< Zvakazarurwa 7 >

1 Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo.
ܘܡܢ ܒܬܪ ܗܕܐ ܚܙܝܬ ܐܪܒܥܐ ܡܠܐܟܝܢ ܩܝܡܝܢ ܥܠ ܐܪܒܥ ܙܘܝܬܗ ܕܐܪܥܐ ܘܐܚܝܕܝܢ ܠܐܪܒܥܬ ܪܘܚܐ ܕܠܐ ܢܫܒ ܪܘܚܐ ܥܠ ܐܪܥܐ ܘܠܐ ܥܠ ܝܡܐ ܘܠܐ ܥܠ ܟܠ ܐܝܠܢ
2 Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati:
ܘܚܙܝܬ ܐܚܪܢܐ ܡܠܐܟܐ ܕܤܠܩ ܡܢ ܡܕܢܚܝ ܫܡܫܐ ܘܐܝܬ ܠܗ ܚܬܡܐ ܕܐܠܗܐ ܚܝܐ ܘܩܥܐ ܒܩܠܐ ܪܡܐ ܠܐܪܒܥܐ ܡܠܐܟܐ ܗܢܘܢ ܕܐܬܝܗܒ ܠܗܘܢ ܕܢܗܪܘܢ ܠܐܪܥܐ ܘܠܝܡܐ
3 “Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.”
ܘܐܡܪ ܠܐ ܬܗܪܘܢ ܠܐܪܥܐ ܘܠܐ ܠܝܡܐ ܘܐܦܠܐ ܠܐܝܠܢܐ ܥܕܡܐ ܕܢܚܬܘܡ ܠܥܒܕܘܗܝ ܕܐܠܗܐ ܒܝܬ ܥܝܢܝܗܘܢ
4 Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.
ܘܫܡܥܬ ܡܢܝܢܐ ܕܚܬܝܡܐ ܡܐܐ ܘܐܪܒܥܝܢ ܘܐܪܒܥܐ ܐܠܦܝܢ ܡܢ ܟܠ ܫܪܒܢ ܕܐܝܤܪܐܝܠ
5 Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso, kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri,
ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܝܗܘܕܐ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܪܘܒܝܠ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܓܕ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ
6 kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri,
ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܐܫܝܪ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܢܦܬܠܝ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܡܢܫܐ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ
7 kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri,
ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܫܡܥܘܢ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܐܝܤܟܪ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܠܘܝ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ
8 kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.
ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܙܒܘܠܘܢ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܝܘܤܦ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ ܡܢ ܫܪܒܬܗ ܕܒܢܝܡܝܢ ܬܪܥܤܪ ܐܠܦܝܢ ܚܬܝܡܐ
9 Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo.
ܒܬܪܟܢ ܚܙܝܬ ܟܢܫܐ ܤܓܝܐܐ ܐܝܢܐ ܕܠܡܢܝܢܗ ܠܝܬ ܕܡܨܐ ܗܘܐ ܡܢ ܟܠ ܥܡ ܘܫܪܒܐ ܘܐܡܘܢ ܘܠܫܢܝܢ ܕܩܝܡܝܢ ܩܕܡ ܟܘܪܤܝܐ ܘܩܕܡܘܗܝ ܕܐܡܪܐ ܘܡܥܛܦܝܢ ܐܤܛܠܐ ܚܘܪܬܐ ܘܒܐܝܕܝܗܘܢ ܕܩܠܐ
10 Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti: “Ruponeso ndorwaMwari wedu, anogara pachigaro choushe, uye ndorweGwayana.”
ܘܩܥܝܢ ܒܩܠܐ ܪܒܐ ܘܐܡܪܝܢ ܦܘܪܩܢܐ ܠܐܠܗܢ ܘܠܕܝܬܒ ܥܠ ܟܘܪܤܝܐ ܘܠܐܡܪܐ
11 Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari,
ܘܟܠܗܘܢ ܡܠܐܟܐ ܩܝܡܝܢ ܗܘܘ ܚܕܪܘܗܝ ܕܟܘܪܤܝܐ ܘܕܩܫܝܫܐ ܘܕܐܪܒܥ ܚܝܘܢ ܘܢܦܠܘ ܩܕܡ ܟܘܪܤܝܐ ܥܠ ܐܦܝܗܘܢ
12 vachiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokubwinya nouchenjeri nokuvonga nokukudzwa noushe nesimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni!” (aiōn g165)
ܟܕ ܐܡܪܝܢ ܐܡܝܢ ܬܫܒܘܚܬܐ ܘܒܘܪܟܬܐ ܘܚܟܡܬܐ ܘܩܘܒܠ ܛܝܒܘܬܐ ܘܐܝܩܪܐ ܘܚܝܠܐ ܘܥܘܫܢܐ ܠܐܠܗܢ ܠܥܠܡ ܥܠܡܝܢ ܐܡܝܢ (aiōn g165)
13 Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?”
ܘܥܢܐ ܚܕ ܡܢ ܩܫܝܫܐ ܘܐܡܪ ܠܝ ܗܠܝܢ ܕܥܛܝܦܝܢ ܐܤܛܠܐ ܚܘܪܬܐ ܡܢ ܐܢܘܢ ܘܡܢ ܐܝܟܐ ܐܬܘ
14 Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.” Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.
ܘܐܡܪܬ ܠܗ ܡܪܝ ܐܢܬ ܝܕܥ ܐܢܬ ܘܐܡܪ ܠܝ ܗܠܝܢ ܐܢܘܢ ܐܝܠܝܢ ܕܐܬܘ ܡܢ ܐܘܠܨܢܐ ܪܒܐ ܘܚܠܠܘ ܐܤܛܠܝܗܘܢ ܘܚܘܪܘ ܐܢܝܢ ܒܕܡܐ ܕܐܡܪܐ
15 Naizvozvo, “vari pamberi pechigaro chaMwari uye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo.
ܡܛܠ ܗܢܐ ܐܝܬܝܗܘܢ ܩܕܡ ܟܘܪܤܝܐ ܕܐܠܗܐ ܘܡܫܡܫܝܢ ܠܗ ܐܝܡܡܐ ܘܠܠܝܐ ܒܗܝܟܠܗ ܘܕܝܬܒ ܥܠ ܟܘܪܤܝܐ ܢܓܢ ܥܠܝܗܘܢ
16 Havachazoziyi nenzara zvakare; havachazonzwi nyota zvakare. Havachazopiswi nezuva, kana nokupisa kupi zvako.
ܠܐ ܢܟܦܢܘܢ ܘܠܐ ܢܨܗܘܢ ܘܫܡܫܐ ܥܠܝܗܘܢ ܠܐ ܢܦܠ ܘܠܐ ܟܠ ܫܘܒܐ
17 Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo; richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu. Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”
ܡܛܠ ܕܐܡܪܐ ܕܒܡܨܥܬ ܟܘܪܤܝܐ ܢܪܥܐ ܐܢܘܢ ܘܢܫܒܠ ܐܢܘܢ ܨܝܕ ܚܝܐ ܘܨܝܕ ܥܝܢܬܐ ܕܡܝܐ ܘܢܠܚܐ ܟܠ ܕܡܥܐ ܡܢ ܥܝܢܝܗܘܢ

< Zvakazarurwa 7 >