< Zvakazarurwa 9 >
1 Mutumwa wechishanu akaridza hwamanda yake, ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo. (Abyssos )
Then the fifth angel sounded his trumpet. I saw a star from heaven that had fallen to the earth. The star was given the key to the shaft of the bottomless pit. (Abyssos )
2 Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo. (Abyssos )
He opened the shaft of the bottomless pit, and smoke went up out of the shaft like smoke from a huge furnace. The sun and the air turned dark by the smoke pouring out of the shaft. (Abyssos )
3 Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika.
Out of the smoke locusts came on the earth, and they were given power like that of scorpions on the earth.
4 Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
They were told not to damage the grass on the earth or any green plant or tree, but only the people who did not have the seal of God on their foreheads.
5 Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu.
They were not given permission to kill those people, but only to torture them for five months. Their agony would be like the sting of a scorpion when it strikes a person.
6 Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga.
In those days people will seek death, but will not find it. They will greatly desire to die, but death will flee from them.
7 Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu.
The locusts looked like horses prepared for war. On their heads were something like crowns of gold, and their faces were like human faces.
8 Bvudzi radzo rakanga rakaita sebvudzi romukadzi, uye meno adzo akanga akaita semeno eshumba.
They had hair like women's hair, and their teeth were like lions' teeth.
9 Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvidzitiro zvesimbi, uye mubvumo wamapapiro wakanga wakaita sokutinhira kwengoro namabhiza mazhinji ari kumhanyira kundorwa.
They had breastplates like iron breastplates, and the sound of their wings was like the sound made by many chariots and horses running into battle.
10 Dzakanga dzine miswe norumborera sorwezvinyavada, uye mumiswe yadzo dzakanga dzine simba rokurwadzisa vanhu kwemwedzi mishanu.
They had tails with stingers like scorpions; in their tails they had power to harm people for five months.
11 Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni. (Abyssos )
They had as king over them the angel of the bottomless pit. His name in Hebrew was Abaddon, and in Greek he had the name Apollyon. (Abyssos )
12 Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera.
The first woe is past. Look! After this there are still two disasters to come.
13 Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari.
The sixth angel sounded his trumpet, and I heard a voice coming from the horns of the golden altar that is present before God.
14 Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.”
The voice said to the sixth angel who had the trumpet, “Release the four angels who are bound at the great Euphrates River.”
15 Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zveawa yacho iyoyo, zuva iroro, mwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu.
The four angels who had been prepared for that hour, that day, that month, and that year, were released to kill a third of mankind.
16 Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo.
The number of the soldiers on horseback was 200,000,000. I heard their number.
17 Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri.
This is how I saw the horses in my vision and those who rode on them: Their breastplates were fiery red, dark blue and sulfurous yellow. The heads of the horses resembled the heads of lions, and out of their mouths came fire, smoke, and sulfur.
18 Chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo.
A third of the people were killed by these three plagues: the fire, smoke, and sulfur that came out of their mouths.
19 Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo.
For the power of the horses was in their mouths and in their tails—for their tails were like snakes, and they had heads with which they inflicted wounds on people.
20 Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba.
The rest of mankind, those who were not killed by these plagues, did not repent of the deeds they had done, nor did they stop worshiping demons and idols of gold, silver, bronze, stone, and wood—things that cannot see, hear, or walk.
21 Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.
Neither did they repent of their murders, their sorcery, their sexual immorality or their acts of theft.