< Zvakazarurwa 8 >

1 Akati azarura chisimbiso chechinomwe, kwakava nokunyarara kudenga kwenguva inenge hafu yeawa.
當羔羊開啟了第七個印的時候,天上靜默了約半小時。
2 Uye ndakaona vatumwa vanomwe vanomira pamberi paMwari, uye vakapiwa hwamanda nomwe.
然後,我看見那站在天主面前的七位天使;給了他們七個號角。
3 Mumwe mutumwa, akanga ano mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe, akauya akamira paaritari. Akapiwa zvinonhuhwira zvizhinji zvokuzopa, pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose, paaritari yegoridhe pamberi pechigaro choushe.
又來了另一位天使,持著金香爐,站在祭壇旁;給了他許多乳香,為同眾聖徒的祈禱,一起獻在寶座前的金壇上。
4 Utsi hwezvinonhuhwira, pamwe chete neminyengetero yavatsvene, zvakakwira pamberi paMwari kubva muruoko rwomutumwa.
乳香的煙與聖徒的祈禱,遂由那位天使的手中,升到天主面前。
5 Ipapo mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, akauzadza nomoto waibva paaritari, akaukanda panyika; uye ipapo kwakaita mabhananʼana, maungira okutinhira, kupenya kwemheni nokudengenyeka kwenyika.
此後,那位天使提起香爐,盛滿了祭壇上的火,拋到地上,遂發生了雷霆、響聲、閃電和地動。
6 Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe vakagadzirira kudziridza.
以後,那七位持著七個號角的天使,就準備著吹號角。
7 Mutumwa wokutanga akaridza hwamanda yake, ipapo kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, uye zvikakandwa pamusoro penyika. Chikamu chimwe chete muzvitatu chenyika chakapiswa, chikamu chimwe chete muzvitatu chemiti chikapiswa, uye uswa hwose hunyoro hukapiswa.
第一位一吹號角,就有攙著血的冰雹和火拋到地上;於是大地被燒毀了三分之一,樹木也被燒毀了三分之一,青草全被燒盡。
8 Mutumwa wechipiri akaridza hwamanda yake uye chimwe chinhu chakanga chakaita segomo guru, raipfuta rose, chikakandwa mugungwa. Chikamu chimwe chete muzvitatu chegungwa chakashanduka chikava ropa,
第二位天使一吹號角,就好像有一座燃著火的大山,投入海中;於是海的三分之一便成了血,
9 chikamu chimwe chete muzvitatu chezvisikwa zvipenyu zviri mugungwa chikafa, uye chikamu chimwe chete muzvitatu chezvikepe chikaparadzwa.
海裏一切有生命之物也死了三分之一,船隻也毀壞了三分之一。
10 Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechikamu chimwe chete muzvitatu chenzizi nezvitubu zvemvura,
第三位天使一吹號角,就有一顆大星,熾熱有如火把,從天上落下來,落在河的三分之一和水泉上。
11 zita renyeredzi rainzi Chinovava. Chikamu chimwe chete muzvitatu chemvura zhinji chakavava, uye vanhu vazhinji vakafa nokuda kwemvura yakanga yovava.
這星的名字叫「苦艾;」於是水的三分之一變成苦的,許多人因水變苦了而死去。
12 Mutumwa wechina akaridza hwamanda yake, uye chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva chikarohwa, chikamu chimwe chete muzvitatu chomwedzi, nechikamu chimwe chete muzvitatu chenyeredzi, zvokuti chikamu chimwe chete muzvitatu chazvo chakashanduka chikasviba. Chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva iro chakanga chisina chiedza, uyewo nechikamu chimwe chete muzvitatu chousiku uhwo.
第四位天使一吹號角,太陽的三分之一,月亮的三分之一和星辰的三分之一,都受了打擊,以致它們的三分之一黑暗了,白日三分之一失了光,黑夜也是一樣。
13 Pandakatarira, ndakanzwa gondo rakanga richibhururuka pakati pomuchadenga richirira nenzwi guru richiti, “Nhamo! Nhamo! Nhamo kuna vanogara panyika, nokuda kwehwamanda dzava kuda kuzoridzwa navamwe vatumwa vatatu!”
以後,我看見,也聽見在天空中飛翔的一隻鷹大聲說:「還有另三位吹號角的天使,當他們發出號聲時,禍哉!禍哉!禍哉,地上的居民!」

< Zvakazarurwa 8 >