya ni jasiri sana na husema, “Nilipatikana na wale ambao hawakunitafuta. Nilionekana kwa wale ambao hawakunihitaji.”
21 Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”
Lakini kwa Israel husema, “Siku zote nilinyoosha mikono yangu kwa wasiotii na kwa watu wagumu.”

< VaRoma 10 >